Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Chirwere Chekunyanya Kusuwa

Chirwere Chekunyanya Kusuwa

Chirwere ichi chakamboita sei?

“Ndavhiringidzika, ndakotama zvakanyanya; zuva rose ndinofamba-famba ndakasuruvara.”—Pisarema 38:6.

ZVINOTAURWA NEVAONGORORI

Munhu wose ane nguva dzaanombosuwa, asi pane kumwe kusuwa kwakanyanyisa (depression) kunoramba kuchiitika uye kunogona kukanganisa mararamiro omunhu. Vanoongorora nezvechirwere ichi havabvumirani panyaya yokuti kusuwa kwagara kuri muvanhu kunosvika papi uye zvinokonzera chirwere chekunyanya kusuwa. Chokwadi chiripo ndechokuti vamwe vanhu vanosuwa zvakanyanya, dzimwe nguva vachinzwa vasingakoshi uye vachizvipa mhosva zvakanyanya.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Bhaibheri rinotaura nezvevarume nevakadzi vakawanda vakambosangana nedambudziko rekusuwa zvakanyanya. Somuenzaniso, Hana aiva ‘nemweya waishungurudzika,’ uye mune mamwe maBhaibheri mashoko aya akashandurwa kuti “kurwadziwa kwomwoyo” uye “shungu kwazvo.” (1 Samueri 1:10) Pane imwe nguva muprofita Eriya akashungurudzika chaizvo zvokusvika pakunyengetera kuna Mwari achikumbira kuti afe hake!—1 Madzimambo 19:4.

VaKristu vekutanga-tanga vakarayirwa kuti vataure “zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo.” (1 VaTesaronika 5:14) Rimwe duramazwi rinoti mashoko okuti “mweya yakaora mwoyo” anogona kureva “vanhu vanenge vamomoterwa nenhamo dzoupenyu kwenguva pfupi.” Izvi zvinoratidza kuti kunyange varume nevakadzi vaiva vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri vaimbosuwawo zvakanyanya.

Munhu anorwara nechirwere ichi zvinganzi imhosva yake here?

“Zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe chete uye zvichirwadziwa pamwe chete.”—VaRoma 8:22.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Bhaibheri rinotaura kuti urwere hwakakonzerwa nokupanduka kwevabereki vedu vokutanga. Somuenzaniso, Pisarema 51:5 inoti: “Ndakaberekwa nemarwadzo okusununguka ndiine kukanganisa, amai vangu vakandinambira muchivi.” Uye VaRoma 5:12 inotsanangura kuti “chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete [Adhamu] uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” Tose tinorwara nemhaka yechivi chatakaberekwa tiinacho kubva kuna Adhamu. Saka Bhaibheri rinobva rati mhedzisiro yacho ndeyokuti, “zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe chete uye zvichirwadziwa pamwe chete.” (VaRoma 8:22) Hapana chiremba angagona kuvimbisa kubvisa zvirwere zvose, zvinosanganisira chekunyanya kusuwa. Bhaibheri rinoti Mwari chete ndiye anogona kubvisa zvirwere izvi munyika yake itsva iri kuuya.—Zvakazarurwa 21:4.

Ungararama sei nechirwere ichi?

“Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.”—Pisarema 34:18.

NEI ZVICHIKOSHA KUZIVA NEZVENYAYA IYI?

Hauna simba rokuzvidzivirira pazvinhu zvose, uye matambudziko anogona kukuwira pane dzimwe nguva. (Muparidzi 9:11, 12) Asi une zvaunogona kuita kuitira kuti usanyanya kuramba uchisuwa.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Bhaibheri rinotaura kuti vanorwara ndivo vanotsvaka chiremba. (Ruka 5:31) Saka kana uine chirwere ichi, hazvina kuipa kutsvaka rubatsiro kunanachiremba. Bhaibheri rinotaurawo kuti munyengetero une simba. Somuenzaniso, Pisarema 55:22 inoti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti azununguke.” Kunyengetera haisi nzira yokuti ungonzwa kugadzikana mupfungwa asi kuti unenge uchitotaura naJehovha Mwari, uyo “ari pedyo nevaya vakaora mwoyo.”—Pisarema 34:18.

Kuudzawo shamwari yako yaunovimba nayo nezvedambudziko rako kunogona kukubatsirawo. (Zvirevo 17:17) Mumwe weZvapupu zvaJehovha anonzi Daniela anoti: “Mumwe wandinonamata naye akandinyengetedza kuti nditaure naye nezvechirwere changu chekusuwa. Kunyange zvazvo ndakanga ndisingadi kutaura nezvenyaya iyi kwemakore, ndakazoona kuti kuwana munhu wokutaura naye nezvedambudziko iri kwaibatsira. Pashure pokunge ndamuudza nezvedambudziko rangu, ndakanzwa kurerukirwa chaizvo.”