Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Inzwi Ravo Rakabudira Mupasi Rose”

“Inzwi Ravo Rakabudira Mupasi Rose”

“Inzwi Ravo Rakabudira Mupasi Rose”

“Muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.”—MATEU 28:19.

1, 2. (a) Jesu akapa vadzidzi vake basa rei? (b) Nei vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakagona kuita zvakawanda kwazvo?

NGUVA pfupi asati akwira kudenga, Jesu akapa vadzidzi vake basa. Akavaudza kuti: “Muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” (Mateu 28:19) Rakanga riri basa rakakura kwazvo!

2 Chimbofunga! PaPendekosti ya33 C.E., vadzidzi vanenge 120 vakadururirwa mudzimu mutsvene ndokutanga kuita basa racho nokuudza vamwe kuti Jesu ndiye aiva Mesiya akanga akamirirwa kwenguva refu, uye ruponeso rwaizowanikwa kuburikidza naye. (Mabasa 2:1-36) Boka duku rakadaro raizokwanisa kusvika ku“vanhu vamarudzi ose” sei? Mukufunga kwevanhu zvakanga zvisingabviri, asi “zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.” (Mateu 19:26) VaKristu vekare vaitsigirwa nomudzimu mutsvene waJehovha, uye vaiva nepfungwa yokukurumidzira. (Zekaria 4:6; 2 Timoti 4:2) Saka, mumakumi mashoma emakore, muapostora Pauro aigona kuti mashoko akanaka akanga ari kuziviswa “pakati pezvisikwa zvose zviri pasi pedenga.”—VaKorose 1:23.

3. Chii chakaita kuti “gorosi” rechiKristu chaicho risaonekwa?

3 Rinenge zana remakore rokutanga rose, kunamata kwechokwadi kwakaramba kuchipararira. Zvisinei, Jesu akanga aprofita kuti nguva yaizouya apo Satani aizodyara “masora” uye “gorosi” rechiKristu chechokwadi raizotadza kuonekwa kwemazana emakore akawanda kusvikira nguva yokukohwa. Vaapostora vafa, izvozvo zvakaitika.—Mateu 13:24-39.

Kukurumidza Kuwedzera Nhasi

4, 5. Kutanga muna 1919, vaKristu vakazodzwa vakatanga kuita basa rei, uye nei zvakaita kuti pave nebasa guru?

4 Muna 1919, nguva yakanga yasvika yokuti gorosi rechiKristu chaicho riparadzaniswe nemasora. VaKristu vakazodzwa vaiziva kuti basa guru rakarayirwa naJesu rakanga richiri kufanira kuitwa. Vaitenda zvakasimba kuti vakanga vari kurarama mu“mazuva okupedzisira” uye vaiziva nezvouprofita hwaJesu hunoti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (2 Timoti 3:1; Mateu 24:14) Zvechokwadi, vaiziva kuti paiva nebasa rakawanda raifanira kuitwa.

5 Zvisinei, sevadzidzi muna 33 C.E., vaKristu vakazodzwa ivavo vakanangana nebasa guru. Maingova nezviuru zvishoma zvevaKristu munyika shomanana. Sezvinobvira, vaigona sei kuparidza mashoko akanaka “mupasi rose rinogarwa”? Yeuka, vagari vepasi vakanga vawedzera kubva pavanhu vanenge mamiriyoni 300 munguva yaKesari kusvika kuvanenge mabhiriyoni maviri hondo yenyika yokutanga yapera. Uye muzana remakore rechi20 rose, vaizoramba vachiwedzera nokukurumidza.

6. Kuparadzirwa kwemashoko akanaka kwakanga kwafambira mberi zvakadini muma1930?

6 Kunyange zvakadaro, vashumiri vakazodzwa vaJehovha, kufanana nehama dzomuzana remakore rokutanga, vakatanga basa iri vaine kutenda kwakazara muna Jehovha, uye vaiva nomudzimu wake. Pakati pema1930, vaparidzi veevhangeri vanenge 56 000 vakanga vazivisa chokwadi cheBhaibheri munyika 115. Basa rakawanda rakanga ratoitwa, asi rimwe rakawanda zvikuru rakanga richiripo.

