Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvatingaita Kuti Tirambe Tichizvipira

Zvatingaita Kuti Tirambe Tichizvipira

“Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe.”—MAT. 16:24.

1. Jesu akaratidza sei kuti aiva munhu akazvipira?

JESU paaiva panyika akanyatsoratidza kuti kuzvipira kuita sei. Airega zvaaida uye zvakamunakira kuti aite zvaidiwa naMwari. (Joh. 5:30) Akaramba akatendeka kusvikira afa padanda rokutambudzikira, uye izvozvo zvinoratidza kuti ainge akazvipira chaizvo.—VaF. 2:8.

2. Tingaratidza sei kuti takazvipira, uye nei tichifanira kudaro?

2 Sevateveri vaJesu, tinofanirawo kuratidza kuzvipira. Kuzvipira kuita sei? Kuva nechido chokurega zvinhu zvaunoda kuti ubatsire vamwe. Kunorevawo kusangofunga zvinhu zvakakunakira. (Verenga Mateu 16:24.) Kuzvipira kunogona kutibatsira kuti tiise manzwiro evamwe uye zvakavanakira pokutanga, zvedu zvozouya pashure. (VaF. 2:3, 4) Jesu akatodzidzisa kuti kuzvipira kunokosha chaizvo pakunamata kwedu. Nei kuchikosha? Nokuti rudo rwechiKristu, urwo rwunoita kuti munhu azozvipira, ndirwowo chiratidzo chikuru chevadzidzi vaJesu vechokwadi. (Joh. 13:34, 35) Fungawo nezvemakomborero atinawo nemhaka yokuti tiri musangano rehama riri munyika yose rine vanhu vanozvipira!

3. Chii chinogona kukanganisa kuzvipira kwedu?

3 Asi kuzvipira kwedu kunogona kukanganiswa tisingazvioni. Izvi zvinogona kuitika nokuti tinowanzoda kuita  zvakatinakira. Yeuka kuti Adhamu naEvha vakaratidza sei kuti vaida zvakavanakira. Evha akaratidza kuti aingofunga zvakamunakira paakada kufanana naMwari. Murume wake akaratidzawo kuti aingofunga zvakamunakira paakada kufadza mudzimai wake. (Gen. 3:5, 6) Pashure pokunge atsausa Adhamu naEvha pakunamata kwechokwadi, Dhiyabhorosi akaramba achiisa vanhu mumuedzo wokuti vangofunga zvakavanakira. Akatoitawo izvozvo paaiedza Jesu. (Mat. 4:1-9) Mazuva ano, Satani akatsausa vanhu vakawanda, achiita kuti vagare vachingofunga zvakavanakira. Saka tinofanira kungwarira nokuti tinogona kupedzisirawo tava kudaro.—VaEf. 2:2.

4. (a) Panguva ino tinokwanisa here kubvisa pfungwa yokungoda zvakatinakira? Tsanangura. (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura?

4 Kungofunga zvakakunakira kunogona kufananidzwa nengura inoitika pasimbi. Mudziyo wesimbi unogona kuita ngura kana ukasiyiwa panzvimbo ine unyoro. Kana ngura yacho ikaregwa ichiwedzera, mudziyo wacho unogona kupedzisira wakanganisika kana kuti usisashandi. Saizvozvowo, kunyange zvazvo panguva ino tisingakwanisi kubvisa pfungwa yokungoda zvakatinakira, tinofanira kungwarira kuti isatikanganisa uye tinofanira kuramba tichiirwisa. (1 VaK. 9:26, 27) Tingaziva sei kana tiri vanhu vanongoda zvakavanakira? Uye tingaita sei kuti tiwedzere kuzvipira?

SHANDISA BHAIBHERI KUTI UONE KANA UCHINGODA ZVAKAKUNAKIRA

5. (a) Bhaibheri rakaita segirazi pakudii? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Chii chatisingafaniri kuita patinenge tichizviongorora kuti tione kana tichingoda zvakatinakira?

5 Sokushandisa kwatinongoita girazi kuti tione zvakaita chitarisiko chedu, tinogona kushandisawo Bhaibheri kuti tione zvatakaita nechomukati uye kuti tigadzirise zvatinenge taona. (Verenga Jakobho 1:22-25.) Zvisinei girazi rinogona kungotibatsira chete kugadzirisa chitarisiko chedu kana tikarishandisa zvakanaka. Somuenzaniso, kana tikatarisa mugirazi tichimhanya-mhanya, tingatadza kuona chinhu chidiki chinoda kugadziriswa. Uyewo kana tikatarisa mugirazi tiri necheparutivi, tinogona kuona chiso chemumwe munhu. Saizvozvowo, kuti tishandise Bhaibheri kuona kana tichingoda zvakatinakira, hatifaniri kungoriverenga tichimhanya kana kurishandisa kuti tione zvikanganiso zvevamwe.

