Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 4

Rambai Muchidanana Nemwoyo Wese

Rambai Muchidanana Nemwoyo Wese

“Parudo rwenyu sehama, dananai nemwoyo wese.”—VAR. 12:10.

RWIYO 109 Ida Zvakadzama, Zvinobva Pamwoyo

ZVICHADZIDZWA *

1. Chii chinoratidza kuti mumhuri dzakawanda hamusisina rudo?

BHAIBHERI rakataura kuti mumazuva ekupedzisira, vanhu vachange vasina “rudo runongobva rwega mumwoyo.” (2 Tim. 3:1, 3) Tiri kuona uprofita uhwu huchizadzika mazuva ano. Semuenzaniso, vakawanda vari kurambana, zvoita kuti vatsamwirane uye vana vasare vachinzwa sevasingadiwi. Kunyange vaya vanogara pamwe chete vanogona kunge vasina ushamwari hwepedyo. Mumwe chipangamazano wemhuri akati, “Mai, baba, nevana havatauri vese uye vanopedza nguva yakawanda vari pamakombiyuta, matablet, mafoni kana pamavhidhiyo gemhu. Kunyange zvazvo vachigara pamwe chete havanyatsozivani.”

2-3. (a) Maererano naVaRoma 12:10, ndivanaani vatinofanira kuda nemwoyo wese? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

2 Hatidi kuumbwa nenyika ino isina rudo. (VaR. 12:2) Asi tinofanira kuda nemwoyo wese vemumhuri medu uye vaya vatiine ukama navo mukutenda. (Verenga VaRoma 12:10.) Zvinorevei kudanana nemwoyo wese? Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti dananai nemwoyo wese rinotaura nezverudo rwunoratidzwa mumhuri ine vanhu vakabatana. Urwu ndirwo rudo rwatinofanira kuratidza hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu. Kudanana nemwoyo wese kunotibatsira kuti tishumire Jehovha takabatana uye tichifara.—Mika 2:12.

3 Kuti tive nerudo rwakadai, ngationei zvatinodzidza pavanhu vanotaurwa muBhaibheri.

JEHOVHA “AZERE NERUDO RUSINGACHINJI”

4. Pisarema 103:8 inotiudzei nezverudo rwaJehovha?

4 Bhaibheri rinotiudza zvakaita Jehovha. Semuenzaniso, rinoti “Mwari rudo.” (1 Joh. 4:8) Kuziva izvozvo kunoita kuti tide kuva shamwari dzake. Asi Bhaibheri rinotiwo Jehovha “azere nerudo rusingachinji.” (Verenga Pisarema 103:8.) Izvi zvinonyatsoratidza kudiwa kwatinoitwa naJehovha!

5. Jehovha anoratidza sei tsitsi uye tingamutevedzera sei?

5 Ona kuti Pisarema 103:8 inotaura nezverudo rusingachinji runa Jehovha pamwe chete netsitsi dzake idzo dzinoita kuti tidewo kuva pedyo naye. (Eks. 34:6) Imwe nzira iyo Jehovha anotiratidza nayo tsitsi ndeyekutiregerera patinokanganisa. (Pis. 51:1) MuBhaibheri, tsitsi hadzingogumiri pakuregerera munhu kana akanganisa. Tsitsi kurwadzirwa mumwe munhu anenge achitambura zvoita kuti uedze kumubatsira. Jehovha anotsanangura kuti chido chaainacho chekutibatsira chakakura kupfuura tsitsi dzina amai kumwana wavo. (Isa. 49:15) Patinenge tichitambudzika, tsitsi dzaJehovha ndidzo dzinoita kuti atibatsire. (Pis. 37:39; 1 VaK. 10:13) Tinogona kuratidza tsitsi kuhama nehanzvadzi dzedu patinodziregerera kana dzatitadzira, torega kuchengeta chigumbu. (VaEf. 4:32) Imwe nzira yatinoratidza nayo tsitsi ndeyekubatsira hama nehanzvadzi dzedu padzinenge dziri mumatambudziko. Kana rudo rukaita kuti tiratidze vamwe tsitsi tinenge tichitevedzera Jehovha, uyo anoratidza tsitsi kupfuura chero ani zvake.—VaEf. 5:1.