7. (a) VaKristu vakazodzwa vakanangana nebasa guru ripi idzva? (b) Vachibatsirwa neve“mamwe makwai,” basa rokuunganidza rave richifambira mberi sei kusvika zvino?

7 Saka, kunzwisisa kwakadzama kwokuzivikanwa kwe“boka guru revanhu” rinodudzwa pana Zvakazarurwa 7:9 kwakamutsa basa guru idzva uyewo kwakavimbisa kubatsira vaKristu ivavo vaishanda nesimba. Boka re“mamwe makwai” risingataurwi chiverengero, vatendi vane tariro yepasi pano, vaifanira kuunganidzwa ku“bva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” (Johani 10:16) Ava vaizo‘itira Jehovha basa dzvene masikati nousiku.’ (Zvakazarurwa 7:15) Izvi zvinoreva kuti vaizobatsira mubasa rokuparidza nokudzidzisa. (Isaya 61:5) Saka, vaKristu vakazodzwa vakafara kuona nhamba yevaparidzi veevhangeri ichiwedzera nemakumi ezviuru uyezve nemamiriyoni. Mugore ra2003, nhamba itsva yepamusoro yevanhu 6 429 351 vakaita basa rokuparidza—vakawanda vavo vari veboka guru. * VaKristu vakazodzwa vanofadzwa norubatsiro urwu, uye mamwe makwai anofadzwa neropafadzo yokutsigira hama dzawo dzakazodzwa.—Mateu 25:34-40.

8. Zvapupu zvaJehovha zvakaita sei nokutambudzwa kukuru kwazvakaitwa muhondo yenyika yechipiri?

8 Apo veboka regorosi vakaonekwazve, Satani akavarwisa zvine utsinye. (Zvakazarurwa 12:17) Akaita sei apo boka guru revanhu rakatanga kuonekwa? Akaritambudza zvikuru! Hatibvumi here kuti ndiye akarwisa kunamata kwechokwadi munyika yose kwakaitika munguva yehondo yenyika yechipiri? Mukurwisana ikoko, vaKristu vakatambudzwa zvikuru. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinodiwa dzakatambura miedzo yakaipa zvikuru, dzimwe dzichifira kutenda kwadzo. Kunyange zvakadaro, dzakadzokorora mashoko omunyori wepisarema anoti: “Muna Mwari ndicharumbidza shoko rake, ndakavimba naMwari, handingatyi, nyama ingandiiteiko?” (Pisarema 56:4; Mateu 10:28) VaKristu vakazodzwa nemamwe makwai, vasimbiswa nomudzimu waJehovha, vakaramba vakasimba pamwe chete. (2 VaKorinde 4:7) Somugumisiro, “shoko raMwari rakaramba richikura.” (Mabasa 6:7) Pakatanga hondo muna 1939, vaKristu vakatendeka 72 475 vakashuma kuti vaiparidza. Zvisinei, mushumo usina kukwana wa1945, gore rakapera hondo, wakaratidza kuti Zvapupu zvaishingaira 156 299 zvaiparadzira mashoko akanaka. Kukundwa kwakadini kwaSatani!

9. Zvikoro zvipi zvakaziviswa munguva yeHondo Yenyika II?

9 Zvakajeka kuti mhirizhonga yehondo yenyika yechipiri haina kuita kuti vashumiri vaJehovha vasave nechokwadi chokuti basa rokuparidza raizopedzwa. Zvechokwadi, muna 1943, paipisa hondo, zvikoro zviviri zvakaziviswa. Chimwe chava kunzi Chikoro chaMwari Choushumiri, chaizoitwa muungano dzose kudzidzisa Zvapupu kuparidza nokuita vadzidzi. Chimwe chacho, Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi, chaiva chokudzidzisa mamishinari ayo aizokudziridza basa rokuparidza mune dzimwe nyika. Saka, hondo payakapera, vaKristu vechokwadi vakanga vagadzirira kuwedzera basa.

