Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 128

Pirato naHerodhi Vanoti Jesu Haana Mhosva

Pirato naHerodhi Vanoti Jesu Haana Mhosva

MATEU 27:12-14, 18, 19 MAKO 15:2-5 RUKA 23:4-16 JOHANI 18:36-38

  • JESU ANOBVUNZURUDZWA NAPIRATO UYE NAHERODHI

Jesu haatombovanzire Pirato kuti ndimambo. Asi Umambo hwake hauna chinangwa chekupandukira hurumende yeRoma. Jesu anoti: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva hwenyika ino, vashumiri vangu vangadai varwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu hahubvi panyika ino.” (Johani 18:36) Saka zvechokwadi Jesu ane Umambo, asi hausi hwenyika ino.

Asi Pirato haasati agutsikana. Anobvunza kuti: “Saka, uri mambo here?” Jesu anoudza Pirato kuti zvaareva ndizvozvo chaizvo nekumupindura kuti: “Iwe ndiwe uri kutaura kuti ndiri mambo. Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi. Munhu wose ari kurutivi rwechokwadi anoteerera inzwi rangu.”—Johani 18:37.

Jesu amboudza Tomasi kuti: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu.” Iye zvino kunyange naPirato ava kutonzwawo kuti chinangwa chekutumwa kwaJesu panyika ndechekuti apupurire “chokwadi,” zvikurukuru chokwadi nezveUmambo hwake. Jesu ari kuda kuva nechokwadi chekuti anoramba achirarama maererano nechokwadi ichocho kunyange kana zvichizomuurayisa. Pirato anomubvunza kuti: “Chokwadi chii?” asi haamirire mhinduro yemubvunzo uyu. Zvaanzwa zvakatokwana kumuratidza kuti murume uyu haana mhosva.—Johani 14:6; 18:38.

Pirato anodzoka kumhomho yevanhu yakamira kunze kwemuzinda wake. Jesu anofanira kunge akamira parutivi pake paanoudza vapristi vakuru nevamwe vavainavo kuti: “Handiwani mhosva pamunhu uyu.” Mhomho iyi inoshatiriswa nemutongo waapa, yodanidzira kuti: “Anonyonganisa vanhu nokudzidzisa muJudhiya mose, achitotangira kuGarireya kusvika kuno.”—Ruka 23:4, 5.

Pirato anofanira kunge achishamiswa nekutadza kufunga kwevaJudha kuri kukonzerwa nekuda kwavanoita chitendero chavo zvakapfurikidza. Vapristi vakuru nevakuru vevanhu pavanoramba vachingoshevedzera, Pirato anobvunza Jesu kuti: “Haunzwi here kuti zvinhu zvizhinji sei zvavari kukupomera?” (Mateu 27:13) Jesu haamupindure. Kuramba kwake akadzikama achipomerwa zvakadaro kunoshamisa Pirato zvikuru.

VaJudha vataura kuti Jesu ‘akatangira kuGarireya.’ Mashoko aya anoita kuti Pirato azive kuti Jesu ndewekuGarireya. Izvi zvinoita kuti abve afunga zano rekunzvenga kutonga Jesu. Herodhi Andipasi (mwanakomana waHerodhi Mukuru) ndiye mutongi weGarireya, uye ari muJerusarema pamazuva aya ePaseka. Saka Pirato anoendesa Jesu kuna Herodhi. Herodhi Andipasi ndiye akaita kuti Johani Mubhabhatidzi adimburwe musoro. Paakazonzwa kuti Jesu ari kuita zvishamiso, Herodhi akanetseka achifunga kuti ndiJohani akanga amutswa kubva kuvakafa.—Ruka 9:7-9.

Iye zvino Herodhi anofara chaizvo nekuona Jesu. Hakusi kuti ari kufara nekuti ari kuda kubatsira Jesu kana kuti ari kuda kunyatsonzwawo kana zvaari kupomerwa zviri zvechokwadi. Herodhi ari kungoda kumuona zvekunakidzwa uye ari kutarisira “kumuona achiita chiratidzo.” (Ruka 23:8) Zvisinei, Jesu haana chaanoita kuti afadze Herodhi. Paanomubvunza mibvunzo, anotoramba akanyarara. Herodhi nemasoja ake vanosvotwa nazvo votanga ‘kumuzvidza.’ (Ruka 23:11) Vanomupfekedza nguo yakanaka votanga kumutsvinyira. Herodhi anobva aendesa Jesu kuna Pirato kwaabva. Herodhi naPirato vanga vakavengana asi apa vanobva vava shamwari neshamwari.

Jesu paanodzoka, Pirato anounganidza vapristi vakuru, vatongi vechiJudha, nevanhu varipo oti: “Ini ndamuongorora pamberi penyu asi pamunhu uyu handina kuwana chikonzero chezvamuri kumupomera. Chokwadi, kunyange naHerodhi haanawo, nokuti amudzosa kwatiri; uye tarirai! hapana chaakaita chakakodzera rufu. Naizvozvo ndichamuranga ndomusunungura.”—Ruka 23:14-16.

Pirato ari kuda chaizvo kusunungura Jesu, nokuti aona kuti godo ndiro raita kuti vapristi vakuru vauye naye kwaari. Pirato paari kuedza kusunungura Jesu kudai, anobva atowana mamwe mashoko anotomukurudzira kuzviita. Akagara pachigaro chake, mudzimai wake anotumira shoko rokuti: “Siyana nomunhu iyeye akarurama, nokuti ndatambura kwazvo nhasi nokuda kwake pandanga ndichirota [zvimwe hope dzacho dzakonzerwa naMwari].”—Mateu 27:19.

Pirato achaita sei kuti asunungure murume uyu asina mhosva sezvaanofanira kuita?