Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ane Hanya Nevakwegura

Mwari Ane Hanya Nevakwegura

Mwari Ane Hanya Nevakwegura

KUBATA vakwegura zvisina kukodzera kuri kwose kwose mazuva ano hakushamisi. Kare kare, Bhaibheri rakafanotaura kuti mu“mazuva okupedzisira” emamiriro ezvinhu okusada Mwari epanguva ino, vanhu vaizova “vanozvida, . . . vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.” (2 Timoti 3:1-3) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “rudo rukuru rwokuzvarwa narwo” rinogona kusanganisira rudo runowanzovapo mumhuri. Maererano nezvakaprofitwa neBhaibheri, rudo rukuru irworwo harupo uye zviri kunyatsooneka mazuva ano.

Kusiyana zvakanyanya nevaya vanobata vakwegura zvisina kukodzera, Jehovha Mwari anokoshesa zvikuru uye ane hanya nevaya vakwegura. Ona kuti izvi zvinoratidzwa sei muBhaibheri.

“Mutongi Wechirikadzi”

Kuva nehanya nevakwegura kwaJehovha Mwari kunooneka muMagwaro echiHebheru. Somuenzaniso, pana Pisarema 68:5, Dhavhidhi anodana Mwari kuti “mutongi wechirikadzi,” kakawanda dzinenge dzakwegura. * Mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri, shoko rokuti “mutongi” rinoshandurwa kuti “mudziviriri,” “muchengetedzi,” uye “mutsigiri.” Zviri pachena kuti Jehovha ane hanya nechirikadzi. Chokwadika, Bhaibheri rinotaura kuti kana dzikabatwa zvisina kukodzera, iye anotsamwa kwazvo. (Eksodho 22:22-24) Chirikadzi—nevamwe vose vakwegura vakatendeka—vanokosheswa zvikuru naMwari uye nevashumiri vake. Zvirevo 16:31 inotaura maonero anoita Jehovha Mwari uye vanhu vake painoti: “Kuchena musoro ikorona yorunako pakunowanikwa munzira yokururama.”

Hazvishamisi kuti kuremekedza vakwegura kwaiva chikamu chinokosha choMutemo wakapiwa vaIsraeri naJehovha. VaIsraeri vakarayirwa kuti: “Unofanira kusimukira achena bvudzi, nokuremekedza munhu akwegura, uye unofanira kutya Mwari wako. Ndini Jehovha.” (Revhitiko 19:32) Saka, muIsraeri kuremekedza vakwegura kwakanga kwakanyatsobatana noukama hwomunhu naJehovha Mwari. Munhu aisagona kuti aida Mwari asi iye achibata vakwegura zvisina kukodzera.

VaKristu havasi pasi poMutemo waMosesi. Zvisinei, vari pasi po“mutemo waKristu,” uyo une zvaunoita zvakanyanya pamufambiro wavo uye mafungiro, kusanganisira kuratidza rudo uye kuva nehanya nevabereki uye vakwegura. (VaGaratiya 6:2; VaEfeso 6:1-3; 1 Timoti 5:1-3) Uye vaKristu havangoratidzi rudo nokuti vanorayirwa kuita saizvozvo asi vanoruratidza nokuti vanonzwa zvichibva mumwoyo. Muapostora Petro akakurudzira kuti, “Dananai kwazvo zvichibva pamwoyo.”—1 Petro 1:22.

Mudzidzi Jakobho anotipa chimwe chikonzero chokuti tive nehanya nevakwegura. Akanyora kuti: “Kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu ndouku: kutarisira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwadzo, uye kuzvichengeta usina ruvara rwenyika.” (Jakobho 1:27) Jakobho anotaura pfungwa inobaya mwoyo. Inotiratidza kukosha kunoita vadiwa ava kuna Jehovha.

Saka, hazvina kukwana kungorega kubata vakwegura zvisina kukodzera. Asi, tinofanira kushingaira kuratidza kuti tine hanya navo nokuita mabasa anobatsira. (Ona bhokisi rinoti “Rudo Runoratidzwa Nemabasa,” riri pamapeji 6-7.) Jakobho akanyora kuti: “Kutenda kusina mabasa kwakafa.”—Jakobho 2:26.

