Zvirevo 6:1-35
6 Mwanakomana wangu, kana wakabvumira muvakidzani wako kutora chikwereti uchivimbisa kuzomubhadharira,+Kana wakabatana maoko nemutorwa uchibvumirana naye,+
2 Kana wakateyiwa nezvawakavimbisa,Wakabatwa nemashoko emuromo wako,+
3 Ita izvi, mwanakomana wangu, uzvisunungure,Nekuti wakawira muruoko rwemuvakidzani wako:
Enda unozvininipisa, ukurumidze kuteterera muvakidzani wako.+
4 Usarega maziso ako achibatwa nehope,Kana kuti maziso ako achitsimwaira.
5 Zvipukunyutse sezvinoita mhara muruoko rwemuvhimi,Sezvinoita shiri muruoko rwemubati weshiri.
6 Iwe simbe, enda kusvosve;+Cherechedza nzira dzaro uve akachenjera.
7 Kunyange zvazvo risina mutungamiriri, mutariri, kana mutongi,
8 Rinogadzirira zvekudya zvaro muzhizha,+Uye rinounganidza zvekudya zvaro nguva yekukohwa.
9 Iwe simbe, kusvikira riini wakarara ipapo?
Uchamuka riini pawakarara?
10 Kumboti rarei, kumboti tsimwairei,Kumboti zororei wakapeta maoko,+
11 Urombo huchabva hwauya pauri semauyiro anoita gororo,Uye nhamo ichauya pauri semauyiro anoita munhu akabata chombo.+
12 Munhu asina zvaanobatsira uye akaipa anofamba-famba achitaura zvisina kururama;+
13 Anochonya neziso rake,+ achiita zviratidzo netsoka yake, achinongedza neminwe yake.
14 Nemwoyo unonyengera,Anongogara achironga zvakaipa+ uye achiita kuti vanhu vakakavadzane.+
15 Saka dambudziko richamuwira asingafungiri;Achapwanywa munguva pfupi pfupi zvekusakwanisa kuporazve.+
16 Kune zvinhu zvitanhatu zvinovengwa naJehovha;Tingati kune zvinhu zvinomwe zvinomusemesa* zvinoti:
17 Maziso anozvikudza,+ rurimi runoreva nhema,+ uye maoko anodeura ropa risina mhosva,+
18 Mwoyo unoronga mazano akaipa,+ uye tsoka dzinomhanyira zvakaipa,
19 Chapupu chenhema chinongotaura zvekunyepa chete,+Uye munhu wese anoita kuti hama dzipesane.+
20 Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako,Uye usaramba kudzidzisa kwaamai* vako.+
21 Gara wakazvisungirira pamwoyo wako;Zvisungirire muhuro mako.
22 Paunofamba, zvichakutungamirira;Paunorara, zvichakurinda;Uye paunomuka, zvichataura newe.*
23 Nekuti murayiro irambi,+Uye mutemo chiedza,+Uye kutsiurwa kwaunoitwa uchirayirwa* ndiyo nzira inoenda kuupenyu.+
24 Zvichakuchengetedza pamukadzi akaipa,+Parurimi runotsvetera rwemukadzi nzenza.*+
25 Usachiva runako rwake mumwoyo mako+Kana kurega achikukwezva nemaziso ake anoyevedza,
26 Nekuti pfambi inoita kuti murume asare nechingwa chimwe chete chaicho,+Asi mukadzi wemunhu anourayisa.*
27 Munhu angaisa mazimbe emoto muhomwe yepachipfuva nguo dzake dzikasatsva here?+
28 Kana kuti munhu angafamba pamazimbe emoto tsoka dzake dzikasatsva here?
29 Ndizvo zvakafanana nemunhu anorara nemudzimai wemuvakidzani wake;Hapana angamubata* akatadza kurangwa.+
30 Vanhu havashore mbavhaKana ikaba kuti iwane chekudya* kana iine nzara.
31 Asi kana ikabatwa, ichadzorera zvapetwa kanomwe;Icharipa nezvinhu zvese zvinokosha zvemumba mayo.+
32 Munhu wese anoita upombwe nemukadzi haana pfungwa;*Munhu anoita izvozvo anozviparadza.*+
33 Achangova nemaronda ega ega nekuzvidzwa,+Uye nyadzi dzake hadzizombobviswi.+
34 Nekuti godo rinoita kuti murume wemunhu aviruke nehasha;Haazonzwi tsitsi kana ava kutsiva.+
35 Haabvumi kuripwa;*Haambofari nechipo chako, pasinei nekuti chakakura sei.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “zvinosemesa mweya wake.”
^ Kana kuti “mutemo waamai.”
^ Kana kuti “zvichakudzidzisa.”
^ Kana kuti “uchirangwa.”
^ Kana kuti “anoteya mweya unokosha.”
^ Kureva, mudzimai wemuvakidzani.
^ Kana kuti “igutse mweya wayo.”
^ Kana kuti “njere.”
^ Kana kuti “anoparadza mweya wake.”
^ Kana kuti “rudzikinuro.”