6. ‘Tinoramba’ sei tiri mumutemo wakakwana?

6 Somuenzaniso, tinogona kuverenga Shoko raMwari nguva dzose, kunyange zuva nezuva asi totadza kuona kuti tine kakuzvifunga kari kukura matiri. Izvi zvingaitika sei? Funga izvi: Mumuenzaniso waJakobho, dambudziko harisi rokuti munhu wacho haana kunyatsotarira mugirazi. Jakobho akanyora kuti munhu wacho “anozvitarira.” Apa Jakobho akashandisa shoko rechiGiriki rinoreva kunan’anidza kana kuti kunyatsoongorora. Saka dambudziko romunhu uyu raiva rei? Jakobho akati munhu wacho akaenda achibva “akanganwa kuti iye munhu akaita sei.” Saka munhu wacho akabva pagirazi asina kugadzirisa zvaakaona. Asi munhu anobudirira haangogumiri pakunyatsotarira “mumutemo wakakwana” asiwo “anorambira mauri.” Pane kukanganwa mutemo wakakwana weShoko raMwari, anoramba achiita zvaunotaura. Jesu akataura pfungwa yakafanana paakati: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, chokwadi muri vadzidzi vangu.”—Joh. 8:31.

7. Tingashandisa sei Bhaibheri kuona kana tichingoda zvakatinakira?

7 Saka kana uchida kubudirira kurwisa kungoda zvakakunakira, unofanira kutanga wanyatsoverenga Shoko raMwari. Izvozvo zvinogona kukubatsira kuona paunofanira kugadzirisa. Asi haufaniri kugumira  ipapo. Unofanira kutsvakurudza. Kana wava kunyatsonzwisisa nhoroondo yeBhaibheri, zvibvunze mibvunzo yakadai seiyi: ‘Dai ndaiva mumamiriro ezvinhu akadai ndingadai ndakaita sei? Chokwadi ndingadai ndakaita zvakarurama here?’ Chinonyanya kukosha ndechokuti, pashure pokufungisisa zvawaverenga, edza kuzvishandisa. (Mat. 7:24, 25) Ngatikurukurei kuti tingabatsirwa sei nenyaya yaMambo Sauro uye yomuapostora Petro kuti tirambe tichizvipira.

DZIDZA PANE ZVAKAITWA NAMAMBO SAURO

8. Sauro paakatanga kutonga aiva munhu akaita sei, uye akazviratidza sei?

8 Zvakaitika kuna Mambo Sauro weIsraeri zvinotidzidzisa kuti kuzvipira kwedu kunogona kupedzisira kwakanganiswa nepfungwa yokungoda zvakatinakira. Sauro aizvininipisa chaizvo paakatanga kutonga. (1 Sam. 9:21) Akaramba kuranga vaIsraeri vaiti ainge asingakodzeri kuva mambo, kunyange zvazvo angadai akafunga kuti aiva nekodzero yokudzivirira chinzvimbo chake chaakapiwa naMwari. (1 Sam. 10:27) Mambo Sauro akabvuma kutungamirirwa nemudzimu waMwari paakaenda nevaIsraeri kunorwisa vaAmoni akavakunda. Pashure paizvozvo, akazvininipisa akaita kuti Jehovha akudzwe nemhaka yekukunda kwaainge aita.—1 Sam. 11:6, 11-13.

9. Zvakafamba sei kuti Sauro azopedzisira ava kungofunga zvakamunakira?

9 Sezvinongoita ngura inodya simbi zvishoma nezvishoma, Sauro akazorega pfungwa yokuda zvakamunakira uye yokuzvikudza ichikura maari. Paakakunda vaAmareki muhondo, akaisa zvido zvake pokutanga pane kuteerera Jehovha. Sauro akaratidza makaro nokutora zvakapambwa pane kuzviparadza sezvainge zvarayirwa naMwari. Uye akaratidza kuzvikudza paakazvivakira shongwe. (1 Sam. 15:3, 9, 12) Muprofita Samueri paakamuudza kuti Jehovha haana kufara nezvaakaita, Sauro akaedza kuvhara mhosva yake achiti ainge ateerera zvimwe zvaainge arayirwa naMwari uye akanakurira vamwe nyoka mhenyu. (1 Sam. 15:16-21) Uyewo, kuzvikudza kwakaita kuti Sauro anyanye kufunga nezvekuti asanyadziswe pane kuti afunge kufadza Mwari. (1 Sam. 15:30) Tingashandisa sei nhoroondo yaSauro segirazi kuti itibatsire kuramba tichizvipira?