Kuvanyaradza ‘Pakutambudzika Kwavo’

Pane imwe pfungwa inodzidzwa mumashoko aJakobho. Ona kuti Jakobho akaudza vaKristu kuti vatarisire chirikadzi “pakutambudzika kwadzo.” Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kutambudzika” rinonyanya kureva kurwadziwa, dambudziko, kana kuti kutambura kunobva pazvinhu zvinonetsa zvoupenyu. Hazvina mubvunzo kuti vakawanda vevanhu vakwegura vanorwadziwa saizvozvo. Vamwe vanosurukirwa. Vamwe vanonetseka nezvavanotadziswa kuita nokukwegura. Kunyange vaya vachiri kushingaira zvikuru mubasa ravo ravanoitira Mwari vangaodzwa mwoyo. Funga nezvaJohn, * ave ari muzivisi woUmambo hwaMwari akatendeka kwemakore anopfuura makumi mana, makore 30 okupedzisira ari muushumiri chaihwo hwenguva yakazara. Iye zvino ava nemakore ari kuma80, John anobvuma kuti dzimwe nguva anonzwa akaora mwoyo. Anoti: “Ndinowanzotarira shure ndoyeuka zvandakakanganisa, zvakawanda chaizvo. Ndinoramba ndichifunga kuti ndingadai ndakaita zviri nani.”

Vanhu vakadaro vanogona kunyaradzwa nokuziva kuti kunyange zvazvo Jehovha akakwana, haatarisiri kuti tive vakakwana. Kunyange zvazvo iye achiziva zvatinokanganisa, Bhaibheri rinoti nezvake: “Haiwa Jah, kudai maitarira kukanganisa, haiwa Jehovha, ndiani aizomira?” (Pisarema 130:3) Chokwadi, Jehovha haati nanga-nanga nezvatinokanganisa asi anotarira zviri mumwoyo. Tinoziva sei izvi?

Mambo Dhavhidhi—uyo akakanganisa kakawanda uye akanga asina kukwana—akafuridzirwa naMwari kuti anyore mashoko anotevera, ari pana Pisarema 139:1-3, anoti: “Haiwa Jehovha, makandiongorora, uye munondiziva. Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu. Makanzwisisa kufunga kwangu muri kure. Makayera kufamba kwangu nokuzvambarara kwangu, kunyange nzira dzangu dzose munodziziva.” Pano, shoko rokuti “makayera” rinoreva “kupepeta,” kwakafanana nokuurutsa hundi kunoitwa nomurimi kuti asare nezviyo. Afuridzirwa naMwari, Dhavhidhi anotivimbisa kuti Jehovha anoziva kupepeta zvatinokanganisa osiya mabasa edu akanaka mupfungwa dzake.

Baba vedu vokudenga vane ngoni vanoyeuka—uye vanokoshesa—mabasa edu akanaka chero bedzi tikaramba takatendeka kwavari. Chokwadi, Bhaibheri rinotaura kuti ivo vaizoona kukanganwa basa redu norudo rwatakaratidza nokuda kwezita ravo sokusarurama.—VaHebheru 6:10.

“Zvinhu Zvokutanga Zvapfuura”

Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari akanga asina chinangwa chokuti vanhu vave nematambudziko okukwegura. Migumisiro inonetesa yokukwegura yakazovapo muupenyu hwevanhu pashure pokunge vabereki vedu vokutanga, murume nomukadzi vapandukira Musiki wavo. (Genesisi 3:17-19; VaRoma 5:12) Izvi hazvizorambi zviripo nokusingaperi.

Sezvatotaurwa, mamiriro ezvinhu akawanda akaipa atiri kutarisana nawo mazuva ano—anosanganisira kubatwa zvisina kukodzera kwevakwegura—anoratidza kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” emamiriro ezvinhu epanguva ino. (2 Timoti 3:1) Chinangwa chaMwari ndechokubvisa migumisiro yechivi, kusanganisira zvinhu zvinokuvadza zvinokonzerwa nokukwegura uye rufu. Bhaibheri rinoti: “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.

