Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 47

Musikana Wechidiki Anomutswa

Musikana Wechidiki Anomutswa

MATEU 9:18, 23-26 MAKO 5:22-24, 35-43 RUKA 8:40-42, 49-56

  • JESU ANOMUTSA MWANASIKANA WAJAIROSI

Jairosi anoona kuti mukadzi anga aine chirwere chekubuda ropa aporeswa naJesu. Chokwadi Jesu haangambotadza kubatsirawo mwanasikana wake, kunyange zvazvo achifunga kuti anogona ‘kunge atofa.’ (Mateu 9:18) Zvichiri kuita here kuti abatsirwe?

Jesu achiri pakati pekutaura nemukadzi waachangobva kuporesa, vamwe varume vanosvika vachibva kumba kwaJairosi, voudza Jairosi kuti: “Mwanasikana wenyu afa!” Vanobva vawedzera kuti: “Muchiri kunetserei henyu mudzidzisi?”—Mako 5:35.

Mashoko anopedza simba zvechokwadi! Murume uyu anoremekedzwa zvikuru nevanhu, anobva apererwa. Mwanasikana wake mumwe chete afa. Asi mashoko acho anonzwikwa naJesu, saka anotendeukira kuna Jairosi otaura mashoko anokurudzira okuti: “Usatya, ingotenda chete.”—Mako 5:36.

Jesu anobva aenda naJairosi kumba kwake. Pavanosvika, vanowana vanhu vari panhamo vachichema, vachiridza mhere uye vachizvirova-rova neshungu. Jesu anopinda mumba otaura mashoko anoshamisa okuti: “Mwana muduku haana kufa, asi akarara.” (Mako 5:39) Vanhu vanomuseka pavanonzwa mashoko iwayo. Vanoziva kuti musikana wacho afa zvechokwadi. Asi achishandisa simba raakapiwa naMwari, Jesu acharatidza kuti zvinoita kuti vanhu vamutswe sezvinongoitwa munhu akafa nehope.

Jesu anobva abudisa munhu wese panze kunze kwaPetro, Jakobho, Johani, nevabereki vemusikana afa. Jesu anoenda naivava vari vashanu pane mutumbi wemusikana uyu. Achimubata ruoko, anoti: “‘Tarita kumi,’ zvinoreva kuti: ‘Musikana, ndinoti kwauri, Muka!’ kana zvashandurwa.” (Mako 5:41) Anobva angomuka otanga kufamba. Fungidzira kuti Jairosi nemudzimai wake vanofara zvakadini pavanoona izvi! Achida kunyatsoratidza kuti musikana uyu amuka zvechokwadi, Jesu anovaudza kuti vamupe zvokudya.

Jesu anoudza vabereki ava kuti vasaudze vanhu zvaavaitira, sezvaagara achiita kana aporesa vanhu. Zvisinei, vabereki ava vasiri kugona nemufaro, nevamwewo vanhu, vanoparadzira mashoko acho “munzvimbo iyoyo yose.” (Mateu 9:26) Ungatadze kutaura nezvazvo nemufaro here kana munhu waunoda akamutswa kuvakafa? Uku ndiko kumutswa kwechipiri kwakanyorwa kwakaitwa naJesu.