Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Ramba Uchinditevera’

‘Ramba Uchinditevera’

‘Ramba Uchinditevera’

“Makadanirwa izvozvi, nokuti kunyange Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.”—1 PETRO 2:21.

1, 2. Nei muenzaniso waJesu wakakwana somudzidzisi usina kukwirira zvakanyanya kuti titevedzere?

JESU KRISTU ndiye akanga ari Mudzidzisi mukuru kwazvo ati ambofamba panyika. Uyezve akanga akakwana, haana kumbotadza kwoupenyu hwake hwose somunhu wenyama. (1 Petro 2:22) Zvisinei, izvi zvinoreva here kuti muenzaniso waJesu somudzidzisi wakakwirira zvakanyanya kuti isu vanhu vasina kukwana titevedzere? Kwete.

2 Sezvatakaona munyaya yakapfuura, nheyo yokudzidzisa kwaJesu yaiva rudo. Uye rudo ndechimwe chinhu icho isu tose tinogona kushandira. Shoko raMwari rinowanzotikurudzira kukura nokuvandudza kuda kwatinoita vamwe. (VaFiripi 1:9; VaKorose 3:14) Jehovha haambotarisiri kuzvisikwa zvake kuita zvazvisingagoni. Tingatoti sezvo “Mwari [ari] rudo” uye akatisika nomufananidzo wake, zvinogona kutaurwa kuti akatisika nenzira yokuti tiratidze rudo. (1 Johani 4:8; Genesi 1:27) Naizvozvo patinoverenga mashoko omuapostora Petro akanyorwa murugwaro rwedu rwomusoro wenyaya, tingabva tanzwa chivimbo chokubudirira. Tinogona kunyatsotevera tsoka dzaKristu. Kutaura chokwadi, tinogona kuteerera murayiro waJesu pachake wokuti: ‘Ramba uchinditevera.’ (Ruka 9:23) Ngationgororei kuti tingatevedzera sei rudo rwakaratidzwa naKristu, kutanga nokuda kwechokwadi chaakadzidzisa, uye kuvanhu vaakadzidzisa.

Kuvaka Rudo Nokuda Kwechokwadi Chatinodzidza

3. Nei vamwe vachiomerwa nokudzidza, asi ikurudziro yei inowanikwa pana Zvirevo 2:1-5?

3 Kuti tide chokwadi chatinodzidzisa vamwe, tinofanira kuda kudzidza chokwadi chakadaro isu pachedu. Munyika yanhasi, rudo rwakadaro haruwanzouya nyore. Zvinhu zvakadai sokusaenda kuchikoro zvakakwana netsika dzakaipa dzinotangwa mukuyaruka zvinosiya vakawanda vasingachadi zvokudzidza zvachose. Zvisinei, zvinokosha kuti tidzidze kuna Jehovha. Zvirevo 2:1-5 inoti: “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nokuchengeta mirayiro yangu kwauri; kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise; kana ukachemera kunzwisisa, ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari.”

4. Zvinorevei ku“rwadza” mwoyo, uye maoneroi achatibatsira kuita kudaro?

4 Cherechedza kuti mundima 1 kusvika ku4, tinoramba tichikurudzirwa kuti tishande nesimba kwete bedzi ku“gamuchira” noku“chengeta” asiwo ku“tsvakisisa.” Zvisinei, chii chinofanira kutikurudzira kuita zvose izvi? Cherechedza mashoko anoti “kurwadza mwoyo wako kuti unzwisise.” Rimwe bhuku rinoti kurudziro iyi “hakusi kukumbira kuteerera chete; kurayira kuva nemamwe mafungiro: kuda kuteerera zvikuru zviri kudzidziswa.” Uye chii chingatiita kuti tide kuteerera zvikuru uye tive nechido chokudzidza izvo Jehovha anotidzidzisa? Maonero edu. Tinofanira kuona “zivo yaMwari” se“sirivha” uye se“pfuma yakavanzwa.”

5, 6. (a) Chii chinogona kuitika nokufamba kwenguva, uye tingaita sei kuti zvisaitika? (b) Nei tichifanira kuramba tichiwedzera pfuma yezivo yatakawana muBhaibheri?