JONATANI NADHAVHIDHI ‘VAKAVA SHAMWARI DZEPEDYO’

6. Jonatani naDhavhidhi vakaratidza sei kuti vaidanana nemwoyo wese?

6 Bhaibheri rine mienzaniso yevanhu vaidanana nemwoyo wese. Funga nezvaJonatani naDhavhidhi. Bhaibheri rinoti: “Jonatani naDhavhidhi vakabva vava shamwari dzepedyo uye Jonatani akatanga kumuda semadiro aaizviita.” (1 Sam. 18:1) Jehovha akasarudza Dhavhidhi kuti azova mambo kana Sauro afa. Sauro akabva atanga kuitira Dhavhidhi godo uye akaedza kumuuraya. Asi Jonatani mwanakomana waSauro haana kubatana nababa vake pakuedza kuuraya Dhavhidhi. Jonatani naDhavhidhi vakavimbisana kuti vaizoramba vari shamwari neshamwari uye vachitsigirana.—1 Sam. 20:42.

Kusiyana kwainge kwakaita Jonatani naDhavhidhi pazera hakuna kuita kuti varege kuva shamwari dzepedyo (Ona ndima 6-9)

7. Chii chaigona kutadzisa Jonatani naDhavhidhi kuva shamwari neshamwari?

7 Kudanana kwaiita Jonatani naDhavhidhi kunowedzera kutishamisa patinofunga nezvezvimwe zvinhu zvaigona kuvatadzisa kuva shamwari. Semuenzaniso, Jonatani aiva mukuru kuna Dhavhidhi nemakore anenge 30. Aigona kunge akafunga kuti zvaisaita kuti ashamwaridzane nemunhu mudiki chaizvo kwaari uyo akanga asina ruzivo rwakawanda muupenyu. Asi Jonatani haana kuona Dhavhidhi saizvozvo. Aimuremekedza chaizvo.

8. Nei uchifunga kuti Jonatani aiva shamwari yakanaka yaDhavhidhi?

8 Jonatani aigona kuitira Dhavhidhi godo. Sezvo aiva mwanakomana waMambo Sauro, Jonatani aigona kutaura kuti ndiye aiva nekodzero yekuva mambo kana baba vake vafa. (1 Sam. 20:31) Asi aizvininipisa uye ainge akavimbika kuna Jehovha. Saka akanyatsotsigira Dhavhidhi uyo ainge asarudzwa naJehovha kuti azova mambo. Ainge akavimbikawo kuna Dhavhidhi kunyange zvazvo izvi zvaiita kuti Sauro agumbuke chaizvo.—1 Sam. 20:32-34.

9. Jonatani akaitira Dhavhidhi godo here? Tsanangura.

9 Jonatani aida Dhavhidhi nemwoyo wese saka haana kumuitira godo. Jonatani aiva neunyanzvi pakushandisa uta nemuseve uye aiva murwi akashinga. Vanhu vaiti iye nababa vake Sauro, “vaimhanya kupfuura makondo,” uye ‘vaiva nesimba kupfuura shumba.’ (2 Sam. 1:22, 23) Saka Jonatani aigona kunge akadada nezvinhu zvaakaita zvairatidza ushingi. Asi haana kuda kukwikwidzana naDhavhidhi kana kumuitira godo. Pane kudaro aiyemura ushingi hwaDhavhidhi uye kuvimba kwaaiita naJehovha. Dhavhidhi paakauraya Goriyati, Jonatani ndipo paakatanga kumuda sezvaaizviita. Tingaratidza sei rudo rwakadaro kuhama nehanzvadzi dzedu?

TINGARATIDZA SEI KUTI TINODA VAMWE NEMWOYO WESE MAZUVA ANO?

