Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rasara Nenguva Kana Kuti Ritori Kumberi?

Rasara Nenguva Kana Kuti Ritori Kumberi?

SAINZI

BHAIBHERI HARISI BHUKU RESAINZI, ASI PARINOTAURA NYAYA DZESAINZI, RITORI KUMBERI. ONA MIENZANISO IYI.

Denga nenyika zvine pazvakatangira here?

Dzimwe nyanzvi dzesainzi dzaiti hazvina pazvakatangira. Iye zvino vakawanda vavo vava kubvuma kuti denga nenyika zvine pazvakatangira. Bhaibheri rakanga ragara razvitaura kare.—Genesisi 1:1.

Nyika ine shepi yakaita sei?

Kare vanhu vakawanda vaifunga kuti nyika yakati sandara. Mumakore ekuma400 B.C.E., nyanzvi dzesainzi dzekuGreece dzakanga dzava kuti nyika yakaita raundi. Asi izvi zvakanga zvanyorwa kare muBhaibheri naIsaya, makore ekuma700 B.C.E., paakataura ‘nezvedenderedzwa renyika.’ Shoko raakashandisa rinogona kushandurwa kuti raundi.—Isaya 40:22.

Zvinhu zviri kumatenga zvinosakara here?

Nyanzvi yesainzi yainzi Aristotle yakararama makore ekuma300 B.C.E., yaidzidzisa kuti zvinhu zviri panyika chete ndizvo zvinosakara, kwete zviri kumatenga. Mafungiro iwayo akaramba aripo kwemazana emakore. Asi kumakore ekuma1800, nyanzvi dzesainzi dzakatanga kuona kuti zvinhu zvese zvinosakara; zviri kudenga nezviri panyika. Mumwe wenyanzvi idzi Lord Kelvin, akaonawo zvinotaurwa neBhaibheri nezvematenga nenyika parinoti: “Zvose zvazvo zvichasakara sezvinoita nguo.” (Pisarema 102:25, 26) Kelvin aibvuma zvinodzidziswa neBhaibheri kuti Mwari anogona kudzivirira zvinhu zvaakasika kuti zvisabva zvaparara zvachose.—Muparidzi 1:4.

Nyika nemamwe mapuraneti zvakagara pai?

Aristotle aidzidzisa kuti mapuraneti akaita zvekupfekana-pfekana uye kuti nyika ndiyo iri pakati pacho. Pakazosvika makore ekuma1700, nyanzvi dzesainzi dzakatanga kuona kuti nyeredzi nemapuraneti hazvina pazvakagara. Izvi zvakanga zvataurwa kare mubhuku raJobho rakanyorwa makore ekuma1400 B.C.E., kuti Musiki ‘akaturika nyika pasina chinhu.’—Jobho 26:7.

UTANO

BHAIBHERI HARISI BHUKU REZVEUTANO, ASI PARINOTAURA NYAYA DZEUTANO, RITORI KUMBERI.

Kuisa varwere kwavo vega.

Mutemo waMosesi waiti vanhu vane maperembudzi vagare kwavo vega. Vanhu vakawanda pavakarwara nezvirwere zvinotapuriranwa makore 700 akapfuura, vanachiremba ndipo pavakatanga kushandisawo nzira iyi uye nanhasi ichiri kushanda.—Revhitiko, chitsauko 13 ne14.

Kugeza maoko kana munhu abata chitunha.

Makore ekuma1800 asati asvika, kakawanda vanachiremba vaiti kana vakabata zvitunha, vonorapa varwere vasina kumbogeza maoko. Izvi zvakaita kuti vanhu vakawanda vafe. Asi Mutemo waMosesi wakanga watotaura kuti kana munhu akabata chitunha anenge asisina kuchena. Mutemo wacho waitoti munhu aifanira kugeza nemvura kuti achene. Mutemo uyu waibatsira chaizvo pautano.—Numeri 19:11, 19.

Kurasa tsvina.

Gore negore, vana vanopfuura hafu yemiriyoni vanofa nechirwere chemanyoka, uye izvi zvinonyanya kukonzerwa netsvina yevanhu inongoraswa pese pese. Mutemo waMosesi waiti tsvina yaifanira kuchererwa pasi, kure nekunogara vanhu.—Dheuteronomio 23:13.

Nguva yekuchecheudza.

Mutemo waMwari waiti mwana mukomana aifanira kuchecheudzwa pazuva rechi8 kubva paanenge aberekwa. (Revhitiko 12:3) Ropa rekacheche rinonzi rinozokwanisa kugwamba zvakanaka kubva pakanosvitsa vhiki. Saka mutemo uyu wekumbomira kuchecheudza kusvika papera vhiki waibatsira chaizvo.

Kufara kana kusuwa kune zvakunoita pautano.

Nyanzvi dzeutano uye dzesainzi dzinoti kuva munhu anoonga, anofara, ane tariro uye anoregerera vamwe kunobatsira pautano. Bhaibheri rinoti: “Mwoyo unofara unorapa, asi kushushikana kunoomesa mapfupa.”—Zvirevo 17:22.