5 Hazvina kuoma kuva nemaonero akadaro. Somuenzaniso, “zivo yaMwari” yawakawana zvimwe inosanganisira chokwadi chokuti Jehovha ane chinangwa chokuti vanhu vakatendeka vazogara nokusingaperi muParadhiso pasi pano. (Pisarema 37:28, 29) Pawakatanga kudzidza chokwadi ichocho, hapana mubvunzo kuti wakachiona sepfuma inokosha chaiyo, zivo yakazadza pfungwa dzako nomwoyo netariro nomufaro. Zvakadini nazvino? Nokufamba kwenguva, kuonga pfuma yako kwaderera kana kuti kubhuruvara here? Kana zvakadaro, edza kuita zvinhu zviviri. Kutanga mutsiridza kuonga kwako, kureva kuti, gara uchizviyeuchidza mupfungwa dzako kuti nei uchikoshesa chokwadi chose icho Jehovha akakudzidzisa, kunyange icho wakadzidza makore mazhinji akapfuura.

6 Chechipiri, ramba uchiwedzera pfuma yako. Pamusoro pazvo, kudai waizochera ukawana dombo rinokosha, waizongoriisa muhomwe wofamba zvako uchienda wagutsikana here? Kana kuti waizochera kuti uone kana pane rimwe? Shoko raMwari rizere nematombo anokosha echokwadi. Pasinei nokuti wakawana akawanda sei, unogona kuwana mamwe. (VaRoma 11:33) Sezvaunofukunura matombo anokosha echokwadi, zvibvunze kuti: ‘Chii chinoita kuti ive pfuma? Inondipa nzwisiso yakawedzerwa here younhu hwaJehovha kana kuti zvinangwa zvake? Inondipa mashoko okutungamirira anoshanda anogona kundibatsira kutevera tsoka dzaJesu here?’ Kufungisisa mibvunzo yakadaro kuchakubatsira kuwedzera kuda kwako chokwadi icho Jehovha akakudzidzisa.

Kuratidza Kuda Chokwadi Chatinodzidzisa

7, 8. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo vamwe kuti tinoda chokwadi chatakadzidza muBhaibheri? Ipa muenzaniso.

7 Sezvatinodzidzisa vamwe, tingaratidza sei kuti tinoda chokwadi chatakadzidza muShoko raMwari? Tichitevera muenzaniso waJesu, tinovimba zvikuru neBhaibheri mukuparidza kwedu nokudzidzisa. Munguva dzakapfuura, vanhu vaMwari munyika yose vakakurudzirwa kuwedzera kushandisa Bhaibheri muushumiri hwavo hwapachena. Sezvaunoshandisa kurudziro iyoyo, tsvaka nzira dzokuita nadzo kuti saimba azive kuti iwe pachako unokoshesa zvauri kumuudza zviri muBhaibheri.—Mateu 13:52.

8 Somuenzaniso, muchipatapata chepashure pokurwisa kwemagandanga muNew York City, imwe hanzvadzi yechiKristu yakanga ichiverengera vanhu vayaisangana navo muushumiri hwayo Pisarema 46:1, 11. Yaitanga yabvunza vanhu kuti vakanga vari kurarama sei pashure penhamo yacho. Yainyatsoteerera zvavaipindura, yozvibvuma, yobva yati: “Ndingakuverengerai here rugwaro rwakandinyaradza zvikuru munguva iyi yakaoma?” Vashomanana chete ndivo vakaramba, uye pakaguma nokukurukurirana kuzhinji kwakanaka kwazvo. Mukutaura nevanhu vechiduku, hanzvadzi imwe chete iyi inowanzoti: “Ndave ndichidzidzisa Bhaibheri kwemakore 50 zvino, uye unozivei? Handisati ndambosangana nechinetso chimwe hacho icho bhuku rino risingagoni kubatsira kuchipedza.” Nokutaura nemwoyo wose, tiine chido, tinoratidza vanhu kuti tinokoshesa uye tinoda zvatakadzidza muShoko raMwari.—Pisarema 119:97, 105.

9, 10. Nei zvichikosha kushandisa Bhaibheri pakupindura mibvunzo pamusoro pechitendero chedu?

9 Vanhu pavanotibvunza mibvunzo pamusoro pechitendero chedu, tinowana mukana wakanaka wokuratidza kuti tinoda Shoko raMwari. Tichitevera muenzaniso waJesu, hatingopinduri tichishandisa pfungwa dzedu. (Zvirevo 3:5, 6) Asi, tinoshandisa Bhaibheri pakupindura. Unotya here kuti mumwe munhu angakubvunza zvausingazokwanisi kupindura? Funga pamusoro pezvinhu zviviri zvakanaka zvaunogona kuita.