10. Zvinorevei kuti “dananai kwazvo zvichibva pamwoyo”?

10 Bhaibheri rinotiudza kuti “dananai kwazvo zvichibva pamwoyo.” (1 Pet. 1:22) Jehovha anotiratidza muenzaniso wakanaka panyaya iyi. Anotida kwazvo zvekuti kana tikaramba takavimbika kwaari hapana chinogona kumutadzisa kuramba achitida. (VaR. 8:38, 39) Shoko rakashandurwa kuti “kwazvo” rine pfungwa yekuedza chaizvo kuratidza rudo. Dzimwe nguva hazvisi nyore kuratidza rudo kuhama nehanzvadzi dzedu. Vamwe pavanotigumbura, tinofanira kuramba ‘tichinzwisisana murudo, tichiedza nepatinogona napo kuchengeta kubatana kwemweya muchisungo cherugare.’ (VaEf. 4:1-3) Kana tikashanda nesimba kuti tive ‘nerugare’ nehama nehanzvadzi dzedu, hatizorambi takatarisa zvadzinokanganisa. Tichaedza kuita zvese zvatinogona kuti tione hama dzedu semaonerwo adzinoitwa naJehovha.—1 Sam. 16:7; Pis 130:3.

Yudhiya naSindike vakakurudzirwa kuti vave nekufunga kwakafanana. Dzimwe nguva hazvisi nyore kuti tiwirirane nehama nehanzvadzi dzedu (Ona ndima 11)

11. Nei dzimwe nguva zvichioma kuda vamwe nemwoyo wese?

11 Hazvisi nyore nguva dzese kuda hama nehanzvadzi dzedu zvichibva pamwoyo, kunyanya kana tichiziva zvadzinokanganisa. Zvinoita sekuti ndiro dambudziko raisanganawo nevamwe vaKristu vekutanga. Semuenzaniso, Yudhiya naSindike vanogona kunge vaisava nedambudziko nazvo kuti vashande ‘pamwe chete naPauro nekuda kwemashoko akanaka.’ Asi pane zvaiita kuti vasawirirana. Saka Pauro akavakurudzira kuti “vave nekufunga kwakafanana munaShe.”—VaF. 4:2, 3.

Vakuru vechidiki uye vakwegura vanogona kuva neushamwari hwepedyo (Ona ndima 12)

12. Tingaitei kuti tide hama nehanzvadzi dzedu nemwoyo wese?

12 Tingaitei kuti tide hama nehanzvadzi dzedu nemwoyo wese mazuva ano? Kana tikawedzera kuziva hama nehanzvadzi dzedu zvichatiitira nyore kuti tivanzwisise uye tivade nemwoyo wese. Tinogona kushamwaridzana navo pasinei nezera ravo kana kuti tsika dzavo. Yeuka kuti Jonatani ainge akasiyana naDhavhidhi nemakore anenge 30 asi vakava neushamwari hwepedyo. Wadii kuedza kushamwaridzana nemunhu mukuru kana mudiki kwauri. Kana ukadaro, unenge uchiratidza kuti ‘unoda sangano rese rehama.’—1 Pet. 2:17.

Ona ndima 12 *

13. Nei zvisingaiti kuti tive shamwari yepedyo yemunhu wese ari muungano?

13 Kuda hama nehanzvadzi dzedu nemwoyo wese kunoreva here kuti munhu wese ari muungano achava shamwari yedu yepedyo? Aiwa, izvozvo hazviiti. Kana vamwe vanhu vachifarira zvinhu zvakafanana nezvatinofarira, hazvina hazvo kuipa kuti tive pedyo navo kupfuura zvatinoita nevamwe. Jesu aidana vaapostora vake vese kuti “shamwari” asi ainyanya kuda Johani. (Joh. 13:23; 15:15; 20:2) Asi Jesu akanga asingabati Johani zviri nani kupfuura vamwe vaapostora. Semuenzaniso, Johani nemukoma wake Jakobho pavakakumbira zvinzvimbo zvinokosha muUmambo hwaMwari, Jesu akavaudza kuti: “Zvekugara kuruoko rwangu rwerudyi kana kuruboshwe rwangu handisi ini ndinopa izvozvo.” (Mako 10:35-40) Tichitevedzera Jesu hatifaniri kubata shamwari dzedu dzepedyo zvakanaka kupfuura mabatiro atinoita vamwe. (Jak. 2:3, 4) Kuita izvozvo kunoita kuti muungano musava nerugare.—Jud. 17-19.

