Jobho 32:1-22
32 Saka varume vatatu ava vakarega kuedza kupindura Jobho, nekuti akanga achizviti akarurama.*+
2 Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi+ wemhuri yaRamu akagumbuka kwazvo. Akashatirirwa Jobho nekuti aiedza kuzviita akarurama pane kuti Mwari ndiye akarurama.+
3 Akatsamwirawo shamwari dzaJobho nhatu nekuti dzakanga dzisina kuwana mhinduro asi dzakanga dzati Mwari akaipa.+
4 Erihu akanga akamirira kupindura Jobho, nekuti vakanga vari vakuru kwaari.+
5 Erihu paakaona kuti varume vacho vatatu vakanga vasisina zvekumupindura, hasha dzake dzakawedzera.
6 Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akatanga kutaura achiti:
“Ndiri mudikiAsi imi varume mava vakuru.+
Saka ndakamira kutaura ndichikuremekedzai,+Uye ndakazeza kukuudzai zvandinoziva.
7 Ndakafunga kuti, ‘Regai zera ritaure,*Uye regai makore mazhinji azivise uchenjeri.’
8 Asi mweya* uri muvanhu,Kufema kweWemasimbaose, ndiwo unovapa kunzwisisa.+
9 Zera rega harisi iro rinoita* kuti munhu achenjere,Uye vakwegura havasi ivo vega vanonzwisisa zvakarurama.+
10 Saka ndiri kuti, ‘Nditeererei,Ndikuudzeiwo zvandinoziva.’
11 Onai! Ndanga ndakamirira mashoko enyu;Ndanga ndichingoteerera muchitaura pfungwa dzenyu,+Muchitsvaga zvekutaura.+
12 Ndanga ndakanyatsokuteererai,Asi hapana kana mumwe wenyu aratidza Jobho kuti akarasika*Kana kumupindura zvaari kutaura.
13 Saka musati, ‘Tawana uchenjeri;Mwari ndiye anomutsiura, kwete munhu.’
14 Haana kutaura mashoko ake kwandiri,Saka handisi kuzomupindura nemashoko enyu.
15 Vavhundutswa, havasisina zvimwe zvekupindura;Havasisina zvimwe zvekutaura.
16 Ndanga ndakamirira, asi havachatauri;Vangomira apo, vasisina chekupindura.
17 Saka iniwo ndichapindura;Ndichataurawo zvandinoziva,
18 Nekuti ndazara nemashoko;Mweya* uri mandiri uri kundimanikidza.
19 Mukati mangu muri kuita sewaini isina pekufema napo,Sehomwe itsva dzewaini dzava kuda kuputika.+
20 Regai nditaure kuti ndirerukirwe!
Ndichashama miromo yangu ndokupai mhinduro.
21 Handina munhu wandichasarura;+Uye handizorumbidzi munhu zvekuda kumufadza,*
22 Nekuti handigoni kurumbidza munhu zvekuda kumufadza;Kana ndikadaro, Muiti wangu angakurumidza kundibvisa.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “aizviona seakarurama.”
^ ChiHeb., “mazuva ataure.”
^ Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Mazuva mazhinji haasi iwo ega anoita.”
^ Kana kuti “atsiura Jobho.”
^ Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “handizopi munhu zita rekuremekedza.”