Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanakidzwa nokuverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi here? Kana wakadaro, ona kana ungakwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Tsitsi chii, uye nei vaKristu vachifanira kudziratidza?

Kukwanisa kuzviona setiri mumamiriro ezvinhu omumwe, zvakadai sokunzwa mumwoyo wedu kurwadziwa kuri kuita mumwe munhu. VaKristu vanopiwa zano rokuti ‘vanzwirane ngoni, vadanane sehama nokunzwirana tsitsi.’ (1 Petro 3:8) Jehovha anotipa muenzaniso wokutevedzera mukuratidza tsitsi. (Pisarema 103:14; Zekaria 2:8) Tinogona kunyatsongwarira zvinodiwa nevamwe munyaya iyi kuburikidza nokuteerera, nokucherechedza, uye kufungidzira.—4/15, mapeji 24-6.

Kuti tifare zvechokwadi, nei kuporeswa mumudzimu kuchifanira kutangira kuporeswa kwokupedzisira kwourema hwomuviri?

Vanhu vakawanda vane utano hwakanaka havasi kufara, uye vanonzwa vachiremerwa nematambudziko. Asi, vaKristu vakawanda vakaremara mumuviri nhasi vanofara chaizvo kushumira Jehovha. Vaya vari kubatsirwa nokuporeswa mumudzimu vachawana mukana wokubvisirwa urema hwomuviri munyika itsva.—5/1, mapeji 6-7.

• Nei VaHebheru 12:16 ichiisa Isau muboka rimwe chete nechifeve?

Nhoroondo yeBhaibheri inoratidza kuti Isau akaratidza mafungiro okuda mibayiro yepakarepo uye kusakoshesa zvinhu zvitsvene. Kana mumwe munhu akabvumira mafungiro akadai kutanga, zvinogona kuzogumawo nokuita chivi chakakomba, chakadai soufeve.—5/1, mapeji 10-11.

• Tertullian aiva ani, uye anozivikanwa nei?

Aiva munyori uye mufundisi akararama muzana remakore rechipiri nerechitatu C.E. Anozivikanwa nokunyora mabhuku anoverengeka okutsigira chiKristu chezita. Paaizvitsigira, akapinza maonero uye pfungwa dzouzivi dzakaita kuti patange kuva nedzidziso dzechitendero dzakakanganiswa, dzakaita soUtatu.—5/15, mapeji 29-31.

• Nei majini (genes) edu atakagara nhaka asiri iwo chete anokonzera zvirwere zvevanhu, maitiro evanhu, uye rufu?

Masayendisiti akagumisa kuti pane uchapupu hwokuti majini anokonzera zvirwere zvakasiyana-siyana zvevanhu, uye vamwe vanodavira kuti maitiro evanhu anokonzerwa nemajini edu. Asi Bhaibheri rinoita kuti tinzwisise mavambo evanhu, kusanganisira kuti chivi uye kusakwana zvakasvika sei pakutambudza vanhu. Kunyange majini angava nezvaanoita paunhu hwedu, kusakwana kwedu uye zvakatipoteredza zvinopesvedzerawo zvikuru.—6/1, mapeji 9-11.

• Chidimbu chomupumburu chakawanwa muOxyrhynchus, kuIjipiti, chinojekesa sei kushandiswa kwezita raMwari?

Chidimbu ichi chaJobho 42:11, 12 chakabva muSeptuagint yechiGiriki chine Tetragrammaton (mavara mana echiHebheru anomirira zita raMwari). Uhwu uchapupu hwokuwedzera hunoratidza kuti zita raMwari muchiHebheru raivamo muSeptuagint, yaiwanzoshandiswa nevanyori veMagwaro echiKristu echiGiriki.—6/1, peji 30.

• Mitambo yechisimba uye yokuurayana yaiitwa muUmambo hweRoma yakafananidzwa nemitambo ipi yemazuva ano?

Mutambo uchangobva kuratidzwa muimba yemitambo yeColosseum muRome wakaratidza zvinhu zvinoitwa mazuva ano zvakafanana nezvaiitwa panguva iyoyo zvinosanganisira mavhidhiyo okurwisana nehandira, tsiva, mijaho yemotokari nemidhudhudhu, uye kurwisana kwevaoni vemitambo pane mimwe mitambo yemazuva ano. VaKristu vepakuvamba vakagamuchira nomwoyo wose zano rokuti Jehovha haadi chisimba kana vanoita chisimba, uye vaKristu havafaniri kudarowo nhasi. (Pisarema 11:5)—6/15, peji 29.

Sezvatinoedza kuva vadzidzisi vanobatsira, tingadzidzei mumuenzaniso waEzra?

Ezra 7:10 (NW) inoratidza zvinhu zvina zvakaitwa naEzra, zvinhu zvatingaedza kutevedzera. Inoti: “Iye Ezra [1] akanga agadzirira mwoyo wake kuti [2] aone kuti mutemo waJehovha unotii uye [3] auite uye [4] kuti adzidzise murau nokururamisira pakati paIsraeri.”—7/1, peji 20.

• Mumamiriro maviri api ezvinhu akakodzera kuti mukadzi wechiKristu apfeke chifukidziro chomusoro?

Mamiriro ezvinhu okutanga ndeomumhuri. Kupfeka chifukidziro chomusoro kunoratidza kuziva kwake kuti murume wake ndiye ane mutoro wokutungamirira mumunyengetero uye kupa mirayiridzo yeBhaibheri. Mamwe acho ndeomuungano, uko anoratidza kuziva kuti varume vakabhabhatidzwa ndivo vanotenderwa neMagwaro kudzidzisa uye kutungamirira. (1 VaKorinde 11:3-10)—7/15, mapeji 26-7.

• Nei vaKristu vachiziva kuti yoga inodarika kungorovedza muviri chete uye ine ngozi?

Chinangwa cheyoga senzira yokurovedza ndechokudzidzisa munhu kuti asanganiswe nomudzimu. Ichipesana nenhungamiro yaMwari, yoga inosanganisira kumbomira kufunga. (VaRoma 12:1, 2) Yoga inogona kuita kuti munhu agume ava kuita zvemidzimu uye zvouroyi. (Dheuteronomio 18: 10, 11)—8/1, mapeji 20-2.