Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uku ndiko kuPraslin, Seychelles kwakafungidzirwa naGeneral Gordon muna 1881 kuti ndiko kwaiva nemunda weEdheni

Paradhiso Yepanyika Ichavako Here Kana Kuti Kurota?

Paradhiso Yepanyika Ichavako Here Kana Kuti Kurota?

Paradhiso! Patinoona mapikicha enzvimbo dzakanaka mumagazini kana kuti paTV tinobva tanzwa kuda kuendako kuti timbonofurwa nemhepo tiri “muparadhiso” yedu tega, tombokanganwa nhamo. Asi patinozodzoka kumba, upenyu hunobva hwangodzoka pakare paya.

Kufunga nezveparadhiso kunofadza. Zvinoita kuti tive nemubvunzo wekuti: ‘Kufunga nezvayo kungovaraidzawo nguva here? Kana zvakadaro, nei tichifunga nezvayo? Ichazombovako here?’

KUTSANANGURWA KWEPARADHISO

Vanhu vava nemakore akawanda vachida kuziva nezveparadhiso. Vakawanda vakada kuziva nezvayo pashure pekunge vanzwa zvinotaurwa neBhaibheri ‘nezvemunda weEdheni, waiva nechekumabvazuva.’ Chii chaiita kuti munda wacho uyevedze? Bhaibheri rinoti: “Jehovha Mwari akameresa miti yose inoyevedza panyika, yakanakira kudya.” Munda iwoyo wainge wakanaka zvekuti huya uone. Chinoshamisa ndechekuti pakati pemunda wacho paiva ‘nemuti weupenyu.’​—Genesisi 2:8, 9.

Uyewo, nyaya iri muna Genesisi inotaura kuti paiva nenzizi 4 dzaiyerera dzichibva mumunda uyu. Mbiri dzacho dzichiri kuzivikanwa nanhasi, rumwe rwacho runonzi Hidhekeri (kana kuti Tigirisi) uye rumwe rwacho, Yufratesi. (Genesisi 2:10-14) Nzizi idzi dzinopfuura nemunyika yava kunzi Iraq iye zvino, iyo yaimbova chikamu chePersia yekare, dzichinodira muPersian Gulf.

Zviri pachena kuti paradhiso yepanyika inokosheswa chaizvo mutsika dzevanhu vekuPersia. Imwe kapeti yekumakore ekuma1500 yekuPezhiya muPhiladelphia Museum of Art, kuPennsylvania, U.S.A., inoratidza munda une miti nemaruva wakatenderedzwa nemudhuri. Shoko rechiPersian rekuti “munda wakavakirirwa” rinoreva “paradhiso,” uye mufananidzo uri pakapeti iyi unoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri nezvemunda wainge wakanaka chaizvo weEdheni.

Mumitauro yakawanda pasi rose, nyaya yeparadhiso inotsanangurwa nepakasiyana-siyana. Vanhu pavakaramba vachipararira nenyika, vakaenda vaine tsanangudzo yezvainge zvakaita paradhiso, asi nekufamba kwemakore vakatanga kubatanidza tsanangudzo idzodzo nedzidziso dzavo uye nengano dzekwavakanga vava kugara. Kunyange mazuva ano, vanhu pavanoona nzvimbo inoyevedza, vanongoerekana vataura kuti iparadhiso.

KUTSVAGA PARADHISO

Vamwe vanofamba vachiongorora nzvimbo vakambotaura kuti vakawana paiva nemunda weEdheni. Mumwe wacho ndiCharles Gordon, aishanda muchiuto kuBritain. Paakashanyira nyika yeSeychelles muna 1881, akaoma mate mukanwa paakaona kunaka kwenzvimbo inonzi Vallée de Mai, iyo yava kuverengwawo panzvimbo dzinonzi World Heritage Sites, uye akataura kuti ndiwo munda weEdheni. Muna 1492, Christopher Columbus, mufambisi wengarava wekuItaly, akafunga kuti ava padhuze nekuona nzvimbo yaimbova nemunda weEdheni paakasvika pachitsuwa cheHispaniola, chava kunzi Dominican Republic uye Haiti.

