Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Zvakanyorerwa Kuti Tirayiridzwe”

“Zvakanyorerwa Kuti Tirayiridzwe”

“Zvakanyorerwa Kuti Tirayiridzwe”

“KUITA mabhuku mazhinji hakuperi.” (Muparidzi 12:12) Kuwanda kwemabhuku aripo nhasi kunoita kuti mashoko iwayo ave echokwadi sezvaakanga akaita paakanyorwa. Saka muverengi angasarudza sei zvakakodzera kuverenga?

Pavanenge vachisarudza bhuku ravangada kuverenga, vakawanda vanoda kuziva nezvomunyori wacho. Vabudisi vemabhuku vanganyora ndima duku inoratidza zita reguta romunyori wacho, dzidzo yake, uye mamwe mabhuku aakanyora. Kuziva munyori webhuku kunokosha. Izvi zvinooneka pane zvaiitika kare mumazana emakore okutanga vanyori vechikadzi pavaiwanzonyora mabhuku avo vachishandisa mazita echirume kuitira kuti vaverengi vasazvidze mabhuku avo.

Sezvataurwa munyaya yapfuura, zvinonzwisa tsitsi kuti vamwe havaverengi Magwaro echiHebheru nokuti vanofunga kuti Mwari anotaurwa muMagwaro aya ane utsinye uye anouraya vavengi vake asina kana tsitsi. * Ngatimboonai zvatinoudzwa neMagwaro echiHebheru uye neMagwaro echiKristu echiGiriki nezvoMunyori weBhaibheri.

Akanyora Bhaibheri

Maererano neMagwaro echiHebheru, Mwari akaudza rudzi rwevaIsraeri kuti: “Ndini Jehovha; handina kuchinja.” (Maraki 3:6) Anenge makore 500 akatevera, mumwe munyori weBhaibheri anonzi Jakobho akanyora nezvaMwari achiti: ‘Iye haambochinji sokufamba kunoita mumvuri.’ (Jakobho 1:17) Saka, nei vamwe vachiona Mwari anotaurwa muMagwaro echiHebheru sokunge kuti akasiyana neanotaurwa muMagwaro echiKristu echiGiriki?

Mhinduro ndeyokuti unhu hwaMwari hwakasiyana-siyana hunotaurwa nezvahwo mundima dzakasiyana-siyana dzeBhaibheri. Mubhuku raGenesisi bedzi, anorondedzerwa ‘seanorwadziwa mumwoyo make,’ so“Mugadziri wedenga nenyika,” so“Mutongi wenyika yose.” (Genesisi 6:6; 14:22; 18:25) Mashoko aya akasiyana-siyana anoreva Mwari mumwe chete here? Hungu.

Somuenzaniso: Mutongi angazivikanwa nevaya vaakambotonga mudare somutongi anotevera mutemo. Ukuwo vana vake vangamuona sababa vane rudo vanovapa zvose zvavanoda. Shamwari dzake dzingatomuti ishamwari yakanaka inosetsa. Munhu mumwe chete iyeye anogona kuva mutongi, baba uye shamwari. Kungoti unhu hwake hwakasiyana-siyana hunooneka mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana.

Saizvozvowo, Magwaro echiHebheru anorondedzera Jehovha achiti ndi“Mwari ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo, nechokwadi.” Kunyange zvakadaro, tinodzidzawo kuti ‘haaregi kuranga.’ (Eksodho 34:6, 7) Unhu uhwu huviri hunoratidza zvinoreva zita raMwari. Zita rokuti “Jehovha” rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvinhu Zvive Sezvaanoda.” Kureva kuti Mwari anova chero zvinenge zvichidiwa kuti azadzike zvipikirwa zvake. (Eksodho 3:13-15) Asi haachinji. Jesu akati: “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.”—Mako 12:29.

Magwaro echiHebheru Akatsiviwa Here?

Zvakajairika kuti mabhuku anoshandiswa muzvidzidzo atsiviwe kana pava nezvitsva zvinenge zvatsvakurudzwa kana kuti mafungiro aimbenge achitevedzwa achinja. Magwaro echiKristu echiGiriki akatsiva Magwaro echiHebheru saizvozvo here? Kwete.

