Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unobvuma Kuti Jehovha Akubvunze Here?

Unobvuma Kuti Jehovha Akubvunze Here?

Unobvuma Kuti Jehovha Akubvunze Here?

MUBHAIBHERI mune mibvunzo yakawanda inobatsira munhu kunyatsoongorora zviri mumwoyo make chaimo. Kutaura zvazviri, Jehovha Mwari pachake anotidzidzisa chokwadi chinokosha achishandisa mibvunzo. Somuenzaniso, Jehovha akabvunza Kaini mibvunzo inoverengeka paaimunyevera kuti agadzirise maonero ake akanga asina kunaka. (Gen. 4:6, 7) Dzimwe nguva kungobvunzwa mubvunzo mumwe chete naJehovha kunobatsira munhu kuti aite zvakanaka. Muprofita Isaya paakanzwa Jehovha achibvunza kuti: “Ndichatuma ani, uye ndiani achatiendera?” akapindura achiti: “Ndiri pano! Nditumei.”—Isa. 6:8.

Mudzidzisi Mukuru Jesu akabvunzawo mibvunzo yaibatsira. MuEvhangeri mune mibvunzo yakabvunzwa naJesu inopfuura 280. Kunyange zvazvo apo neapo aibvunza mibvunzo yaiita kuti vaya vaimushora vashaye romuromo, kazhinji chinangwa chake chaiva chokubaya mwoyo yevateereri vake, zvichiita kuti vafunge nezvoukama hwavo naMwari. (Mat. 22:41-46; Joh. 14:9, 10) Saizvozvowo, muapostora Pauro, uyo akanyora mabhuku 14 eMagwaro echiKristu echiGiriki, ainyengetedza achishandisa mibvunzo. (VaR. 10:13-15) Somuenzaniso, mutsamba yaakanyorera vaRoma muzere mibvunzo. Mibvunzo yaPauro inoita kuti vanoverenga tsamba dzake vazive ‘kudzama kwakaita pfuma yaMwari nouchenjeri nezivo.’—VaR. 11:33.

Kunyange zvazvo mimwe mibvunzo ichida mhinduro, mimwe yacho inoitirwa kuti munhu afungisise. Evhangeri dzinotaura nezvemibvunzo yaibvunzwa naJesu, yaiita kuti munhu afungisise. Mumwe musi Jesu akayambira vadzidzi vake kuti: “Chenjererai mbiriso yevaFarisi nembiriso yaHerodhi,” achireva unyengeri hwavo nedzidziso dzenhema. (Mako 8:15; Mat. 16:12) Vadzidzi vaJesu havana kunzwisisa pfungwa yacho uye vakatanga kuitirana nharo nezvokuti vakanga vakanganwa kuuya nechingwa. Cherechedza mibvunzo yakabvunzwa naJesu pahurukuro pfupi yakazotevera. “Akati kwavari: ‘Nei muchiitirana nharo pamusoro pokusava kwenyu nezvingwa? Hamusati mava kunzwisisa nokuwana zvazvinoreva here? Mwoyo yenyu yakagomara pakunzwisisa here? “Kunyange muine maziso, hamuoni here; uye kunyange muine nzeve, hamunzwi here?’ . . . Hamusati mava kunzwisisa here?’” Jesu paaibvunza mibvunzo akanga asingadi kuti vamupindure asi kuti vafunge nezvazvo, izvo zvaizovabatsira kufungisisa zvaainge ataura.—Mako 8:16-21.

“Rega Ndikubvunze”

Jehovha Mwari akabvunza mushumiri wake Jobho mimwe mibvunzo kuitira kuti amubatsire kuchinja mafungiro ake. Jehovha akabvunza Jobho mibvunzo yakawanda, achimubatsira kuona kuti aiva muduku zvikuru kana achienzaniswa noMusiki wake. (Jobho, zvitsauko 38-41) Jehovha aitarisira kuti Jobho amupindure mibvunzo yose iyi zvinonzwika here? Hatingafungi hedu kudaro. Zviri pachena kuti mibvunzo yakaita sewokuti “Wakanga uri kupi pandakavaka nheyo yenyika?” yaibvunzirwa kuti Jobho afungisise. Mibvunzo iyoyo isati yatombopera, Jobho akasiyiwa asina kana neromuromo. Akangoti: “Chii chandingakupindurai? Ndabata muromo wangu.” (Job. 38:4; 40:4) Jobho akanzwisisa pfungwa yacho akazvininipisa. Asi Jehovha akanga asiri kungomudzidzisa kuti azvininipise. Aimubatsira kuti achinjewo mafungiro ake. Sei?

