Zekariya 8:1-23

  • Jehovha anopa Ziyoni rugare nechokwadi (1-23)

    • Jerusarema, “guta rechokwadi” (3)

    • “Tauriranai chokwadi” (16)

    • Kutsanya kunochinja kuva mabiko (18, 19)

    • ‘Ngatitsvagei Jehovha nemwoyo wese’ (21)

    • Varume gumi vanobata nguo yemuJudha (23)

8  Shoko raJehovha wemauto rakauyazve, richiti:  “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Ndichashingairira Ziyoni kwazvo,+ uye ndichazviita ndakatsamwa chaizvo.’”  “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichadzokera kuZiyoni+ ndogara muJerusarema;+ uye Jerusarema richanzi guta rechokwadi,*+ uye gomo raJehovha wemauto richanzi gomo dzvene.’”+  “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Harahwa nechembere dzichagarazve mumisika yeJerusarema, dzakura zvekuti mumwe nemumwe anenge aine mudonzvo wake.+  Uye misika yeguta ichazara nevakomana nevasikana vanenge vachitamba.’”+  “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Kunyange zvazvo mazuva iwayo vaya vachasara pavanhu ava vangaona sezvakanyanya kuoma, zvinganyanyawo kuoma kwandiri here?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.”  “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Ndichaponesa vanhu vangu kubva kunyika dziri kumabvazuva nekumavirira.+  Ndichavaunza, uye vachagara muJerusarema.+ Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo+ akatendeka uye akarurama.’”*  “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Maoko enyu ngaasimbe,*+ imi muri kunzwa mashoko aya ari kutaurwa nevaprofita,+ iwo mashoko akataurwawo pazuva rakavakwa faundesheni yeimba yaJehovha wemauto, kuti temberi ivakwe. 10  Nguva iyoyo isati yasvika vanhu vaisabhadharwa basa ravanenge vaita uye rinenge raitwa nezvipfuwo;+ uye vanhu vaitadza kufamba nemhaka yemuvengi, nekuti ndakaita kuti vese vapandukirane.’ 11  “‘Asi iye zvino handizoitiri vanhu ava vakasara zvandakamboita kare,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto. 12  ‘Nekuti mbeu yerugare ichadyarwa; muzambiringa uchabereka michero, nyika ichabereka,+ uye denga richapa dova raro. Ndichaita kuti zvinhu zvese izvi zvive nhaka yevakasara.+ 13  Imi imba yaJudha neimba yaIsraeri, makava vanhu vanotukwa nemarudzi,+ asi ini ndichakuponesai, uye muchava chikomborero.+ Musatya!+ Maoko enyu ngaave nesimba.’*+ 14  “Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, ‘“Sekusarudza kwandakaita kukuunzirai dambudziko pamusana pekuti madzitateguru enyu akanditsamwisa, ndikasachinja pfungwa,”*+ anodaro Jehovha wemauto, 15  “panguva ino ndasarudzawo kuitira Jerusarema neimba yaJudha zvinhu zvakanaka.+ Musatya!”’+ 16  “‘Izvi ndizvo zvinhu zvamunofanira kuita: Tauriranai chokwadi,+ uye mitongo yamunopa pamagedhi enyu ngaitsigire chokwadi uye ngaiite kuti pave nerugare.+ 17  Musarongerana zvakaipa mumwoyo menyu,+ uye musada mhiko yenhema;+ nekuti zvese izvi zvinhu zvandakavenga,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.” 18  Shoko raJehovha wemauto rakauyazve kwandiri, richiti: 19  “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Kutsanya kunoitwa mumwedzi wechina,+ nekutsanya kunoitwa mumwedzi wechishanu,+ nekutsanya kunoitwa mumwedzi wechi7,+ nekutsanya kunoitwa mumwedzi wechi10+ kuchava nguva yekupembera nemufaro kuvanhu veimba yaJudha, ichava mitambo yekufara chaizvo.+ Saka idai chokwadi nerugare.’ 20  “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Zvichatoitika, uye marudzi nevagari vemumaguta mazhinji vachauya; 21  uye vagari vemune rimwe guta vachaenda kune rimwe guta, voti: “Ngatiendei kunoteterera Jehovha nemwoyo wese kuti atinzwire nyasha uye kunotsvaga Jehovha wemauto. Neniwo ndichaenda.”+ 22  Vanhu vazhinji nemarudzi ane simba vachauya kuzotsvaga Jehovha wemauto muJerusarema+ uye kuzoteterera Jehovha kuti avanzwire nyasha.’ 23  “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Mazuva iwayo varume gumi vemitauro yese yemarudzi+ vachabata, chokwadi vachanyatsobata nguo* yemuJudha,* vachiti: “Tinoda kuenda nemi,+ nekuti takanzwa kuti Mwari anemi.”’”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “rekutendeka.”
Kana kuti “muchokwadi uye mukururama.”
Kana kuti “Shingai.”
Kana kuti “Shingai.”
Kana kuti “ndikasazvidemba.”
Kana kuti “mupendero wenguo.”
ChiHeb., “yemurume wechiJudha.”