CHIKAMU 2
Kutanga kweUshumiri hwaJesu
“Onai, Gwayana raMwari rinobvisa chivi.”—Johani 1:29
ZVIRI MUCHIKAMU CHINO
CHITSAUKO 13
Dzidza Pamakundiro Akaita Jesu Miedzo
Kuedzwa kwakaitwa Jesu kunoratidza kuti zvinhu zviviri nezvaDhiyabhorosi.
CHITSAUKO 14
Vadzidzi vaJesu Vokutanga
Chii chakaita kuti vadzidzi vatanhatu vokutanga vanyatsobvuma kuti Jesu ndiye Mesiya?
CHITSAUKO 15
Jesu Anoita Chishamiso Chake Chokutanga Pamuchato
Jesu anoratidza amai vake kuti ari kuudzwa zvokuita naBaba vake vokudenga kwete naivo.
CHITSAUKO 16
Jesu Anoshingairira Kunamata Kwechokwadi
Mutemo waMwari waibvumira vanhu kutenga mhuka dzezvibayiro muJerusarema, saka nei Jesu akashatirirwa vanhu vaitengesa mutemberi?
CHITSAUKO 19
Kudzidzisa Mukadzi wokuSamariya
Jesu anomuudza chimwe chinhu chaanofanira kunge asati amboudza mumwe munhu.