Kudai Jesu aida kuti mashoko ane chokuita noushumiri hwake uye akanyorwa nevadzidzi vake atsive Magwaro echiHebheru, chokwadi angadai akazvitaura. Zvisinei, nhoroondo yaRuka inotaura nezvaJesu asati akwira kudenga ichiti: “Achitangira pane Zvakanyorwa naMosesi nezvose Zvakanyorwa nevaprofita [muMagwaro echiHebheru], akavadudzira [vaviri vevadzidzi vake] zvinhu zvaiva nechokuita naye muMagwaro ose.” Jesu akazozviratidza kuvaapostora vake vakatendeka nokune vamwe vanhu. Nhoroondo yacho inoenderera mberi ichiti: “Zvino akati kwavari: ‘Aya ndiwo mashoko angu andakakutaurirai pandakanga ndichiri nemi, kuti zvinhu zvose zvakanyorwa mumutemo waMosesi neZvakanyorwa nevaprofita nomuMapisarema pamusoro pangu zvinofanira kuzadzika.’” (Ruka 24:27, 44) Jesu aizoshandisirei Magwaro echiHebheru pakuguma kwoushumiri hwake pasi pano kudai akanga asingachashandi?

Ungano yechiKristu yatangwa, vateveri vaJesu vakaramba vachishandisa Magwaro echiHebheru kuratidza uprofita hwaizozadzika, Mutemo waMosesi waidzidzisa zvidzidzo zvinokosha, uye nhoroondo dzevashumiri vaMwari vekare vane mienzaniso yakanaka chaizvo inokurudzira vaKristu kuti varambe vakatendeka. (Mabasa 2:16-21; 1 VaKorinde 9:9, 10; VaHebheru 11:1–12:1) Muapostora Pauro akanyora kuti, “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira.” * (2 Timoti 3:16) Magwaro echiHebheru ari kubatsira sei nhasi?

Mazano Emararamiro

Chimbofunga nezvedambudziko ririko mazuva ano rorusaruraganda. Mune rimwe guta rokuEastern Europe, rimwe jaya rokuEthiopia rine makore 21 rinoti: “Kana tiine kwatinenge tichida kuenda, tinoronga kufamba seboka. Pamwe kana tiri boka havangazotirwisi.” Anoenderera mberi achiti: “Hatifambi kana 6 dzemanheru dzapfuura, zvikurukuru muchitima chinofamba nepasi pevhu. Vanhu pavanotitarisa, vanongofunga nezvoruvara rweganda redu.” Magwaro echiHebheru anotii nezvedambudziko iri gukutu?

VaIsraeri vekare vakaudzwa kuti: “Kana mutorwa achigara nemi munyika yenyu, musamuitira zvakaipa. Mutorwa anogara nemi ngaave somunhu womunyika yenyu; uye munofanira kumuda sezvamunozviita, nokuti imi makava vatorwa munyika yeIjipiti.” (Revhitiko 19:33, 34) Chokwadi, muIsraeri yekare mutemo iwoyo wairayira kuti vainge vabva kune dzimwe nyika kana kuti ‘vatorwa,’ varemekedzwe, uye uchirimo muMagwaro echiHebheru. Haubvumi here kuti mashoko ari mumutemo iwoyo anogona kushandiswa kugumisa rusaruraganda nhasi?

Kunyange zvazvo Magwaro echiHebheru asingadonongodzi mazano ose ane chokuita nemari, ane mashoko anobatsira kuti tishandise mari nouchenjeri. Somuenzaniso, pana Zvirevo 22:7 tinoverenga kuti: “Anokwereta anova muranda womunhu anomukweretesa.” Vanachipangamazano vezvemari vakawanda vanobvuma kuti kutenga nokusachenjera nechikwereti kungaita kuti munhu asare asisina mari.

Uyezve, kutsvaka pfuma nemeso matsvuku, kuri kuitwa kwose kwose munyika yanhasi inodisa zvinhu, kwakanyatsorondedzerwa nomumwe murume akanga akapfuma kwazvo kudarika vanhu vose vakamborarama, Mambo Soromoni. Akanyora kuti: “Munhu anoda sirivha haazogutswi nesirivha, uyewo munhu anoda pfuma haazogutswi nemari inowanikwa.” (Muparidzi 5:10) Inyevero ine uchenjeri!

Tariro Yeremangwana

Bhaibheri rose rine musoro mumwe chete unoti: Umambo hunotungamirirwa naJesu Kristu ndihwo huchashandiswa kureverera uchangamire hwaMwari nokutsveneswa kwezita rake.—Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 11:15.

MuMagwaro echiHebheru, tinodzidza zvichange zvakaita upenyu muUmambo hwaMwari zvinotinyaradza uye kutiswededza pedyo naJehovha Mwari ari iye anoita kuti tinyaradzwe saizvozvo. Somuenzaniso, muprofita Isaya akafanotaura kuti vanhu vachava norugare nemhuka achiti: “Mhumhi ichagara negwayana gono kwenguva duku, ingwe icharara pasi nembudzana, mhuru nomwana weshumba ava nezenze nemhuka yakakodzwa pamwe chete; uye mukomanawo zvake muduku achazvitungamirira.” (Isaya 11:6-8) Chokwadi tiri kutarisira zvinhu izvi zvakazonaka!