14. Maererano naVaFiripi 2:3, chii chichatibatsira kuti tisazviona setiri nani pane vamwe?

14 Kana tikadanana nemwoyo wese, hatizozvioni setiri nani pane vamwe vari muungano. Yeuka kuti Jonatani haana kuitira Dhavhidhi godo, kana kuedza kuda kuva mambo panzvimbo paDhavhidhi. Tese tinogona kutevedzera muenzaniso waJonatani. Usaitira hama dzako godo nemhaka yezvadzinogona kuita, ‘asi zvininipise uchiona vamwe sevakuru kwauri.’ (Verenga VaFiripi 2:3.) Yeuka kuti munhu wese ari muungano ane zvaanokwanisa kuita pakubatsira ungano. Kana tikaramba tichizvininipisa tichaona zvakanaka zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu uye tichadzidza zvakawanda pakutendeka kwadzo.—1 VaK. 12:21-25.

15. Unodzidzei pane zvakaitika kuna Tanya nemhuri yake?

15 Patinoerekana tasangana nematambudziko, Jehovha anotinyaradza achishandisa hama nehanzvadzi dzedu, idzo dzine rudo uye dzinotibatsira. Funga zvakaitika kune imwe mhuri pashure pekunge yapinda purogiramu yemusi weMugovera yerimwe remaGungano Enyika Dzakawanda a2019, akaitwa muUnited States aiva nemusoro wekuti “Rudo Harumboperi!” Tanya, uyo ane vana vatatu akati, “Pataidzokera kuhotera yataigara, imwe mota yakabva kwayaifambira ikaroverana neyedu. Hapana hapo akakuvara asi takavhunduka uye takabuda mumota tikamira mumugwagwa. Mumwe murume akamisa mota yake padivi pemugwagwa akatisimudzira ruoko achiti tiuye kumota yake. Yaiva imwe hama yakanga ichitobvawo pagungano, uye haisiriyo yega yakamira. Dzimwe hama nehanzvadzi 5 dzekuSweden dzakamirawo. Hanzvadzi dzacho dzakambundira ini nemwanasikana wangu, uye izvi zvakaita kuti tinzwe zviri nani! Takavaudza kuti vaigona havo kuenda asi vakaramba vainesu. Vakaramba vainesu kunyange pakasvika amburenzi uye vakava nechokwadi chekuti taiva nezvese zvataida. Panguva yese iyi yakaoma, takaona rudo rwaJehovha. Izvi zvakaita kuti tiwedzere kuda hama nehanzvadzi dzedu uye zvakaita kuti tiwedzere kuda uye kuonga Jehovha.” Unoyeuka here pawaida kubatsirwa uye mumwe muKristu achibva akubatsira?

16. Zvikonzero zvipi zvatiinazvo zvinoita kuti tidanane nemwoyo wese?

16 Funga zvinhu zvakanaka zvinopedzisira zvaitika kana tikadanana nemwoyo wese. Tinonyaradza hama nehanzvadzi dzedu padzinenge dzichida kubatsirwa. Tinoita kuti vanhu vaMwari vawedzere kubatana. Tinoratidza kuti tiri vadzidzi vaJesu uye izvi zvinoita kuti vanhu vanoda chokwadi vauye kuzonamata Jehovha. Uye chinonyanya kukosha ndechekuti tinokudza “Baba vengoni huru uye Mwari wekunyaradza kwese,” Jehovha. (2 VaK. 1:3) Dai tese tikaramba tichiwedzera kudanana nemwoyo wese!

RWIYO 130 Kanganwira Vamwe

^ ndima 5 Jesu akati vadzidzi vake vaizozivikanwa nekudanana kwavo. Tese tinoedza kuita izvozvo. Tinofanira kudzidza kuda hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu semadiro atinoita vanhu vemumhuri vepedyo. Nyaya ino ichatibatsira kuti tiwedzere kuda hama nehanzvadzi dzedu.

^ ndima 55 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO Peji 24: Mukuru wechidiki ari kutaura maererano nezvaakadzidza kumukuru akwegura uyo ane ruzivo. Pane mumwe mufananidzo wacho, mukuru akwegura ari kugamuchira mukuru wechidiki nemudzimai wake pamba pake. Ivo nemadzimai avo vari kuratidza kuti vane rudo uye vanopa.