10 Ita zvaunogona kuti uve akagadzirira. Muapostora Petro akanyora kuti: “Asi tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu, muchigara makagadzirira kuzvidzivirira kune munhu wose anokubvunzai chikonzero chetariro iri mamuri, asi muchiita kudaro nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Petro 3:15) Wakagadzirira kudzivirira chitendero chako here? Somuenzaniso, kana mumwe munhu achida kuziva kuti nei usingaiti imwe tsika isiri yomuMagwaro, usagutsikana nokungoti, “Hazviwirirani nechitendero changu.” Mhinduro yakadaro ingaratidza kuti unoda kuitirwa zvisarudzo nevamwe uye naizvozvo unofanira kunge uri nhengo yechimwe chitendero chakatsauka. Zvingatova nani kuti, “Shoko raMwari, Bhaibheri, rinozvirambidza,” kana kuti, “Zvingagumbura Mwari wangu.” Wobva wapa tsananguro inonzwika yokuti nei zvakadaro.—VaRoma 12:1.

11. Ibhuku ripi rokutsvakurudza mashoko ringatibatsira kuva vakagadzirira kupindura mibvunzo pamusoro pechokwadi cheShoko raMwari?

11 Kana uchinzwa sokuti hauna kugadzirira, unodii kumbotora chinguva uchidzidza bhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro? * Sarudza nyaya shomanana dzinoratidza sedzingangomuka, wobata dzimwe pfungwa dzeMagwaro nomusoro. Chengeta bhuku rako raKurangarira neBhaibheri rako zviri pedyo. Usazeza kuzvishandisa zvose zviri zviviri, uchitaura kuti une bhuku rokutsvakurudza mashoko raunoda kushandisa kubatsira kuwana mhinduro yeBhaibheri kumibvunzo yacho.

12. Tingapindura sei kana tisingazivi mhinduro yomubvunzo weBhaibheri?

12 Edza kusangozvidya mwoyo pasina chikonzero. Hapana munhu asina kukwana ane mhinduro dzose. Naizvozvo kana ukabvunzwa mubvunzo weBhaibheri wausingagoni kupindura, unogona kungoti: “Mazviita nomubvunzo unofadza wamabvunza. Kutaura chokwadi, handizivi mhinduro yacho, asi ndine chokwadi chokuti Bhaibheri rinotaura pamusoro penhau yacho. Ndinofarira kutsvakurudza mashoko muBhaibheri, naizvozvo ndichatarira mubvunzo wenyu ndozodzoka kuzokuonai.” Matauriro okutendeseka nokuzvininipisa akadaro anogona kuzarura mukana wokuzotauriranazve.—Zvirevo 11:2.

Kuda Vanhu Vatinodzidzisa

13. Nei tichifanira kuramba tine maonero akanaka pamusoro pevatinoparidzira?

13 Jesu akaratidza rudo kuvanhu vaaidzidzisa. Tingamutevedzera sei panhau iyi? Hatimbofaniri kumboitira utsinye vanhu vakatipoteredza. Chokwadi, “hondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose” iri kuramba ichiswedera pedyo, uye vazhinji pakati pemabhiriyoni evanhu vachaparadzwa. (Zvakazarurwa 16:14; Jeremia 25:33) Asi, hatizivi kuti ndiani achapona uye ndiani achafa. Kutonga ikoko kuchiri mberi uye kuchaitwa nomumwe akagadzwa naJehovha, Jesu Kristu. Kusvikira kutonga ikoko kwaitwa, tinoona munhu wose seanokwanisa kuva mushumiri waJehovha.—Mateu 19:24-26; 25:31-33; Mabasa 17:31.

14. (a) Tingazviongorora sei kana tichinzwira vanhu tsitsi? (b) Munzira dzipi dzinoshanda dzatingaratidza nadzo kunzwira tsitsi nokufarira vamwe vanhu?

14 Saka, kufanana naJesu, tinotsvaka kunzwira vanhu tsitsi. Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndinonzwira urombo vanhu vakanyengerwa nenhema dzoungwaru nokunyengera kwezvitendero, vezvematongerwo enyika, uye vezvokutengeserana venyika ino here? Kana vachiratidza kuvenga shoko ratinovaunzira, ndinoedza kunzwisisa here kuti nei vachinzwa sezvavanoita? Ndinonzwisisa here kuti ini, kana kuti vamwe vari kutoshumira Jehovha nokutendeka vaimbonzwawo nenzira iyoyo? Ndakagadzirisa mataurire angu kuti awirirane here? Kana kuti ndinosiya vanhu ava ndichiti hapana tariro?’ (Zvakazarurwa 12:9) Vanhu pavanoona kunzwira tsitsi kwedu kwechokwadi, zvimwe vangangoteerera shoko redu. (1 Petro 3:8) Kuva netsitsi kungagona kutiita kuti tiwedzere kufarira vanhu vatinosangana navo muushumiri hwedu. Tinogona kunyora mibvunzo yavo nezviri kuvanetsa. Patinodzoka, tinogona kuvaratidza kuti tave tichifunga pamusoro pezvavakataura patakambovashanyira. Uye kana vane chimwe chinhu chiri kunyanya kuvanetsa panguva ino, tingave tichikwanisa kuvabatsira neimwe nzira inoshanda.

