Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidza Kubva Kuna Nikodhimo

Dzidza Kubva Kuna Nikodhimo

Dzidza Kubva Kuna Nikodhimo

“KANA munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atore danda rake rokutambudzikira zuva nezuva arambe achinditevera.” (Ruka 9:23) Vabati vehove vakaderera nomuteresi anoshoreka vakabvuma kukokwa. Vakasiya zvinhu zvose vakatevera Jesu.—Mateu 4:18-22; Ruka 5:27, 28.

Kudana kwaJesu kuchiri kunzwika nhasi, uye vakawanda vakadavira. Zvisinei, vamwe vanofarira kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha vanozengurira ‘kuzviramba votora danda ravo rokutambudzikira.’ Havadi kugamuchira mutoro neropafadzo yokuva vadzidzi vaJesu.

Nei vamwe vasingadi kubvuma kukokwa kwavari kuitwa naJesu vozvitsaurira kuna Jehovha Mwari? Ichokwadi kuti vaya vasina kukura nepfungwa yechiJudha chakasangana nechiKristu yokuti kuna Mwari mumwe chete vangada nguva yakakura vasati vasvika pakubvuma kuti kune Musiki chaiye wemasimba ose. Asi, kunyange vagutsikana kuti Mwari ariko, vamwe vanokumbira kumbopiwa nguva vasati vatevera tsoka dzaJesu. Vangatya kuti hama dzavo neshamwari dzichafungei nezvavo kana vakava Zvapupu zvaJehovha. Vamwe vanoguma vasisaoni kukurumidzira kwenguva yatiri kurarama, vanotanga kutsvaka mukurumbira nepfuma. (Mateu 24:36-42; 1 Timoti 6:9, 10) Chero zvazvingava zviri, kune vaya vanoramba vachiverengera chisarudzo chavo chokuva vateveri vaJesu, pane chidzidzo chinowanikwa munhoroondo yaNikodhimo, mumwe mutongi wechiJudha aiva akapfuma womuzuva raJesu.

Akapiwa Mikana Yakazonaka

Inenge mwedzi mitanhatu chete Jesu atanga ushumiri hwake hwepasi, Nikodhimo anoona kuti Jesu ‘mudzidzisi akabva kuna Mwari.’ Aororwa nezvishamiso zvakaitwa naJesu nguva ichangopfuura muJerusarema paPaseka ya30 C.E., Nikodhimo anouya, usiku, kuzobvuma kuti anotenda muna Jesu uye kuzodzidza zvimwe pamusoro pomudzidzisi uyu. Ipapo Jesu anoudza Nikodhimo chimwe chokwadi chakadzama nezvokukosha ‘kwokuberekwazve’ kuti apinde muUmambo hwaMwari. Pachiitiko chino, Jesu anotaurawo mashoko okuti: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:1-16.

Mukana wakadini uri pamberi paNikodhimo! Anogona kuva musonganiri waJesu wepedyo, achikwanisa kuzvionera oga mararamiro aJesu pasi pano. Somutongi wevaJudha uye mudzidzisi muna Israeri, Nikodhimo ane zivo yeShoko raMwari yakanaka. Anewo nzwisiso yakajeka, sezvinoonekwa pakuziva kwake kuti Jesu mudzidzisi akatumwa naMwari. Nikodhimo anofarira zvinhu zvine chokuita nokunamata, uye anozvininipisa zvinoshamisa. Zvinofanira kuva zvichiomera nhengo yedare repamusoro-soro rechiJudha kubvuma mwanakomana womuveziwo zvake kuti murume akatumwa naMwari! Zvose izvozvo zvinokosha kuti munhu ave mudzidzi waJesu.

Kufarira kwaNikodhimo murume uyu wokuNazareta hakuratidziki sokunoenda kuchipera. Makore maviri nehafu gare gare, paMutambo weMatumba, Nikodhimo anopinda musangano weSanihedrini. Panguva ino Nikodhimo achiri “mumwe wavo.” Vapristi vakuru nevaFarisi vanotuma vakuru vaibatira kunosunga Jesu. Vakuru vaibatira vanodzoka uye vanoshuma kuti: “Hapana mumwe munhu akambotaura zvakafanana neizvi.” VaFarisi vanotanga kuvashora vachiti: “Hamuna kutsauswawo, matsauswa here? Hapana mumwe wevatongi kana wevaFarisi atenda maari, aripo here? Asi boka revanhu iri risingazivi Mutemo vanhu vakatukwa.” Nikodhimo haachagoni kuramba anyerere. Anotaura achiti: “Mutemo wedu hautongi munhu kana usina kutanga kumunzwa uye wasvika pakuziva chaari kuita, haudaro here?” Anozoona kuti ndiye ava kutotsoropodzwa nevamwe vaFarisi vachiti: “Iwe haubviwo Garireya, unobva ikoko here? Nzvera uone kuti hapana muprofita achamutswa achibva Garireya.”—Johani 7:1, 10, 32, 45-52.

Mwedzi mitanhatu gare gare, paZuva rePaseka ya33 C.E., Nikodhimo anoona mutumbi waJesu uchiburutswa kubva padanda rokutambudzikira. Anobatana naJosefa weArimatiya, imwe nhengo yeSanihedrini, mukugadzirira mutumbi waJesu kuti uvigwe. Nikodhimo anounza “musanganiswa wemura nearosi” zvinorema mapaundi 100 eRoma, akaenzana nemagiramu anenge mazana matatu kuti zvishandiswe basa iroro. Panoratidzika kuva pakashandiswa mari yakawanda kuzvitenga. Zvinodawo ushingi kuti abatanidzwe no“munyengeri uya,” sezvinoitwa nevamwe vake vaFarisi vachireva Jesu. Vachikurumidza kugadzirira mutumbi waJesu kuti uvigwe, vaviri ava vanoisa Jesu muguva rechirangaridzo riri pedyo. Zvisinei, kunyange panguva ino Nikodhimo haasati ava kuzivikanwa somudzidzi waJesu!—Johani 19:38-42; Mateu 27:63; Mako 15:43.

