Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Zvirevo 16:3—“Turira Mabasa Ako Ose Kuna TENZI”

Zvirevo 16:3—“Turira Mabasa Ako Ose Kuna TENZI”

 “Isa zvese zvaunoita mumaoko aJehovha, uye zvirongwa zvako zvichabudirira.”—Zvirevo 16:3, BhaibheriShanduro yeNyika Itsva.

 “Turira mabasa ako ose kuna TENZI zvawakaronga zvigobudirira.”—Zvirevo 16:3, Bhaibheri rine Apokirifa.

Zvinorehwa naZvirevo 16:3

 Chirevo ichi chinoita kuti vaya vanonamata Mwari wechokwadi vave nechivimbo chekuti zvirongwa zvavo zvichabudirira kana vakavimba naye kuburikidza nekutsvaga kutungamirirwa naye.

 “Isa zvese zvaunoita mumaoko aJehovha.” Vanhu vanonamata Jehovha a vanoratidza kuzvininipisa kuburikidza nekutsvaga kutungamirirwa naye vasati vaita zvisarudzo. (Jakobho 1:5) Nei vachidaro? Chimwe chikonzero ndechekuti kazhinji vanhu havakwanisi kuziva kana kudzora zvinoitika muupenyu hwavo. (Muparidzi 9:11; Jakobho 4:13-15) Uyewo vanogona kunge vasina uchenjeri hunodiwa kuti vaite zvavakaronga. Izvi ndizvo zvinoita kuti vakawanda vaise, kana kuti vaturire zvirongwa zvazvo kuna Mwari. Vanoita izvi kuburikidza nekunyengetera vachikumbira kuti avatungamirire uye nekuita zvinotaurwa muShoko rake, Bhaibheri.—Zvirevo 3:5, 6; 2 Timoti 3:16, 17.

 Mashoko ekuti “turira . . . kuna TENZI b” anoreva kuti “kungurutsira kuna TENZI.” Rimwe bhuku rakatsanangura mashoko aya richiti anopa pfungwa “yemurume anenge akatakura mutoro unorema asi obva auturira pane mumwe murume akasimba kumupfuura uye waanoziva kuti anokwanisa kuutakura.” Vaya vanoratidza kuti vanovimba naMwari vachizvininipisa vanogona kuva nechokwadi chekuti achavabatsira uye achavatsigira.—Pisarema 37:5; 55:22.

 Mashoko ekuti “mabasa ako ose” haarevi kuti Mwari anofarira kana kuti anokomborera zvirongwa zvese zvevanhu. Kuti vanhu vakomborerwe naJehovha, zvirongwa zvavo zvinofanira kunge zvichienderana nezvaanoda uye nemitemo yake. (Pisarema 127:1; 1 Johani 5:14) Mwari haakomboreri vanhu vasingamuteereri. Anotoita kuti “mazano evakaipa akundikane.” (Pisarema 146:9) Asi anotsigira vaya vanoratidza kuti vanozviisa pasi pake kuburikidza nekuremekedza mitemo yake yaakaita kuti inyorwe muBhaibheri.—Pisarema 37:23.

 “Uye zvirongwa zvako zvichabudirira.” Mune mamwe maBhaibheri eChirungu, mashoko aya akashandurwa achinzi “zvirongwa zvako zvigomira.” MuMagwaro echiHebheru, ayo anonyanya kuzivikanwa seTestamende Yekare, shoko rinoshandurwa muChirungu kuti “kumira” rinopa pfungwa yekuisa faundesheni, uye rinowanzoreva kutsiga kwakaita zvinhu zvakasikwa naMwari. (Zvirevo 3:19; Jeremiya 10:12) Saizvozvowo, Mwari achaita kuti zvirongwa zvevaya vanoita zvaanoti zvakanaka zvimire, ovabatsira kuti vararame upenyu hunofadza vachinzwa vakagadzikana uye vasina chekutya.—Pisarema 20:4; Zvirevo 12:3.

Mashoko Akapoteredza Zvirevo 16:3

 Mashoko aya akanyorwa naMambo Soromoni, uyo akanyora chikamu chakakura chezviri mubhuku raZvirevo. Aikwanisa kutaura zviuru zvezvirevo nekuti Mwari akanga amupa uchenjeri.—1 Madzimambo 4:29, 32; 10:23, 24.

 Muchitsauko 16, Soromoni anotanga nekurumbidza uchenjeri hwaMwari uye anoratidza kuti Mwari anovenga vanhu vanozvikudza. (Zvirevo 16:1-5) Chitsauko chacho chinozobatsira vaverengi kunzwisisa chokwadi chinokosha chinoramba chichingotaurwa mubhuku raZvirevo chekuti: Vanhu vanongokwanisa kuva neuchenjeri uye kubudirira kana vachizvininipisa uye vachibvuma kutungamirirwa naMwari. (Zvirevo 16:3, 6-8, 18-23) Chokwadi ichi chinodzokororwa chadzokororwazve muBhaibheri.—Pisarema 1:1-3; Isaya 26:3; Jeremiya 17:7, 8; 1 Johani 3:22.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe pfupiso yezviri mubhuku raZvirevo.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?

b Mumashoko akanzi Tsananguro yeChitenderano Chitsva neChekare, Bhaibheri rine Apokirifa rinoti: ‘“TENZI” anoreva izwi rechiHebheru rinoti Yahwe rakambodudzirwa nevamwe kuti Jehovha.’ Kuti uone kuti nei izvi zvichigona kuvhiringidza vanhu vanenge vachiverenga Bhaibheri, ona nyaya iri pachikamu chino yakanzi “Isaya 42:8—‘Ndini TENZI.’