Jobho 32:1-22

  • Wechidiki Erihu anotangawo kutaura (1-22)

    • Anotsamwira Jobho nevamwe vake (2, 3)

    • Haana kutanga kutaura nekuti aivaremekedza (6, 7)

    • Zera rega harisi iro rinoita kuti munhu achenjere (9)

    • Erihu ane shungu dzekutaura (18-20)

32  Saka varume vatatu ava vakarega kuedza kupindura Jobho, nekuti akanga achizviti akarurama.*+  Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi+ wemhuri yaRamu akagumbuka kwazvo. Akashatirirwa Jobho nekuti aiedza kuzviita akarurama pane kuti Mwari ndiye akarurama.+  Akatsamwirawo shamwari dzaJobho nhatu nekuti dzakanga dzisina kuwana mhinduro asi dzakanga dzati Mwari akaipa.+  Erihu akanga akamirira kupindura Jobho, nekuti vakanga vari vakuru kwaari.+  Erihu paakaona kuti varume vacho vatatu vakanga vasisina zvekumupindura, hasha dzake dzakawedzera.  Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akatanga kutaura achiti: “Ndiri mudikiAsi imi varume mava vakuru.+ Saka ndakamira kutaura ndichikuremekedzai,+Uye ndakazeza kukuudzai zvandinoziva.   Ndakafunga kuti, ‘Regai zera ritaure,*Uye regai makore mazhinji azivise uchenjeri.’   Asi mweya* uri muvanhu,Kufema kweWemasimbaose, ndiwo unovapa kunzwisisa.+   Zera rega harisi iro rinoita* kuti munhu achenjere,Uye vakwegura havasi ivo vega vanonzwisisa zvakarurama.+ 10  Saka ndiri kuti, ‘Nditeererei,Ndikuudzeiwo zvandinoziva.’ 11  Onai! Ndanga ndakamirira mashoko enyu;Ndanga ndichingoteerera muchitaura pfungwa dzenyu,+Muchitsvaga zvekutaura.+ 12  Ndanga ndakanyatsokuteererai,Asi hapana kana mumwe wenyu aratidza Jobho kuti akarasika*Kana kumupindura zvaari kutaura. 13  Saka musati, ‘Tawana uchenjeri;Mwari ndiye anomutsiura, kwete munhu.’ 14  Haana kutaura mashoko ake kwandiri,Saka handisi kuzomupindura nemashoko enyu. 15  Vavhundutswa, havasisina zvimwe zvekupindura;Havasisina zvimwe zvekutaura. 16  Ndanga ndakamirira, asi havachatauri;Vangomira apo, vasisina chekupindura. 17  Saka iniwo ndichapindura;Ndichataurawo zvandinoziva, 18  Nekuti ndazara nemashoko;Mweya* uri mandiri uri kundimanikidza. 19  Mukati mangu muri kuita sewaini isina pekufema napo,Sehomwe itsva dzewaini dzava kuda kuputika.+ 20  Regai nditaure kuti ndirerukirwe! Ndichashama miromo yangu ndokupai mhinduro. 21  Handina munhu wandichasarura;+Uye handizorumbidzi munhu zvekuda kumufadza,* 22  Nekuti handigoni kurumbidza munhu zvekuda kumufadza;Kana ndikadaro, Muiti wangu angakurumidza kundibvisa.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “aizviona seakarurama.”
ChiHeb., “mazuva ataure.”
Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Mazuva mazhinji haasi iwo ega anoita.”
Kana kuti “atsiura Jobho.”
Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “handizopi munhu zita rekuremekedza.”