Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 RWIYO 109

Ida Zvakadzama, Zvinobva Pamwoyo

Ida Zvakadzama, Zvinobva Pamwoyo

(1 Petro 1:22)

  1. 1.Rudo runobva pamwoyo,

    Mwari anofadzwa narwo.

    Rudo ndihwo unhu hwake;

    Hwakatikoshera.

    Rudo runopfuta moto,

    Rwosimbisa ushamwari.

    Rudo runofunga vamwe,

    Rusinganyengeri.

    Hama ikatambura,

    Tinomhanya toiyamura.

    Seshamwari chaidzo,

    Tinoisimbisawo.

    Jesu akatiratidza

    Chinonzi rudo rwaMwari,

    Tikabayiwa pamwoyo.

    Nesuwo toda vamwe;

    Toda nemwoyo wese.