15. Nei tichifanira kutsvaka zvakanaka zviri muvanhu, uye tingazviita sei?

15 Kufanana naJesu tinotsvaka zvakanaka zviri muvanhu. Zvimwe mubereki asara oga ari kuedza zvinoyemurika kurera vana vake. Murume ari kutamburira kuriritira mhuri yake. Mumwe munhu akwegura ari kuratidza kufarira zvinhu zvokunamata. Tinocherechedza zvinhu zvakadaro muvanhu vatinosangana navo ndokuvarumbidza zvakafanira here? Mukuita kudaro, tinosimbisa zvinhu zvatinowirirana pakati pedu uye tinogona kuzarura nzira yokupa uchapupu pamusoro poUmambo.—Mabasa 26:2, 3.

Kuzvininipisa Kunokosha Mukuratidza Rudo

16. Nei zvichikosha kuti tirambe tichiratidza unyoro noruremekedzo kune vatinoparidzira?

16 Kuda vanhu vatinodzidzisa kuchatiita kuti titeerere nyevero yokuchenjera yeBhaibheri inoti: “Zivo inotutumadzisa, asi rudo runovaka.” (1 VaKorinde 8:1) Jesu aiva nezivo kwazvo, asi akanga asingazvitutumadzi. Naizvozvo sezvaunotaura zvaunotenda, usafarira zvenharo kana kuti kunzwa uri pamusoro pevamwe. Chinangwa chedu ndechokutaura zvinosvika pamwoyo nokukwevera vanhu kuchokwadi chatinoda zvikuru. (VaKorose 4:6) Yeuka, apo Petro akapa vaKristu zano rokuti vagare vakagadzirira kudzivirira, akatiyeuchidzawo kuti tinofanira kudaro “nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Petro 3:15) Kana tine unyoro noruremekedzo, pamwe tingaita kuti vanhu vaswedere pedyo naMwari watinoshumira.

17, 18. (a) Tinofanira kuita sei nepfungwa dzokutsoropodza kukodzera kwedu sevashumiri? (b) Nei zivo yemitauro yeBhaibheri yekare isingakoshi kuvadzidzi veBhaibheri?

17 Hatifaniri hedu kuorora vanhu nezivo yedu kana kuti dzidzo. Kana vamwe vari mundima yenyu vachiramba kuteerera munhu wose asina mamwe madhigirii eyunivhesiti kana kuti mazita okuremekedza, usarega mafungiro avo achikuodza mwoyo. Jesu haana kuva nehanya nezvokuti akanga asina kupinda chikoro chinoshamisira chavanarabhi vomuzuva rake; uyewo haana kutora mafungiro asina kunaka akanga akakurumbira nokuedza kuorora vanhu noruzivo rwake rwakakura.—Johani 7:15.

18 Kuzvininipisa norudo zvinokosha kwazvo kupfuura chero zivo yakadini yenyika kuvashumiri vechiKristu. Jehovha, Mudzidzisi Mukuru, anoti takakodzera kuita ushumiri. (2 VaKorinde 3:5, 6) Uye pasinei nezvinotaurwa nevamwe vafundisi vechiKristudhomu, hazvidikanwi hazvo kuti tidzidze mitauro yeBhaibheri yekare kuti tigova vadzidzisi veShoko raMwari. Jehovha akafuridzira Bhaibheri kuti rinyorwe nenzira yakajeka, isina mubvunzo zvokuti anenge munhu wose anogona kunzwisisa chokwadi charo chinokosha. Chokwadi ichocho chinoramba chakangoita sezvachakaita kunyange kana chikashandurirwa mumazana nemazana emitauro. Naizvozvo kuziva mitauro yekare, kunyange zvazvo pane dzimwe nguva kuchibatsira, hakusi chinhu chinokosha. Uyezve, kudada nokuziva mitauro kunogona kuita kuti munhu arasikirwe nechinhu chinokosha kuvaKristu vechokwadi—kudzidzisika.—1 Timoti 6:4.

