Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinotaurwa neBhaibheri Nezveramangwana

Zvinotaurwa neBhaibheri Nezveramangwana

CHIMBOFUNGIDZIRA uchifamba mumugwagwa une rima ari manheru. Asi hausi kutya kurasika nekuti une tochi inonyatsoona. Ukaitaridza pasi unonyatsoona pauri kutsika. Ukaitaridza kumberi unonyatsoona zviri kumberi kwako.

Bhaibheri rakafanana netochi iyoyo. Sezvataona munyaya dzapfuura, Shoko raMwari rinogona kutibatsira pamatambudziko atinosangana nawo zuva nezuva. Asi rinoita zvinopfuura ipapo. Rinotibatsirawo kuziva zvichange zvakaita ramangwana uye zvatingaita kuti tizorarama tichifara nekusingaperi. (Pisarema 119:105) Rinozviita sei?

Ngationei nzira mbiri: 1 Rinotibatsira kuti tirarame upenyu hune chinangwa, uye 2 rinotidzidzisa zvatingaita kuti tive shamwari dzeMusiki wedu.

1 UPENYU HUNE CHINANGWA

Bhaibheri rinotipa mazano anogona kutibatsira patinosangana nematambudziko. Asi haringopi mazano ekuti tibatsirwe isu chete. Rinotidzidzisa kuti tifungewo zvimwe zvinhu pane kungofunga nezvematambudziko edu. Kana tikadaro, upenyu hwedu hunova nechinangwa.

Chimbofunga nezvezano iri rinoti: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Pane mumwe munhu wawakambobatsira here? Wakamboteerera shamwari yako ichidurura mwoyo wayo kwauri here? Wakanzwa sei nezvawakaita?

Tinonyanya kufara kana tikabatsira mumwe munhu tisingatarisiri kuzoitirwawo chimwe chinhu. Mumwe munyori akati: “Paunopa chinhu usingatarisiri kuzopiwawo unotozowana zvinopfuura zvawakapa.” Kunyange patinobatsira vaya vasingakwanisi kuzotipawo chimwe chinhu, tinewo chatinozowana. Tinenge tichitoshanda pamwe chete neMusiki nekuti anoona mabasa emutsa atinoita sekumukweretesa. (Zvirevo 19:17) Anofara chaizvo patinobatsira varombo uye anovimbisa kuti achatipa mubayiro weupenyu husingaperi muparadhiso. Chokwadi hakuna mubayiro unopfuura uyu!—Pisarema 37:29; Ruka 14:12-14. *

Bhaibheri rinodzidzisa kuti tinogona kurarama upenyu hune chinangwa kana tikanamata Mwari wechokwadi, Jehovha. Shoko rake rinotikurudzira kuti timurumbidze, timukudze uye timuteerere. (Muparidzi 12:13; Zvakazarurwa 4:11) Patinodaro, anobva afara. Anototiudza kuti: “Iva akachenjera ufadze mwoyo wangu.” (Zvirevo 27:11) Patinoita zvisarudzo tichitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri, tinofadza mwoyo waBaba vedu vari kudenga. Nei tichidaro? Nekuti vanotida uye vanoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka. (Isaya 48:17, 18) Hakuna upenyu hune chinangwa hunopfuura kunamata Changamire wezvinhu zvese uye kurarama nenzira inoita kuti mwoyo wake ufare.

2 KUVA SHAMWARI YEMUSIKI WEDU

Bhaibheri rinotidzidzisawo kuti tive shamwari dzeMusiki wedu. Rinoti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Dzimwe nguva tinogona kufunga kuti hazviiti kuti tive shamwari dzake. Asi Bhaibheri rinotivimbisa kuti kana ‘tikatsvaka Mwari tichamuwana,’ nekuti ‘haasi kure nemumwe nemumwe wedu.’ (Mabasa 17:27) Zvinotaurwa neBhaibheri zvekuti tive shamwari dzaMwari zvine musoro. Nei tichidaro?

Chimbofunga izvi: Hapana anogona kutiza rufu kunyange akaedza sei. (1 VaKorinde 15:26) Asi Mwari haafi uye anoda kuti shamwari dzake dziraramewo nekusingaperi. Anoudza shamwari dzake dzinomutsvaga kuti: ‘Raramai nekusingaperi.’—Pisarema 22:26.

Ungaitei kuti uve shamwari yaMwari? Ramba uchidzidza nezvake muShoko rake, Bhaibheri. (Johani 17:3; 2 Timoti 3:16) Mukumbire kuti akubatsire kunzwisisa Magwaro. Bhaibheri rinotivimbisa kuti kana ‘tikaramba tichikumbira Mwari’ uchenjeri nemwoyo wese, achatipa. * (Jakobho 1:5) Uye ramba uchishandisa zvaunodzidza uchiita kuti Shoko raMwari rive ‘rambi retsoka dzako’ uye ‘chiedza panzira yako.’—Pisarema 119:105.

^ ndima 8 Kana uchida kunzwa zvimwe nezvevimbiso yaMwari yeupenyu husingaperi muParadhiso, verenga chitsauko 3 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 13 Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa vanhu Bhaibheri zvisingabhadharisi. Kana uchida kuziva kuti vanozviita sei, ona vhidhiyo inonzi Zvidzidzo zveBhaibheri Zvinoitwa Sei? Unogona kuiwana pajw.org pakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO > MAVHIDHIYO.

Mwari haafi uye anoda kuti shamwari dzake dziraramewo nekusingaperi