Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupera Kwehondo

Kupera Kwehondo

Kupera Kwehondo

‘Tinongova nemakore 12. Hatigoni kuchinja zvematongerwe enyika uye hondo, asi tinoda kurarama! Tinomirira rugare. Tichararama kuti tiruone here?’—Kirasi yevana vegiredhi rechishanu

‘Tinoda kupinda chikoro, uye kushanyira shamwari nemhuri dzedu tisingatyi kubiwa. Ndinovimba kuti hurumende ichateerera. Tinoda upenyu hwakanaka. Tinoda rugare.’—Alhaji, ane makore 14

MASHOKO aya anobaya mwoyo anobudisa chido chomwoyo wose chevechiduku vakatambura kwemakore zvichikonzerwa nokurwisana kwoutsinye. Zvavanongoda chete kurarama upenyu hwakanaka. Asi hazvisi nyore kuti zvavanoda zviitike. Tichazomborarama kuti tione nyika isina hondo here?

Mumakore achangopfuura, nyika dzose dzave dzichiedza kupedza kurwisana kwevanhu vomunyika imwe chete nokukurudzira vanorwisana kunyorerana chibvumirano chorugare. Dzimwe nyika dzakatumira mauto anochengetedza runyararo kuti zvibvumirano zvakadaro zvibudirire. Asi inyika shoma dzine mari kana dzinoda kutarisira nyika dziri kure uko ruvengo rukuru nokufungirana zvinoita kuti zvibvumirano zvevari kurwisana zvive zvisina kusimba. Kazhinji kurwisana kunomukazve vhiki kana kuti mwedzi mishomanana chibvumirano chorunyararo chanyoreranwa. Stockholm International Peace Research Institute inoti, “zvakaoma kuti pave norugare kana varwi vachiri kuda uye vachine simba rokuramba vachirwisana.”

Asiwo, kurwisana uku kunonetsa kupedza kuri kutambudza munzvimbo zhinji dzepasi kunoyeuchidza vaKristu nezvohumwe uprofita hweBhaibheri. Bhuku raZvakazarurwa rinotaura nezvenguva yakaoma munhau apo mutasvi webhiza wokufananidzira aizo“bvisa rugare pasi pano.” (Zvakazarurwa 6:4) Hondo idzi dzisingaperi chimwe chezviratidzo zvizhinji chinoonesa kuti tiri kurarama munguva inotsanangurwa neBhaibheri se“mazuva okupedzisira.” * (2 Timoti 3:1) Zvisinei, Shoko raMwari rinotivimbisa kuti mazuva okupedzisira aya anotungamirira kurugare.

Pana Pisarema 46:9 Bhaibheri rinoti kuti pave norugare chairwo hondo inofanira kupera, kwete munzvimbo imwe chete yepasi, asi pasi pose. Uyezve, pisarema irori rinotaura zvakananga nezvokuparadzwa kwezvombo zvomunguva dzeBhaibheri—uta, uye pfumo. Zvombo zvakawanda mazuva ano zvinofanirawo kuparadzwa kana vanhu vachizorarama murugare.

Asi chaizvoizvo, ruvengo nemakaro zvinokuchidzira hondo kwete mabara nepfuti. Ruchiva kana kuti makaro, ndizvo zvinhu zvikuru zvinokonzera hondo, uye ruvengo runowanzotungamirira kuchisimba. Kuti vabvise zvinhu izvi zvinoparadza, vanhu vanofanira kuchinja mafungiro avo. Vanofanira kudzidziswa nzira dzorugare. Ndosaka, muprofita wekare Isaya achitaura zvechokwadi kuti hondo ichazopera bedzi apo vanhu vanenge ‘vasingachadzidzi kurwa.’—Isaya 2:4.

Zvisinei, iye zvino tinogara munyika inodzidzisa vakuru nevana kurumbidzwa kwehondo, kwete kukosha kworugare. Zvinosuruvarisa kuti kunyange vana vari kudzidziswa kuuraya.

Vakadzidzira Kuuraya

Alhaji akabudiswa basa rechiuto ava nemakore 14. Aingova nemakore gumi paakabatwa nemagandanga akamudzidzisa kurwa neAK-47. Somurwi akaita zvokumanikidzwa, akaenda achipamba zvokudya nokupisa dzimba. Akaurayawo uye akakuvadza vanhu. Nhasi, zvakaomera Alhaji kukanganwa hondo uye kuchinja kuva munhuwo zvake. Abraham, mumwe musoja achiri mwana, akadzidzirawo kuuraya uye akanga asingadi kudzorera pfuti yake. Akati: “Kana vakanditi ndiende ndisina pfuti yangu, handizivi kuti ndichaitei, uye kuti ndichadyei.”

Masoja achiri vana anopfuura 300 000—vakomana nevasikana—vachiri kurwa uye vachiri kufa mukurwisana kusingaperi kwevanhu vomunyika imwe chete kwatambudza pasi redu. Mumwe mutungamiriri wemagandanga akati: “Vanoteerera zvavanenge varayirwa; havana shungu dzokudzokera kumudzimai kana kumhuri yavo; uye havatombotyi.” Asi, vana ava vanoda uye vakakodzerwa noupenyu hwakanaka.

Munyika dzakabudirira, dambudziko remasoja achiri vana rinoita serokune dzimwe nyika. Kunyange zvakadaro, vana vakawanda vokunyika idzodzi vari kudzidzira kurwa vari muutefetefe hwomudzimba dzavo. Sei?