10. Kushingaira kwevanhu vaJehovha kwakaonekwa sei muna 2003?

10 Ibasa rakaisvonaka zvakadini ravakaita! Vadzidziswa muChikoro chaMwari Choushumiri, vose—vaduku nevakuru, vabereki nevana, kunyange ndonda—vakaita uye vari kuramba vachiita basa guru ravakatumwa naJesu. (Pisarema 148:12, 13; Joere 2:28, 29) Mugore ra2003, vanhu 825 185 paavhareji mwedzi mumwe nomumwe vakaratidza pfungwa yavo yokukurumidzira nokuita basa roupiyona kwenguva pfupi kana kuti yakareba. Mugore iroro, Zvapupu zvaJehovha zvakapedzera maawa 1 234 796 477 zvichitaura nevamwe nezvemashoko akanaka oUmambo. Chokwadi Jehovha anofadzwa nokushingaira kwevanhu vake!

Mune Dzimwe Nyika

11, 12. Mienzaniso ipi inoratidza chinyorwa chakanaka chemamishinari?

11 Kwemakore mazhinji, vakapedza kudzidza paGiriyedhi uye, zvino uno, paChikoro Chokudzidzisa Vashumiri vakaumba chinyorwa chakanaka kwazvo. Somuenzaniso, muBrazil maiva nevaparidzi vasingasviki 400 pakasvika mamishinari okutanga muna 1945. Ivava nevakazotevera vakashanda nesimba pamwe chete nehama dzinoshingaira dzokuBrazil, uye Jehovha akakomborera zvavaiita. Zvinofadza chero ani zvake anoyeuka mazuva ekare iwayo kuona kuti Brazil yakashuma nhamba itsva yepamusoro yevanhu 607 362 muna 2003!

12 Chimbofunga nezveJapan. Hondo yenyika yechipiri isati yatanga, kwakanga kune vaparidzi voUmambo vanenge zana munyika iyoyo. Muhondo, kutambudzwa kwakaomarara kwakaderedza nhamba yavo, uye pakazopera hondo, Zvapupu zvishomanana bedzi ndizvo zvaiva zvasara uye zvakanga zvichakamuka mumudzimu. (Zvirevo 14:32) Muna 1949, ava vashomanana vakavimbika vakafara zvechokwadi kugamuchira mamishinari 13 okutanga, akadzidziswa kuGiriyedhi, uye akakurumidza kujairana nehama dzawo dzokuJapan dzinofara, dzine mutsa. Anopfuura makore 50 gare gare, mugore ra2003, Japan yakashuma nhamba yepamusoro yevaparidzi 217 508! Zvechokwadi Jehovha akakomborera zvikuru vanhu vake munyika iyoyo. Pane mishumo yakafanana inobva kune dzimwe nyika. Vaya vanokwanisa kuparidza munyika dzokumwe vakabatsira zvikuru mukuparadzira mashoko akanaka, zvokuti muna 2003 zvakazivikanwa munyika, zvitsuwa, uye ndima 235 kupota pasi pose. Chokwadi, boka guru revanhu riri kubva “kumarudzi ose.”

‘Vanobva Kumadzinza Ose Nevanhu Nendimi’

13, 14. Jehovha akaratidza sei kukosha kwokuparidza mashoko akanaka mu‘ndimi dzose’?

13 Chishamiso chakatanga kushumwa vadzidzi vazodzwa nomudzimu mutsvene paPendekosti ya33 C.E. chakanga chiri chokutaura kwavo nendimi kuvanhu vazhinji-zhinji vakanga vakaungana. Vose vaya vakavanzwa vangave vaitaura mutauro waishandiswa munyika dzakawanda, zvichida chiGiriki. Sezvo vaiva “vanhu vaitya Mwari,” zvimwe vaikwanisawo kunzwisisa mabasa echiHebheru epatemberi. Asi vakabva vanyatsoteerera pavakanzwa mashoko akanaka mumutauro waamai vavo.—Mabasa 2:5, 7-12.