10, 11. (a) Zvakaitika kuna Sauro zvinotidzidzisei nezvekuramba tichizvipira? (b) Tingaita sei kuti tisatevedzera muenzaniso wakaipa waSauro?

10 Chokutanga, zvakaitika kuna Sauro zvinotidzidzisa kuti hatifaniri kufunga kuti kana takamboratidza kuti takazvipira tichangoramba takadaro. (1 Tim. 4:10) Yeuka kuti Sauro akamboita zvakanaka achifarirwa naMwari, asi akakundikana kubvisa pfungwa yokungoda kuita zvakamunakira. Jehovha akazomuramba nemhaka yokusateerera kwake.

11 Chechipiri, tinofanira kungwarira kuti tisangoisa pfungwa pazvinhu zvakanaka zvatiri kuita muupenyu, tokanganwa zvatinofanira kugadzirisa. Izvi tingazvifananidza nokutarisa mugirazi tichiyemura zvipfeko zvedu zvitsva asi tichisiya kumeso kwedu kusina kumira zvakanaka. Kunyange zvazvo tingasazosvika pakuita saSauro, tinofanira kungwarira kuti tisatombova nekapfungwa kangaita kuti tipedzisire taita sezvaakaita. Kana tikapiwa zano, ngatingwarirei kuti tisatsvage tuzvikonzero, tisafunga kuti hapana chatakanganisa, kana kupomera vamwe zvatinenge takanganisa. Pane kuita saSauro, zvakanaka kuti tibvume zano.—Verenga Pisarema 141:5.

12. Kuzvipira kungatibatsira sei kana taita chivi chakakura?

12 Asi zvakadini kana tikaita chivi chakakura? Sauro aida kuramba aine mukurumbira wakanaka, uye izvozvo zvakamutadzisa kugadzirisa ukama hwake naMwari.  Hatifaniri kumutevedzera asi tinofanira kuratidza kuti tiri vanhu vanozvipira torega kunyara kutsvaka rubatsiro. (Zvir. 28:13; Jak. 5:14-16) Somuenzaniso, imwe hama yakatanga kuona zvinonyadzisira iine makore 12, uye yakaramba ichidaro pasina aizviziva kwemakore anopfuura gumi. Inoti: “Zvainge zvakaoma chaizvo kuudza mudzimai wangu nevakuru zvandaiita. Asi kuvaudza kwandakaita kwava kuita kuti ndinzwe sokuti ndabvisirwa mutoro unorema pamapfudzi angu. Dzimwe shamwari dzangu hadzina kufara pandakabviswa pakuva mushumiri anoshumira, dzichiona sokuti ndainge ndadziodza mwoyo. Asi ndava kuziva kuti Jehovha ava kufadzwa nokumushumira kwandava kuita kupfuura pandaiona zvinonyadzisira, uye maonero ake ndiwo anonyanya kukosha.”

PETRO AKAKURIRA KUFUNGA ZVAKANGOMUNAKIRA

13, 14. Petro akaratidza sei kuti aingozvifunga?

13 Muapostora Petro airatidza kuti aiva munhu anozvipira paaidzidziswa naJesu. (Ruka 5:3-11) Asi aifanira kurwisa pfungwa yokungofunga zvakamunakira. Somuenzaniso, akagumbuka muapostora Jakobho naJohani pavaida kuwana zvinzvimbo zvepamusoro vari pedyo naJesu muUmambo hwaMwari. Zvimwe Petro aifunga kuti ndiye aifanira kuwana chimwe chinzvimbo chacho sezvo Jesu ainge atombotaura kuti Petro aizoita basa rinokosha. (Matt. 16:18, 19) Asi Jesu akayambira Jakobho, Johani, naPetro wacho kusanganisira vaapostora vose kuti vasada ‘kuzviita madzishe’ pahama dzavo.—Mako 10:35-45.

14 Kunyange Jesu paakaedza kugadzirisa mafungiro aPetro, dambudziko raPetro rakaramba riripo. Jesu paakaudza vaapostora vake kuti vaizombomusiya, Petro akatoshora vamwe achizvikwidziridza nokutaura kuti iye chete ndiye aizoramba akatendeka. (Mat. 26:31-33) Aisafanira kuzvivimba, nokuti usiku ihwohwo chaihwo akatadza kuratidza kuzvipira. Achiedza kuzvidzivirira, Petro akaramba Jesu katatu.—Mat. 26:69-75.

