CHIKAMU 6
Jesu Anopedzisa Ushumiri Hwake
“Mambo wako ari kuuya kwauri.”—Mateu 21:5
ZVIRI MUCHIKAMU CHINO
CHITSAUKO 101
Anodya Kumba kwaSimoni muBhetani
Mariya, hanzvadzi yaRazaro, anoita chimwe chinhu chisingafadze vamwe, asi Jesu anomutsigira.
CHITSAUKO 102
Mambo Anopinda muJerusarema Akatasva Mwana Wembongoro
Anozadzisa uprofita hwakataurwa makore 500 apfuura.
CHITSAUKO 103
Temberi Inocheneswa Zvekare
Vatengesi vemuJerusarema vari kuita sevari kuita bhizimisi riri pamutemo, saka sei Jesu achizovati makororo?
CHITSAUKO 104
VaJudha Vanonzwa Inzwi raMwari
Pane musiyano here uripo pakuva nekutenda muna Jesu uye pakuratidza nemabasa kuti tine kutenda ikoko?
CHITSAUKO 105
Muonde Unoshandiswa Pakudzidzisa Nezvekutenda
Jesu anodzidzisa vadzidzi vake nezvesimba rekutenda uye anotsanangura nei Mwari ari kuramba rudzi rwaIsraeri.
CHITSAUKO 106
Mifananidzo Miviri Yeminda Yemizambiringa
Ona zvinorehwa nemufananidzo wemurume akatuma vanakomana vake kuti vanoshanda mumunda wemuzambiringa uye wemurume akaronzesa munda wake kuvarimi vakaipa.
CHITSAUKO 108
Jesu Anoita Kuti Mazano Evavengi Vake Ashaye Basa
Anotanga aita kuti vaFarisi vashaye chekutaura, ozodarozve kuvaSadhusi, uye kunyange pavanouya vose vakabatana.
CHITSAUKO 109
Jesu Anoshoropodza Vatungamiriri Vechitendero Vanomupikisa
Nei Jesu achiratidza kuti haafariri zviri kuitwa nevatungamiriri vechitendero?
CHITSAUKO 110
Zuva raJesu Rekupedzisira Patemberi
Anoshandisa muenzaniso wechirikadzi murombo kudzidzisa chidzidzo chinokosha.
CHITSAUKO 111
Vadzidzi Vanokumbira Chiratidzo
Uprofita hwake hwakatanga kuzadziswa munguva yevaapostora. Hungazozadzika zvekare here mune ramangwana?
CHITSAUKO 112
Mufananidzo Wemhandara Gumi
Jesu akadzidzisa kuti hafu yevadzidzi vake ichange yakangwara uye imwe hafu yakapusa here?
CHITSAUKO 113
Mufananidzo Wematarenda
Mufananidzo waJesu unotsanangura mashoko ake ekuti: “Munhu wose anazvo, achawedzerwa zvimwe.”
CHITSAUKO 114
Kristu Anotonga Makwai Nembudzi Ari Pachigaro
Jesu anotsanangura chichashandiswa pakutonga vanhu paanotaura mufananidzo unotokonya pfungwa.
CHITSAUKO 115
Paseka yaJesu Yekupedzisira Yava Pedyo
Kutengeswa kwakaitwa Jesu naJudhasi kuvatungamiriri vechitendero nemasirivha 30 kunoratidzei?
CHITSAUKO 116
Anopa Chidzidzo paPaseka Yake Yekupedzisira
Anoshamisa vadzidzi nekuita basa revaranda.
CHITSAUKO 117
Kudya kwaShe Kwemanheru
Jesu anotanga chirangaridzo chinofanira kuteverwa nevateveri vake gore negore musi waNisani 14.
CHITSAUKO 118
Nharo Dzinomuka
Vaapostora vatokanganwa zvavabva kudzidziswa naJesu usiku ihwohwo chaihwo.
CHITSAUKO 119
Jesu Ndiye Nzira Nechokwadi Noupenyu
Jesu anotaura chokwadi chinokosha panyaya yekufadza Mwari.