Asi zvakadini nevaya vari kuwana matambudziko zvichikonzerwa neganda kana kuti rudzi rwavo, urwere, kana kuti mamiriro oupfumi avasina zvavanokwanisa kuita nezvawo? Magwaro echiHebheru akafanoprofita nezvaKristu Jesu kuti: “Achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nomunhu anotambudzika nomunhu wose asina mubatsiri. Achanzwira tsitsi munhu akaderera nomurombo, uye achaponesa mweya yevarombo.” (Pisarema 72:12, 13) Vimbiso idzi dzinobatsira nokuti dzinoita kuti vaya vanotenda vararame vachitarisira remangwana nechivimbo.—VaHebheru 11:6.

Ndosaka muapostora Pauro akafuridzirwa kunyora kuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro”! (VaRoma 15:4) Chokwadi, Magwaro echiHebheru chikamu chichiri kukosha kwazvo cheShoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri. Anokosha kwazvo kwatiri nhasi. Tinotarisira kuti uchaedza kudzidza zvakawanda kuti uone zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri rose wobva wava noushamwari hwepedyo noMunyori waro, Jehovha Mwari.—Pisarema 119:111, 112.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Munyaya ino, Testamende Yekare tichaiti Magwaro echiHebheru. (Ona bhokisi rinoti, “Inonzi Testamende Yekare Here Kana Kuti Magwaro echiHebheru?” riri papeji 6.) Saizvozvowo, Zvapupu zvaJehovha zvinowanzodana Testamende Itsva kuti Magwaro echiKristu echiGiriki.

^ ndima 13 Magwaro echiHebheru ane mashoko akawanda anobatsira chaizvo nhasi. Zvisinei, vaKristu havasi pasi poMutemo wakapiwa rudzi rwevaIsraeri naMwari achishandisa Mosesi.

[Bhokisi riri papeji 6]

INONZI TESTAMENDE YEKARE HERE KANA KUTI MAGWARO ECHIHEBHERU?

Mashoko okuti “testamende yekare” anowanika pana 2 VaKorinde 3:14 mushanduro yeKing James Version. Mushanduro iyi, shoko rokuti “testamende” rinenge richimiririra shoko rechiGiriki rokuti di·a·theʹke. Zvisinei, shanduro dzakawanda dzemazuva ano, dzakadai seNew International Version, dzinoshandura shoko rokuti di·a·theʹke dzichiti “sungano” pane kuti “testamende.” Nei?

Mumwe munyori weduramazwi anonzi Edward Robinson akati: “Sezvo sungano yekare iri mumabhuku akanyorwa naMosesi, shoko rokuti [di·a·theʹke] rinomiririra bhuku resungano, mabhuku aMosesi, kureva mutemo.” Pana 2 VaKorinde 3:14, muapostora Pauro aireva Mutemo waMosesi, unongova chikamu chiduku cheMagwaro akanyorwa Kristu asati auya.

Saka ndeapi mashoko akakodzera kudana nawo mabhuku 39 okutanga ari muBhaibheri Dzvene? Pane kupa pfungwa yokuti chikamu ichi cheBhaibheri hachibatsiri kana kuti ndechekare, Jesu Kristu nevateveri vake vaitaura nezvemagwaro aya se“Magwaro” uye “Magwaro matsvene.” (Mateu 21:42; VaRoma 1:2) Saka zvichishandisa mashoko aya akafuridzirwa, Zvapupu zvaJehovha zvinodana inonzi Testamende Yekare kuti Magwaro echiHebheru nokuti chikamu ichi cheBhaibheri pachakatanga kunyorwa, chiHebheru ndicho chainyanya kushandiswa. Saizvozvowo, zvinodana inonzi Testamende Itsva kuti Magwaro echiGiriki, nokuti mutauro wechiGiriki ndiwo wakashandiswa nevarume vakafuridzirwa naMwari kunyora chikamu ichocho cheBhaibheri.

[Mifananidzo iri papeji 4]

Murume angazivikanwa somutongi anotevera mutemo, baba vane rudo, uye shamwari

[Mufananidzo uri papeji 5]

Jesu akashandisa Magwaro echiHebheru muushumiri hwake hwose

[Mifananidzo iri papeji 7]

Mashoko api ari muBhaibheri angabatsira munhu kuti asarudze zvakanaka?