Somuenzaniso, funga nezvaJosé wokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweSpain. Akanga ari pwere yaifarira mitambo yechisimba. Chaainyanya kuda raiva zibakatwa rinonzi samurai raakatengerwa nababa vake paKrisimasi. Uye aifarira mitambo yemavhidhiyo, kunyanya yechisimba. Musi waApril 1, 2000, akanyatsotevedzera chisimba chegamba rake romuvhidhiyo. Muchisimba choupengo, akauraya baba vake, amai, nehanzvadzi yake nebakatwa riya raakanga apiwa nababa vake. “Ndaida kuva ndoga munyika; ndaisada kutsvakwa nevabereki vangu,” akaudza mapurisa kudaro.

Achitaura nezvemigumisiro yevaraidzo yechisimba, munyori uye mukuru mukuru wemauto Dave Grossman akati: “Tava kusvika pamwero uya wokutindivara zvokuti kurwadziwa nokutambura zvava kunakidza: zvazova zvinofadza pane kusemesa. Tiri kudzidzira kuuraya, uye tiri kudzidzira kukufarira.”

Alhaji naJosé vakadzidzira kuuraya. Havana kutanga vachida kuuraya, asi zvavakadzidzira zvakakanganisa mafungiro avo. Kudzidzira kwakadaro—kungaitwa nevana kana nevakura—kunodyara mbeu yechisimba nehondo.

Kudzidzira Rugare Panzvimbo Pehondo

Rugare rusingaperi harungambovipo kana vanhu vachidzidzira kuuraya. Mazana emakore akapfuura, muprofita Isaya akanyora kuti: “Dai wakateerera hako mirayiro ya[Mwari]! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi.” (Isaya 48:17, 18) Kana vanhu vakawana zivo yakarurama yeShoko raMwari vodzidzira kuda mutemo waMwari, chisimba nehondo zvinobva zvavasembura. Kunyange iye zvino, vabereki vanogona kuva nechokwadi chokuti mitambo inotambwa nevana vavo haikurudziri chisimba. Vakuru vanogonawo kudzidzira kukurira ruvengo nemakaro. Zvapupu zvaJehovha zvagara zvichiona kuti Shoko raMwari rine simba rokuchinja unhu.—VaHebheru 4:12.

Somuenzaniso, chimbofunga nezvaHortêncio. Aiva jaya paakamanikidzwa kuva musoja. Zvakarongwa kuti “zvishoma nezvishoma tidzidziswe kuuraya uye tisambozeza,” anotsanangura kudaro. Akarwa mukurwisana kwevanhu vomunyika imwe chete uko kwakatora nguva refu muAfrica. “Hondo yakachinja unhu hwangu,” anobvuma kudaro. Nanhasi ndichiri kuyeuka zvose zvandakaita. Zvandakamanikidzwa kuita zvinondirwadza chaizvo.”

Mumwe wemasoja paakataura naHortêncio nezveBhaibheri, zvakasvika pamwoyo wake. Chipikirwa chaMwari chiri pana Pisarema 46:9 chokugumisa marudzi ose ehondo chakamufadza. Sezvaakaramba achidzidza Bhaibheri akanzwa asingachadi kurwa. Pasina nguva, iye neshamwari dzake mbiri vakadzingwa muchiuto, uye vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha Mwari. “Chokwadi cheBhaibheri chakandibatsira kuda muvengi wangu,” anodaro Hortêncio. “Ndakaona kuti nokurwa, ndakanga ndichitotadzira Jehovha, nokuti Mwari anoti hatifaniri kuuraya muvakidzani wedu. Kuratidza rudo urwu, ndaitofanira kuchinja mafungiro uye kusaona vanhu sevavengi vangu.”

Izvi zvakaitika zvechokwadi zvinoratidza kuti dzidzo yeBhaibheri inonyatsosimudzira rugare. Hazvishamisi. Muprofita Isaya akati dzidzo yaMwari norugare zvinopindirana. Akafanoti: “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako ruchava rukuru.” (Isaya 54:13) Muprofita iyeye akafanoona nguva apo vanhu vemarudzi ose vaizodirana kukunamatwa kwakachena kwaJehovha Mwari kuti vadzidze nzira dzake. Zvichiguma nei? “Vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”—Isaya 2:2-4.

Maererano nouprofita ihwohwo, Zvapupu zvaJehovha zviri kuita basa rokudzidzisa mupasi rose iro ratobatsira mamiriyoni kukurira ruvengo, urwo ruri mudzi wehondo dzevanhu.

Vimbiso Yorugare Rwenyika

Kunze kwokudzidzisa, Mwari akagadza hurumende, kana kuti “umambo,” hunogona kuunza rugare rwenyika yose. Zvinokosha kuti Bhaibheri rinotaura nezvoMutongi waMwari akasarudzwa, Jesu Kristu, so“Muchinda worugare.” Rinotivimbisazve kuti “kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo.”—Isaya 9:6, 7.

Ivimbisoi yatinayo yokuti kutonga kwaKristu kuchabudirira kubvisa marudzi ose ehondo? Muprofita Isaya anotizve: “Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.” (Isaya 9:7) Mwari anoda uye ane simba rokuchengeta rugare rusingaperi. Jesu ane chivimbo chakazara muchipikirwa ichi. Ndokusaka akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye uye kuti kuda kwaMwari kuitwe pasi pano. (Mateu 6:9, 10) Kana chikumbiro chomwoyo wose chazopindurwa, hondo haizotambudzizve pasi pano.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Kuti uongorore uchapupu hwokuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira, ona chitsauko 11 chebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Dzidzo yeBhaibheri inosimudzira rugare rwechokwadi