Bhuku rinonzi Mapping Paradise, rine mamepu anopfuura 190 ekare, uye akawanda acho anoratidza Adhamu naEvha vari mumunda weEdheni. Pamamepu acho pane imwe yekuma1200 yakasiyana nedzimwe yakatorwa pazvinyorwa zvaBeatus wekuLiébana. Iyoyo ine bhokisi duku riri nechepamusoro rine paradhiso pakati uye pakona imwe neimwe yebhokisi racho pane zita rerwizi. Mazita 4 enzizi dzacho anoti “Tigris,” “Euphrates,” “Indus,” uye “Jordan.” Nzizi idzi dzinofanira kunge dzainzi dzinomiririra kupararira kwakaita chiKristu kumativi mana enyika. Mamepu akadaro anoratidza kuti kunyange zvazvo zvakanga zvisingazivikanwi kuti Paradhiso yemuEdheni yaiva papi, vanhu vakanga vachiri kuda kuziva nezvayo.

John Milton, munyori wenhetembo dzeChirungu akararama kumakore ekuma1600, anozivikanwa nenhetembo yake inonzi Paradise Lost, inobva munyaya yemuna Genesisi inotaura nezvechivi chaAdhamu uye kudzingwa kwaakaitwa mumunda weEdheni. Munhetembo iyoyo anotaura nezvevimbiso yaMwari yekuti vanhu vachazorarama zvakare nekusingaperi paanoti: “Uye nyika ichava paradhiso.” Milton akazonyora imwe nhetembo yainzi Paradise Regained.

ZVINODZIDZISWA VANHU KUMACHECHI

Zviri pachena kuti nyaya yekuti panyika paimbova neparadhiso yange ichifarirwa nevanhu kubvira kare. Asi nei mazuva ano vanhu vasingachafariri nyaya iyi? Sezvakataurwa muMapping Paradise, “vafundisi havafariri kunzwa nyaya yekuti Paradhiso yaimbova pano panyika.”

Vanhu vakawanda vanodzidziswa kumachechi avo kuti vachaenda kudenga, kwete kuti vachararama muparadhiso panyika. Asi pana Pisarema 37:29 Bhaibheri rinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” Sezvo iye zvino nyika isiri paradhiso, chii chinoita kuti titende kuti ichazova paradhiso? *

NYIKA ICHAVA PARADHISO

Jehovha Mwari uyo akasika Paradhiso yekutanga, akavimbisa kuti achaita kuti nyika ivezve paradhiso. Achazviita sei? Yeuka kuti Jesu akatidzidzisa kunyengetera kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:10) Umambo ihwohwo ihurumende ichatonga pasi rese. Mambo wacho ndiJesu Kristu, uye ichatsiva hurumende dzese dzevanhu. (Dhanieri 2:44) Kana Umambo ihwohwo hwava kutonga nyika, zvinodiwa naMwari zvekuti nyika ive paradhiso ‘zvichaitika.’

Muprofita Isaya akafemerwa naMwari kunyora pamusoro pezvichange zvakaita upenyu muParadhiso, pasisina matambudziko ese ari kushungurudza vanhu mazuva ano. (Isaya 11:6-9; 35:5-7; 65:21-23) Tinokukumbira kuti uverengewo mavhesi iwayo muBhaibheri rako. Uchaona makomborero ayo Mwari achapa vanhu vanoteerera. Vanhu vachararama muparadhiso uye vachange vachifarirwa naMwari, hunova ndihwo upenyu hwakaraswa naAdhamu.​—Zvakazarurwa 21:3.

Chii chinoita kuti tinyatsotenda kuti nyika yese ichava Paradhiso? Nekuti Bhaibheri rinotiudza kuti: “Kana ari matenga, matenga ndeaJehovha, asi nyika akaipa vanakomana vevanhu.” Tariro yekuti nyika ichava Paradhiso yakabva kuna “Mwari, asingamborevi nhema,” uye ‘akazvivimbisa kare kare.’ (Pisarema 115:16; Tito 1:2) Zvechokwadi iyi itariro inofadza yatinowana muBhaibheri, yekurarama muParadhiso nekusingaperi!

^ ndima 15 Uyewo, muKoran chaimo, pana sura 21 vhesi 105, Al-Anbiya’ [izvo zvinoreva kuti Vaprofita], panoti: “Vakarurama vari pakati pevashumiri Vangu vachagara nhaka yenyika.”