15. Nei muenzaniso waPetro uchitikurudzira?

15 Pasinei nokuti Petro ainetseka nokungozvifunga uye kuti aikanganisa, zvakaitika  muupenyu hwake zvinotikurudzira chaizvo. Petro akabatsirwa nomudzimu mutsvene waMwari uye akashanda nesimba zvokuti akakwanisa kukurira mafungiro asina kunaka uye akanga ava kukwanisa kuzvidzora uye kuratidza kuzvipira. (VaG. 5:22, 23) Akatsungirira miedzo yakatokura kupfuura yaainge ambotadza kukurira. Akaratidza kuzvininipisa nezvaakaita paakatsiurwa paruzhinji nemuapostora Pauro. (VaG. 2:11-14) Uye Petro haana kugumbukira Pauro, achifunga kuti ainge amunyadzisa. Akaramba achingoda Pauro. (2 Pet. 3:15) Muenzaniso waPetro unogona kutibatsira kuti tiwedzere kuzvipira.

Petro akaita sei paakatsiurwa? Tingaitawo here sezvaakaita? (Ona ndima 15)

16. Tingaratidza sei kuzvipira patinova mumamiriro ezvinhu akaoma?

16 Funga zvaunoita kana wava mumamiriro ezvinhu akaoma. Petro nevamwe vaapostora pavakaiswa mujeri ndokuzvamburwa nemhaka yekuparidza kwavaiita, vakafara “nokuti vakanga vanzi vakakodzera kuzvidzirwa zita [raJesu].” (Mab. 5:41) Newewo unogona kuona kutambudzwa semukana wokutevedzera Petro uye kutevera tsoka dzaJesu nokuratidza kuzvipira. (Verenga 1 Petro 2:20, 21.) Kuva nemaonero akadaro kunogona kukubatsira kana ukapiwa zano nevakuru. Tevedzera muenzaniso waPetro pane kugumbuka.—Mup. 7:9.

17, 18. (a) Tingazvibvunza kuti kudii panyaya yezvinangwa zvedu zvokunamata? (b) Tingaitei kana tikaona kuti tine kapfungwa kokungozvifunga?

17 Zvakaitika kuna Petro zvinogona kukubatsirawo pazvinangwa zvokunamata. Unogona kuvavarira kuzadzisa zvinangwa izvozvo uchiratidza kuti uri munhu anozvipira. Asi ngwarira kuti chinangwa chako chisava chokuda mukurumbira. Saka zvibvunze kuti, ‘Ndinoda kuwedzera basa rangu pakushumira Jehovha kana kuti kunatsiridza kumushumira kwandinoita nechinangwa chokuda kuonekwa kana kuwana masimba here, sezvingava zvirizvo zvaidiwa naJakobho naJohani pavakataura chikumbiro chavo kuna Jesu?’

18 Kana ukaona kuti une kapfungwa kokuda zvakangokunakira, kumbira Jehovha kuti akubatsire kugadzirisa mafungiro uye manzwiro ako; zvadaro chishanda nesimba kuti Jehovha akudzwe kwete kuti iwe ukudzwe. (Pis. 86:11) Unogonawo kuvavarira zvinangwa zvisingazoiti kuti uzivikanwe zvakanyanya. Somuenzaniso, unogona kushanda nesimba kuti uwedzere kuratidza humwe unhu hunoumba chibereko chomudzimu hwaunoona huchikuomera. Kana uchinyatsogadzirira hurukuro dzako dzepamisangano asi usingafariri kuchenesa Imba yoUmambo, unogona kuva nechinangwa chokushandisa zano riri pana VaRoma 12:16.—Verenga.

19. Chii chatingaita kuti tisaodzwe mwoyo nezvatinoona kana tikatarisa muShoko raMwari?

19 Kana tikanyatsozvitarira tichishandisa Shoko raMwari rakaita segirazi toona pasina kumira zvakanaka, kana kuti pfungwa yokuda zvakangotinakira, tinogona kuora mwoyo. Kana izvozvo zvikaitika kwauri, funga nezvemunhu anoita zvakanaka anotaurwa mumufananidzo waJakobho. Jakobho haana kusimbisa kuti munhu wacho akakurumidza zvakadini kugadzirisa zvaakaona zvisina kumira zvakanaka uye haanawo kuti akagadzirisa kese kainge kasina kumira zvakanaka; asi akati munhu wacho ‘akarambira mumutemo wakakwana.’ (Jak. 1:25) Akayeuka zvaakaona mugirazi ndokuramba achishanda kuti azvigadzirise. Saka usaora mwoyo uye yeuka kuti uri munhuwo anotadza. (Verenga Muparidzi 7:20.) Ramba uchinyatsotarira mumutemo wakakwana, uye shanda nesimba kuti urambe uchizvipira. Jehovha anoda chaizvo kukubatsira, sekubatsira kwaakaita hama dzako dzakawanda, idzo dzinokwanisa kufarirwa uye kukomborerwa naMwari pasinei nokuti dzinotadza.