14 Nhasiwo, mitauro yakawanda iri kushandiswa mubasa rokuparidza. Boka guru revanhu rakaprofitwa raisazobva kumarudzi chete asiwo ku“madzinza nevanhu nendimi.” Maererano neizvi, Jehovha akaprofita achishandisa Zekaria kuti: “Varume vane gumi pandimi dzose dzendudzi dzavanhu vachabata nguo yomunhu uri muJudha, vachiti: Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi.” (Tisu tatsveyamisa mabhii; Zekaria 8:23) Kunyange zvazvo Zvapupu zvisisina chipo chendimi, zvinoziva kukosha kwokudzidzisa vanhu mumitauro yavo.

15, 16. Mamishinari nevamwe vakaedza sei kuparidza mumitauro yekwavaiva?

15 Chokwadi, nhasi kune mitauro mishoma inoshandiswa zvikuru, yakadai seChirungu, French, neSpanish. Zvisinei, vaya vakasiya nyika dzavo kuti vanoshanda kune dzimwe vanoedza kudzidza mitauro yeko kuti mashoko akanaka asvike kune vaya vano“da upenyu husingaperi.” (Mabasa 13:48) Izvozvo zvinogona kuva zvakaoma. Apo hama dzeTuvalu dzomuSouth Pacific dzaida mabhuku mumutauro wadzo, mumwe wemamishinari akasarudza kumboedza. Sezvo pakanga pasina duramanzwi, akatanga kunyora mashoko eTuvalu nezvaanoreva. Nokufamba kwenguva, bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano * rakabudiswa mumutauro weTuvalu. Mamishinari paakasvika muCuraçao, makanga musina mabhuku eBhaibheri uye duramanzwi mumutauro wemo, Papiamento. Uye vakanga vasingabvumirani zvikuru kuti mutauro wacho waifanira kunyorwa sei. Kunyange zvakadaro, makore maviri chete mamishinari okutanga asvika, turakiti rokutanga rechiKristu rinotaura nezveBhaibheri rakabudiswa mumutauro iwoyo. Nhasi, Papiamento mumwe wemitauro 133 umo Nharireyomurindi inobudiswa panguva imwe chete neyeChirungu.

16 MuNamibia mamishinari okutanga haana kuwana Zvapupu zvemo kuti zviabatsire kushandura. Uyezve, mumwe mutauro wemo unonzi Nama, wakanga usina mashoko epfungwa dzinowanzotaurwa mumabhuku edu, dzakadai so“kukwana.” Mumwe mumishinari anoti: “Pakushandura ndaiwanzoshandisa vadzidzisi vepazvikoro vaidzidza Bhaibheri. Sezvo vaiva noruzivo rushoma rwechokwadi, ndaitogara navo pasi kuti ndive nechokwadi chokuti mutsetse mumwe nomumwe washandurwa zvakarurama.” Kunyange zvakadaro, turakiti rinonzi Upenyu Munyika Itsva rakazoshandurirwa mumitauro mina yomuNamibia. Nhasi, Nharireyomurindi inobudiswa nguva dzose mumitauro inonzi Kwanyama uye Ndonga.

17, 18. Ndezvipi zviri kuitwa kuMexico uye kune dzimwe nyika?

17 MuMexico, mutauro unonyanya kushandiswa iSpanish. Asi vaSpanish vasati vasvika, maitaurwa mitauro yakawanda, uye mimwe yacho ichiri kushandiswa. Saka, mabhuku eZvapupu zvaJehovha ave kubudiswa mumitauro minomwe yomuMexico uyewo muMutauro Wemasaini wokuMexico. Ushumiri Hwedu hwoUmambo hweMaya ndihwo hwakatanga kubuda pamabhuku anobuda nguva nenguva mumutauro wemaIndia okuAmerica. Chokwadi, zviuru zvinoverengeka zvevaMaya, vaAztec, nevamwewo, zviri pakati pevaparidzi voUmambo 572 530 vari muMexico.