Kunyange zvazvo Jobho aiva “murume asina chaanopomerwa, akarurama,” dzimwe nguva zvaaitaura zvairatidza kuti akanga achiona dzimwe nyaya zvisiri izvo, izvo zvakacherechedzwa naErihu paakamutsiura nokuti “akanga ati mweya wake wakarurama pane kuti Mwari ndiye akarurama.” (Job. 1:8; 32:2; 33:8-12) Saka mibvunzo yakabvunzwa Jobho naJehovha yakaita kuti achinje manzwisisiro aaiita. Achitaura naJobho ari mudutu, Mwari akati: “Ndianiko uyu ari kudzikatidza zvakarongwa nemashoko asina zivo? Ndapota, zvisunge muchiuno somurume, uye rega ndikubvunze, iwe undiudze.” (Job. 38:1-3) Jehovha akazobvunza mibvunzo achiitira kuti amuratidze uchenjeri hwake nesimba rinooneka mumabasa ake anoshamisa. Izvi zvakabatsira Jobho kuti avimbe nezvaitaurwa naJehovha uye nemaitiro ake zvaakanga asati amboita. Hapana chinhu chinoshamisa kupfuura kubvunzwa kwakaitwa Jobho naMwari Wemasimba Ose pachake!

Zvatingaita Kuti Jehovha Atibvunze

Ko isu tingabatsirwawo nemibvunzo iri muBhaibheri here? Chokwadi tinobatsirwa! Kana tanzwa mibvunzo yakadaro, kumbomira tichifunga kunotibatsira chaizvo pakunamata. Mibvunzo inobaya mwoyo iri muShoko raMwari inowedzera simba raro. Zvechokwadi, “shoko raMwari . . . rine simba, . . . uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro zvomwoyo.” (VaH. 4:12) Zvisinei, kuti tibatsirwe zvakazara, tinofanira kuona mibvunzo yacho seiri kubvunzwa isu pachedu, zvoita sokuti Jehovha pachake ndiye ari kutibvunza. (VaR. 15:4) Ngatimbokurukurai mimwe yemibvunzo yacho.

“Mutongi wenyika yose haasi kuzoita zvakarurama here?” (Gen. 18:25) Abrahamu akabvunza Jehovha mubvunzo uyu waisada kupindurwa paya Mwari paakatonga Sodhoma neGomora. Abrahamu akaona zvisingaiti kuti Jehovha aite zvisina kururama, achiparadza vakarurama pamwe chete nevakaipa. Mubvunzo waAbrahamu wairatidza kuti aiva nokutenda kwakasimba kuti Jehovha akarurama.

Mazuva ano, vamwe vangaita zvokufungidzira nezvenyaya dzine chokuita nokutonga kuchaita Jehovha mune ramangwana, zvakadai sokuti ndiani chaiye achapukunyuka paAmagedhoni kana kuti ndivanaani vachamutswa. Pane kuzvinetsa nepfungwa dzakadaro, ngatiyeukei mubvunzo waAbrahamu. Kuziva kuti Jehovha ndiBaba vokudenga vane mutsa uye kuvimba navo zvakazara kuti vacharuramisira uye vane ngoni, sezvakaita Abrahamu, kunoita kuti tisatambisa nguva yedu nesimba tichitya zvinhu zvisina basa, kuti tive nechokwadi nezvinhu, uye tisaita nharo dzisingabatsiri.

“Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti rimwe chete paurefu hwoupenyu hwake nokuzvidya mwoyo?” (Mat. 6:27) Jesu akabvunza mubvunzo uyu paaitaura neboka guru raisanganisira vadzidzi vake, achisimbisa kuti vanofanira kuzviisa mumaoko aJehovha ane rudo. Mazuva okupedzisira enyika ino yakaipa achaita kuti tizvidye mwoyo, asi kunyanya kufunga nezvawo hakuzowedzeri urefu hwoupenyu hwedu kana kuti kuhuita kuti huve nani.

Pose patinozvidya mwoyo tichifunga nezvedu kana kuti nezvevanhu vatinoda, kuzviyeuchidza mubvunzo waJesu kungatibatsira kuti tisazonyanya kuzvidya mwoyo. Zvingatibatsira kurega kunetseka uye kuva nepfungwa dzisina kunaka dzingatitenderedza musoro kana kutionza. Sezvatakavimbiswa naJesu, Baba vedu vokudenga vanopa shiri dzokudenga zvokudya uye vanoshongedza zvinhu zvinomera musango, vanonyatsoziva zvatinoda.—Mat. 6:26-34.