CHITSAUKO 120
Kuva Mapazi Anobereka Michero Uye Kuva Shamwari dzaJesu
Vadzidzi vaJesu ‘vanobereka zvibereko’ sei?
CHITSAUKO 122
Munyengetero waJesu Wekupedzisira Ari Muimba Yepamusoro
Anotsanangura kuti akakwanisa kuita chimwe chinhu chinokosha zvikuru kupfuura kuita kuti vanhu vaponeswe.
CHITSAUKO 123
Anonyengetera Achirwadziwa Zvikuru
Nei Jesu achinyengetera achiti: “Bvisai kapu iyi kwandiri”? Ava kutiza basa rake rekufira vanhu kuti avadzikinure here?
CHITSAUKO 124
Kristu Anotengeswa Uye Anosungwa
Judhasi anokwanisa kuwana pana Jesu kunyange pari pakati peusiku.
CHITSAUKO 125
Jesu Anoendeswa Kuna Anasi, Ozoendeswa Kuna Kayafasi
Dare rinogadzwa Jesu harina kana kururama.
CHITSAUKO 126
Anorambwa naPetro Pamba paKayafasi
Petro, murume aiva nekutenda uye akazvipira kuna Mwari, akasvika sei pakuzoramba Jesu?
CHITSAUKO 127
Anotongwa neSanihedrini Ozoendeswa Kuna Pirato
Vatungamiriri vechitendero vanonyatsobudisa pane pfungwa dzavo.
CHITSAUKO 128
Pirato naHerodhi Vanoti Jesu Haana Mhosva
Nei Pirato achiendesa Jesu kuna Herodhi kuti atongwe? Pirato haana simba rekutonga Jesu here?
CHITSAUKO 130
Jesu Anoiswa Mumaoko Emauto Oendwa Naye Kunourayiwa
Nei Jesu achiudza vakadzi kuti vasamucheme asi kuti vazvicheme ivo nevana vavo?
CHITSAUKO 131
Mambo Asina Mhosva Anotambura Ari Padanda
Jesu anovimbisa rimwe gororo riri parutivi pake kuti richava muParadhiso
CHITSAUKO 132
“Chokwadi Uyu Anga Ari Mwanakomana waMwari”
Chishamiso cherima risina kujairika rinoitika masikati, kudengenyeka kunotyisa uye kubvaruka kweketeni remutemberi zvinoratidza chinhu chimwe chete.
CHITSAUKO 133
Chitunha chaJesu Chinogadzirirwa Kuti Chivigwe
Nei Jesu achivigwa zvechimbichimbi zuva risati ravira?
CHITSAUKO 134
Muguva Hamuna Munhu, Jesu Mupenyu!
Paanomutswa, Jesu anotanga kuzviratidza kumudzidzi wechikadzi asati azviratidza kuvaapostora vake.
CHITSAUKO 135
Jesu Anozviratidza Kune Vakawanda Amutswa
Jesu anoita sei kuti aratidze vadzidzi vake kuti amutswa?
CHITSAUKO 136
Pamahombekombe eGungwa reGarireya
Petro anoyeuchidzwa katatu kuti angaratidza sei kuti anoda Jesu.
CHITSAUKO 137
Mazana Evadzidzi Anomuona Asati Akwira Kudenga
Pashure pekunge amutswa uye asati adzokera kudenga, Jesu anosimbisa kuvadzidzi vake kuti vachagamuchira chii uye kuti vachafanira kuchishandisa sei.
CHITSAUKO 138
Kristu Ari Kuruoko rwaMwari Rwerudyi
Jesu achange achiitei paanenge akamirira nguva yekuti arwise vavengi vake?
CHITSAUKO 139
Jesu Anoita Kuti Nyika Ive Paradhiso Uye Anopedzisa Basa Raakapiwa
Jesu achiri nezvakawanda zvekuita asati adzorera Umambo kuna Baba vake.