Munyika itsva yaMwari, marwadzo okukwegura achange ava omunguva yakapfuura. Ndizvo zvichange zvaitawo kubatwa zvisina kukodzera kwevakwegura. (Mika 4:4) Kunyange vaya vakafa uye vanoyeukwa naMwari vachamutswa, zvokuti naivowo vachava nomukana wokurarama nokusingaperi pasi pano muparadhiso. (Johani 5:28, 29) Panguva iyoyo, zvichava pachena kupfuura kare kwose kuti Jehovha Mwari haana hanya nevakwegura chete asi nevose vanomuteerera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Chokwadika, dzimwe chirikadzi hadzisati dzakwegura. Somuenzaniso, kuvawo nehanya kwaMwari nechirikadzi dzichiri duku kunoratidzwa pana Revhitiko 22:13.

^ ndima 11 Harisi zita rake chairo.

[Bhokisi/Mifananidzo iri pamapeji 6, 7]

Rudo Runoratidzwa Nemabasa

Pakati peZvapupu zvaJehovha, vakuru veungano ndivo vanotungamirira pakutarisira vakwegura. Vanokoshesa zano romuapostora Petro rokuti: “Fudzai boka raMwari ramunotarisira.” (1 Petro 5:2) Kutarisira vakwegura nenzira dzinobatsira ndeimwe yenzira dzokutarisira nadzo boka raMwari. Zvisinei, izvi zvingasanganisirei?

Zvinoda kushivirira uye zvichida kushanya kanoverengeka vachikurukura zvine ushamwari kuti vazive chaizvo zvinodiwa nomunhu akwegura. Zvichida vanoda kubatsirwa kunotenga zvinhu, kuchenesa, kuwana chokufambisa kuenda kumisangano yechiKristu, kuverenga Bhaibheri uye mabhuku echiKristu, uye zvimwe zvinhu zvakawanda. Pose pazvinenge zvichiita, urongwa hunoshanda uye hwakavimbika hunofanira kuitwa hwoshandiswa. *

Zvisinei, zvakadini kana hama kana kuti hanzvadzi yakwegura iri muungano iri panguva yakaoma, zvichida ichida rubatsiro rwemari? Kutanga, zvingava zvakanaka kuona kana paine vana kana kuti vamwe voukama vangabatsira. Izvi zvaizoenderana nezvinotaurwa pana 1 Timoti 5:4, kuti: “Kana chirikadzi iine vana kana vazukuru, ivava ngavatange kudzidza kuva netsika yokuzvipira kuna Mwari mumba mavo uye kuramba vachiripa muripo wakakodzera kuvabereki vavo navanasekuru, nokuti izvi zvinogamuchirika pamberi paMwari.”

Zvimwe munhu wacho akwegura anoda kubatsirwa kuona kana akakodzerwa norubatsiro chero rupi zvarwo runopiwa nehurumende. Zvichida vamwe vari muungano vangakwanisa kubatsira. Kana pasina rumwe chete rworubatsiro urwu, vakuru vangasarudza kana munhu wacho akakodzera kupiwa rubatsiro neungano. Mune zvimwe zviitiko, izvi zvaibvumirwa muungano yomuzana remakore rokutanga, nokuti muapostora Pauro akanyorera mumwe wake waaishanda naye Timoti, kuti: “Chirikadzi ngainyorwe kuti ibatsirwe yava nemakore asiri pasi pemakumi matanhatu, iri mudzimai aiva nomurume mumwe chete, inopupurirwa nokuda kwemabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaigamuchira vaeni zvakanaka, kana yaigeza tsoka dzevatsvene, kana yaibatsira vaya vaitambura, kana yaitevera mabasa ose akanaka.”—1 Timoti 5:9, 10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 25 Kuti uwane mamwe mashoko, ona nyaya inoti “Kuita Zvinodikanwa Zvavakura Vedu—Denho yechiKristu,” iri muNharireyomurindi yaJuly 15, 1988.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Dhokasi aiva nehanya nechirikadzi dzaiva varombo.—Mabasa 9:36-39