“Munhu angatutira moto muchipfuva chake nguo dzake dzikasatsva here?” (Zvir. 6:27) Zvitsauko zvipfumbamwe zvokutanga zvebhuku raZvirevo zvine hurukuro pfupi dzinotaurwa nababa vari kubatsira mwana wavo kuti aite zvinhu zvake nokuchenjera. Mubvunzo wabvunzwa pamusoro apa unoreva matambudziko anovapo kana munhu akaita upombwe. (Zvir. 6:29) Kana tikacherechedza kuti tiri kuita katsika kokutamba nomumwe munhu tichiita setiri kumuda kana kuti tiri kufarira zvinhu zvounzenza, tinofanira kuyeuka mubvunzo uyu. Pfungwa iri mumubvunzo wacho inogona kushandawo kana munhu ari pamuedzo wokuti aite chero chipi zvacho chisina kunaka. Mubvunzo uyu unonyatsoratidza kushanda kunoita zano rinobatsira romuBhaibheri rokuti: ‘Unokohwa chaunodyara’!—VaG. 6:7.

“Ndiwe ani kuti utonge mushandi womumba womumwe munhu?” (VaR. 14:4) Mutsamba yaakanyorera vaRoma, Pauro akataura nezvezvinetso zvakamuka muungano yomuzana remakore rokutanga. Vamwe vaKristu, sezvo vainge vakarerwa zvakasiyana-siyana, vaiva nekatsika kokutonga vamwe vavainamata navo pamusoro pezvisarudzo kana kuti mabasa avo. Mubvunzo wakabvunzwa naPauro wakavayeuchidza kuti vagamuchirane uye vasiyire Jehovha nyaya dzokutonga.

Nhasiwo, vanhu vaJehovha vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Asi Jehovha akatibatanidza. Tine zvatiri kuitawo here kuti tirambe takabatana saizvozvo? Kana tikaona tichida kukurumidza kutaura zvakaipa nezvezvinenge zvaitwa neimwe hama yedu, kungava kuchenjera kuti tizvibvunze mubvunzo uri pamusoro apa wakabvunzwa naPauro.

Mibvunzo Inotiswededza Pedyo naJehovha

Mienzaniso iyi mishomanana inoratidza kuti mibvunzo iri muShoko raMwari ine simba. Kufunga kuti mubvunzo mumwe nomumwe wakabvunzwa pachitaurwa nezvei kungatibatsira kuushandisa mumamiriro edu ezvinhu. Uye sezvatinoverenga Bhaibheri, tichaona mimwe mibvunzo inobatsira.—Ona bhokisi riri papeji 14.

Kuita kuti mibvunzo iri muShoko raMwari itibaye mwoyo kuchatibatsira kuti pfungwa dzedu nomwoyo zvienderane nenzira dzaJehovha dzakarurama. Abvunzwa naJehovha, Jobho akapindura achiti: “Ndakanzwa nezvenyu norunyerekupe, asi zvino ziso rangu rinokuonai.” (Job. 42:5) Zvechokwadi, Jobho akanga ava kuona Jehovha somunhu chaiye, sezvinonzi aiva pamberi pake chaipo. Mudzidzi Jakobho akazotaura nezvokuona Jehovha somunhu chaiye achiti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jak. 4:8) Ngatiregei Shoko raMwari rose zvaro, kusanganisira mibvunzo iri mariri, richitibatsira pakunamata, uye “kuona” Jehovha zvakatojeka!

[Bhokisi riri papeji 14]

Kuzvibvunza mibvunzo iyi kuchakubatsira sei kuona zvinhu semaonero anoita Jehovha?

▪ “ Jehovha anofarira zvinopiwa zvinopiswa nezvibayiro sokufarira kwaanoita kuteerera inzwi raJehovha here?”—1 Sam. 15:22.

▪ “ Iye akaita ziso, haangatariri here?”—Pis. 94:9.

▪ “ Kuti vanhu vazvitsvakire kukudzwa, kukudzwa here?”—Zvir. 25:27.

▪ “ Une chikonzero chakanaka chokutsamwa kwazvo here?”—Jona 4:4.

▪ “ Zvichabatsirei kana munhu akawana nyika yose asi achirasikirwa nomweya wake?”—Mat. 16:26.

▪ “ Ndiani achatiparadzanisa norudo rwaKristu?”—VaR. 8:35.

▪ “ Chii chauinacho chausina kugamuchira?”—1 VaK. 4:7.

▪ “ Chiedza chine mugove wei nerima?”—2 VaK. 6:14.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jobho akadzidzei pamibvunzo yakabvunzwa naJehovha?