Bhaibheri Rinogona Kundibatsira Here Kana Ndakaora Mwoyo?

Bhaibheri Rinogona Kundibatsira Here Kana Ndakaora Mwoyo?

Mhinduro yeBhaibheri

 Hongu, nemhaka yokuti rubatsiro rwakanakisisa rwunobva kuna “Mwari, anonyaradza vakaora mwoyo.”​—2 VaKorinde 7:​6, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Mwari anobatsira sei vakaora mwoyo?

  •   Simba. Mwari anoita kuti uzorodzwe uye ufare, kwete nokubvisa matambudziko ako ose, asi nokupindura minyengetero yako paunonyengetera uchikumbira kuti uwane simba rokutsungirira. (VaFiripi 4:​13) Unogona kuva nechivimbo chokuti akagadzirira kukuteerera, nemhaka yokuti Bhaibheri rinoti: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.” (Pisarema 34:​18) Kutaura zvazviri, Mwari anogona kunzwa munyengetero wako wokukumbira kubatsirwa kunyange paunenge usingakwanisi kunyatsobudisa zviri pamwoyo wako.​—VaRoma 8:​26, 27.

  •   Mienzaniso yakanaka. Mumwe munyori weBhaibheri akanyengetera kuna Mwari achiti: ‘Ndakadanidzira kwamuri Jehovha ndiri mudambudziko guru.’ Munyori uyu wepisarema akanyaradzwa paainetseka zvikuru nokuyeuka kuti Mwari anoda kutiregerera zvivi zvedu. Akati kuna Mwari: “Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvangu, haiwa Jehovha, ndianiko aimira? Asi kukanganwira kuri kwamuri; naizvozvo imi munotyiwa.”​—Pisarema 130:​1, 3, 4, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

  •   Tariro. Kunze kwekunyaradza kwaari kuita vanhu iye zvino, Mwari akavimbisa kuti achabvisa matambudziko ose anokonzera kuti vanhu vaore mwoyo. Paachazadzisa vimbiso iyoyo, “zvinhu zvekare [kusanganisira kuora mwoyo] hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo.”​—Isaya 65:17.

 Cherechedza kuti: Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvichiziva kuti zvinobatsirwa naMwari, zvinoendawo kuchipatara kuti zvirapwe zvirwere zvakadai sokuora mwoyo (depression). (Mako 2:​17) Asi hatiti kumwe kurapa kuri nani kupfuura kumwe, tinoti munhu mumwe nomumwe ngaazvisarudzire marapirwo aanoda kuitwa.