19. Ushumiri hwedu hwechiKristu ibasa mupfungwai?

19 Hapangavi nomubvunzo kuti ushumiri hwedu hwechiKristu ibasa rinoda kuzvininipisa. Tinogara takazviisa pamutanhiko wokushorwa, kusakendenga, kunyange kutambudzwa. (Johani 15:20) Asi, nokuita ushumiri hwedu nokutendeka, tiri kuita basa rinokosha. Kana tikaramba tichishumira vamwe nokuzvininipisa mubasa iri, tiri kutevedzera rudo rwakaratidzwa naJesu Kristu kuvanhu. Funga: Kudai taizoparidzira kuchiuru chevanhu vanoshora kana kuti vasingakendengi kuti tisvike pamunhu mumwe akaita segwai, izvozvo zvaisazoreva kushandira zviripo here? Zvechokwadi! Naizvozvo nokutsungirira mubasa iri, tisingakandi mapfumo pasi, tiri kushumira vakaita semakwai vatichasvika kwavari. Pasina mubvunzo Jehovha naJesu vachava nechokwadi chokuti vamwe vanhu vakawanda vanokosha zvakadaro vachawanikwa vobatsirwa mugumo usati wasvika.—Hagai 2:7.

20. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingadzidzisa nadzo nomuenzaniso?

20 Kudzidzisa nomuenzaniso ndeimwe nzira yokuratidza nayo kuda kwedu kushumira vamwe. Somuenzaniso, tinoda kudzidzisa vanhu kuti kushumira Jehovha, “Mwari anofara,” ndiko chinhu chakanakisisa, uye nzira inogutsa zvikuru youpenyu inobvira. (1 Timoti 1:11) Sezvavanocherechedza mufambiro wedu nokubata kwatinoita nevavakidzani vedu, vatinopinda navo chikoro, uye vatinoshanda navo, vanogona kuona here kuti tiri kufara uye tiri kugutsikana? Saizvozvowo, tinodzidzisa vadzidzi veBhaibheri kuti ungano yechiKristu itsime rorudo pakati pegwenga renyika ine utsinye, inotyisa. Vatinodzidza navo vanogona kuzviona nyore here kuti tinoda vose vari muungano uye tinoshanda nesimba kuchengeta rugare pakati pedu?—1 Petro 4:8.

21, 22. (a) Kuzviongorora maererano noushumiri hwedu kunogona kutitungamirira kuti tishandise mikana ipi? (b) Zvii zvichakurukurwa munyaya dziri muNharireyomurindi inotevera?

21 Kuratidza chido noushumiri hwedu dzimwe nguva, kungatiita kuti tizviongorore patsva. Pavanoita kudaro nokutendeka, vazhinji vanowana kuti vanokwanisa kuwedzera basa ravo nokutora ushumiri hwenguva yakazara kana kuti nokutamira kunodiwa vamwe vaparidzi. Vamwe vakasarudza kudzidza mutauro wokumwe kuti vashumire munzanga iri kukura yevakatamira mundima yokumusha kwavo. Kana une mikana yakadaro, ifungisise nokungwarira nokunyengetera. Upenyu hwokushumira hunounza mufaro mukuru, kugutsikana, norugare rwepfungwa.—Muparidzi 5:12.

22 Nepose pazvinogona napo, ngatirambe tichitevedzera Jesu Kristu nokuvaka rudo rwedu nokuda kwechokwadi chatinodzidzisa uye nokuda kwevanhu vatinodzidzisa. Kuva norudo nokururatidza muzvinhu zviviri izvi kuchatibatsira kuvaka nheyo yakanaka kwazvo yokuti tive vadzidzisi vakaita saKristu. Zvisinei, tingavaka sei panheyo iyoyo? Munyaya yeNharireyomurindi inotevera, nyaya dzinotevedzana dzichakurukura dzimwe nzira dzokudzidzisa dzakananga idzo Jesu akashandisa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungapindura Sei?

• Chii chinotipa chokwadi chokuti muenzaniso waJesu somudzidzisi hauna kukwirira zvakanyanya kuti titevedzere?

• Tingaratidza sei kuti tinoda chokwadi chatakadzidza muBhaibheri?

• Nei zvichikosha kuti tirambe tichizvininipisa sezvatinokura muzivo?

• Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo rudo kuvanhu vatinoedza kudzidzisa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 16]

Ita zvaunogona kuti uve akagadzirira

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Kana uchikoshesa “zivo yaMwari,” unogona kushandisa Bhaibheri zvinobudirira

[Mufananidzo uri papeji 18]

Tinoratidza kuti tinoda vanhu nokuvaudzawo mashoko akanaka