Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvezvirwere?

Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvezvirwere?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rakagara rataura kuti zvirwere zvaizopararira mumazuva ekupedzisira. (Ruka 21:11) Zvirwere pazvinoitika hazvirevi kuti inenge iri shamhu yaMwari. Achishandisa Umambo hwake, Mwari achabvisa zvinhu zvese zvinokanganisa utano hwedu zvakadai sezvirwere.

 Bhaibheri rakagara rataura kuti kwaizova nezvirwere here?

 harina kutaura nemazita kuti kwaizova nezvirwere zvakadai seCOVID-19, AIDS, kana kuti Spanish flu. Asi rakataura ‘nezvematenda.’ (Ruka 21:11; Zvakazarurwa 6:8) Zvirwere zviratidzo ‘zvemazuva ekupedzisira,’ kureva kuti “nyika yava kumagumo kwayo.”—2 Timoti 3:1; Mateu 24:3.

 Mwari akamboshandisa zvirwere kuranga vanhu here?

 MuBhaibheri munotaurwa nezvedzimwe nguva Mwari paakashandisa zvirwere kuranga vanhu. Semuenzaniso, akaita kuti vamwe vanhu vave nemaperembudzi. (Numeri 12:1-16; 2 Madzimambo 5:20-27; 2 Makoronike 26:16-21) Asi chirwere chacho chakanga chisingabati munhu wese wese. Vanhu vaibatwa nacho ndevaya vakanga vapandukira Mwari.

 Zvirwere zviri kuitika mazuva ano ishamhu yaMwari here?

 Aiwa. Vamwe vanhu vanoti Mwari ndiye ari kukonzera zvirwere achiitira kuti arange vanhu. Asi handizvo zvinotaurwa neBhaibheri. Nei tichidaro?

 Chimwe chikonzero ndechekuti vamwe vashumiri vaMwari, vekare vaimborwarawo, kunyange mazuva ano vanorwara. Semuenzaniso mumwe mushumiri waMwari ainzi Timoti, ‘aigara achirwara-rwara.’ (1 Timoti 5:23) Asi Bhaibheri haritauri kuti kurwara kwaaiita kwairatidza kuti akanga achirangwa naMwari. Ndizvo zvazvakangoitawo mazuva ano, vamwe vashumiri vaMwari vakatendeka vanogona kurwara. Kakawanda kacho, zvinhu izvi zvinenge zvangoitikawo vasingatarisiri.—Muparidzi 9:11.

 Uyewo Bhaibheri rinotaura kuti nguva yaMwari yekuti arange vanhu vakaipa haisati yasvika. Tiri kurarama “pazuva reruponeso” kureva kuti panguva iyo Mwari ari kukoka vanhu vese kuti vaswedere pedyo naye uye vaponeswe. (2 VaKorinde 6:2) Imwe nzira yaanoshandisa kukoka vanhu, ibasa riri kuitwa pasi rese rekuparidza “mashoko akanaka eUmambo.”—Mateu 24:14.

 Zvirwere zvichazombopera here?

 Ehe. Bhaibheri rinoti kwasara nguva pfupi kuti Mwari abvise urwere hwese. Umambo hwake pahunenge hwava kutonga, achaporesa vese vanorwara. (Isaya 33:24; 35:5, 6) Achabvisa kutambura, kurwadziwa uye rufu. (Zvakazarurwa 21:4) Uye achamutsa vakafa kuti vararame pasi pano uye vanakidzwe neupenyu hunenge husisina zvirwere.—Pisarema 37:29; Mabasa 24:15.

 Mavhesi anotaura nezvezvirwere

 Mateu 4:23: ‘Jesu akabva atenderera Garireya yese, achidzidzisa mumasinagogi avo nekuparidza mashoko akanaka eUmambo, achirapa zvirwere zvemarudzi ese neundonda hwemarudzi ese pakati pevanhu.’

 Zvazvinoreva: Zvishamiso zvakaitwa naJesu zvaingoratidza zvichazoitwa neUmambo hwaMwari munguva pfupi iri kuuya.

 Ruka 21:11: “Kuchava . . . nematenda.”

 Zvazvinoreva: Zvirwere zviri kupararira zvinoratidza kuti tiri mumazuva ekupedzisira.

 Zvakazarurwa 6:8: “Ndakabva ndaona bhiza rakacheneruka, uye akanga akaritasva aiva nezita rekuti Rufu. Aiteverwa neGuva, riri pedyo naye. Vakapiwa simba. . . kuti vauraye . . . nedenda.”

 Zvazvinoreva: Uprofita hwevatasvi 4 vemabhiza vemubhuku raZvakazarurwa hunoratidza kuti panguva yatiri kurarama kwaizova nezvirwere.