18 Munguva ichangopfuura, mamiriyoni evanhu akatiza achinopotera kune dzimwe nyika, kana kuti akatamira ikoko nezvikonzero zvoupfumi. Saka, kokutanga, nyika dzakawanda zvino dzave nenharaunda dzine vanhu vakati wandei vanotaura mitauro yokune dzimwe nyika. Zvapupu zvaJehovha zvakasarudza kumboedza. Somuenzaniso, muItaly mune ungano uye mapoka mumitauro 22 tisingaverengi weimomo. Kuti hama dzibatsirwe kuparidzira vanhu vanotaura mimwe mitauro, makirasi akarongwa munguva pfupi yapfuura kudzidzisa mitauro 16, kusanganisira Mutauro Wemasaini wokuItaly. Mune dzimwe nyika dzakawanda, Zvapupu zvaJehovha zviri kuitawo izvozvo kuti zviparidzire vakawanda vanotamira munyika dzazvo. Zvechokwadi, norubatsiro rwaJehovha, boka guru revanhu riri kubva mumapoka emitauro yakawanda kwazvo.

“Mupasi Rose”

19, 20. Mashoko api aPauro ari kuzadzika zvikuru nhasi? Tsanangura.

19 Muzana remakore rokutanga, muapostora Pauro akanyora kuti: “Havana kukundikana kunzwa, vakakundikana here? Chokwadi, chaizvoizvo, ‘inzwi ravo rakabudira mupasi rose, uye mashoko avo kumigumo yepasi rinogarwa.’” (VaRoma 10:18) Kana izvozvo zvaiva zvechokwadi muzana remakore rokutanga, ko kuzoti nhasi! Mamiriyoni—zvichida kutopfuura imwe nguva yose—ari kuti: “Ndicharumbidza Jehovha nguva dzose; rumbidzo yake ichagara mumuromo mangu.”—Pisarema 34:1.

20 Uyezve, basa racho harisi kuderera. Nhamba yevaparidzi voUmambo iri kuramba ichiwedzera. Nguva yakawanda zvikuru iri kupedzerwa mubasa rokuparidza. Pane kudzokerazve kunosvika mamiriyoni uye vanhu vakawanda vari kudzidziswa Bhaibheri. Uye vakawanda vari kufarira. Gore rakapera, nhamba yepamusoro yevanhu 16 097 622 vakapinda kuchengetwa kweChirangaridzo chorufu rwaJesu. Zvakajeka kuti kuchine basa rakawanda rinoda kuitwa. Ngatirambei tichitevedzera kuvimbika kwehama dzedu dzakatsungirira kutambudzwa kukuru. Uye ngatiratidzei kushingaira kwehama dzedu dzose idzo kubva muna 1919 dzakaita basa raJehovha. Tose ngatirambei tichidzokorora mashoko orwiyo rwomunyori wepisarema anoti: “Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha. Hareruya!”—Pisarema 150:6.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Ona mushumo wegore uri pamapeji 18 kusvika ku21 emagazini ino.

^ ndima 15 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungatsanangura Here?

• Ibasa ripi rakatanga kuitwa nehama muna 1919, uye nei raiva basa guru?

• Ndivanaani vakaunganidzwa kuti vatsigire basa rokuparidza?

• Chinyorwa chipi chakaitwa nemamishinari nevamwe vari kushanda kune dzimwe nyika?

• Uchapupu hupi hwaungataura hunoratidza kuti Jehovha ari kukomborera basa revanhu vake nhasi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Chati iri papeji 18-21]

MUSHUMO WEGORE REBASA RA2003 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE

(Ona bhaundi vhoriyamu)

[Mifananidzo iri papeji 14, 15]

Mhirizhonga yehondo yenyika yechipiri haina kuita kuti vaKristu vasave nechokwadi chokuti mashoko akanaka aizoparidzwa

[Kwazvakatorwa]

Kuputika: U.S. Navy photo; kumwe kwacho: U.S. Coast Guard photo

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Boka guru revanhu raizobva kumadzinza ose nendimi