Nei Asina Kuona Zvokuita

Johani haana kubudisa munhoroondo yake chakaita kuti Nikodhimo arege ‘kutakura danda rake rokutambudzikira’ nokutevera Jesu. Zvisinei, ane zvaakasiya zvinogona kujekesa kuti nei muFarisi uyu akatadza kuita chisarudzo.

Chokutanga-tanga, Johani akati mutongi wechiJudha uyu “akauya [kuna Jesu] usiku.” (Johani 3:2) Imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti: “Nikodhimo akauya usiku, kwete nokutya, asi kuti asasangana nevanhu vakawanda vaizodai vakakanganisa hurukuro yake naJesu.” Asi, Johani akati nezvaNikodhimo “murume akauya [kuna Jesu] usiku pakutanga” mumashoko akapoteredza mamwe chetewo aakataura nezvaJosefa weArimatiya so“mudzidzi waJesu asi wepachivande nemhaka yokutya kwake vaJudha.” (Johani 19:38, 39) Saka zvingadaro kuti Nikodhimo akauya kuna Jesu murima ‘nokutya vaJudha,’ sezvaingoitawo vamwe muzuva rake kutya kuva nechokuita naJesu.—Johani 7:13.

Wakarega kusarudza kuva mumwe wevadzidzi vaJesu nokuda kwezvingataurwa nehama neshamwari here? “Kutya munhu kunouyisa musungo,” chinodaro chimwe chirevo. Ungaita sei kuti udzivise kutya ikoko? Chirevo chacho chinopfuurira chichiti: “Asi ani naani unovimba naJehovha uchachengetwa.” (Zvirevo 29:25) Kuti uve nechivimbo chakadaro muna Jehovha, unofanira kuuya wozvionera kuti Mwari achakutsigira kana uri mumatambudziko. Nyengetera kuna Jehovha, umukumbire kuti akupe ushingi hwokuita kunyange zvisarudzo zviduku zvine chokuita nokunamata kwako. Kutenda kwako nechivimbo chako muna Jehovha zvichakura kusvika paunenge wava kukwanisa kuita zvisarudzo zvikuru zvinoenderana nokuda kwaMwari.

Chinzvimbo chaNikodhimo nomukurumbira wake senhengo yeboka rinotonga zvingavawo zvakamutadzisa kutora danho rinokosha rokuzviramba. Panguva iyoyo, anofanira kuva akanga achakaomerera zvakasimba kuchinzvimbo chake senhengo yeSanihedrini. Unozengurira kuita chiito kuti uve muteveri waKristu nokuda kwokuti ungangorasikirwa nechinzvimbo munzanga kana kuti ungazorasikirwa nemimwe mikana yokubudirira here? Hapana chimwe chezvinhu izvi chinoenzana neropafadzo yokukwanisa kushumira Wokumusorosoro wezvakasikwa zvose, akagadzirira kukupa zvaunomukumbira maererano nokuda kwake.—Pisarema 10:17; 83:18; 145:18.

Chimwe chikonzero chokuverengera kwaNikodhimo chingava nechokuita nepfuma yake. SomuFarisi, angava aifurirwa nevamwe vake, “vaiva vadi vemari.” (Ruka 16:14) Kukwanisa kwake kutenga mura nearosi zvaidhura kunoratidza kuti aiva nepfuma. Vamwe nhasi vanoramba vachiverengera kuita chisarudzo chokutora mitoro yomuKristu nokuti vanotyira zvinhu zvavanazvo. Zvisinei, Jesu akakurudzira vateveri vake kuti: “Musafunganya pamusoro pemweya yenyu pamusoro pechamuchadya kana chamuchanwa, kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei. . . . Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi. Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateu 6:25-33.

Airasikirwa Nezvakawanda

Sezvineiwo, nhoroondo yaNikodhimo, iri muEvhangeri yaJohani chete, haizotauri kuti akazova muteveri waJesu here kana kuti kwete. Maererano nezvimwe zvakanyorwa zvokungonzwawo, Nikodhimo akazogamuchira Jesu, akabhabhatidzwa, ndokutambudzwa nevaJudha, akabviswa pachinzvimbo chake, akazopedzisira arambidzwa kuonekwa muJerusarema. Chero zvipi zvingava zvakaitika, pane chinhu chimwe chete chechokwadi: Kuverengera kwaakaita kwakaita kuti arasikirwe nezvakawanda apo Jesu akanga achiri pasi pano.

Dai Nikodhimo akanga atanga kutevera Jesu panguva yaakatanga kusangana naIshe chaiyo, angadai akava mudzidzi waJesu wepedyo. Nezivo, kunzwisisa, kuzvininipisa uye kuda zvokunamata kwaiva naNikodhimo, angadai akava mudzidzi akatanhamara zvikuru. Hungu, angadai akanzwa hurukuro dzinoshamisa dzoMudzidzisi Mukuru, angadai akadzidza zvidzidzo zvinokosha mumienzaniso yaJesu, angadai akaona zvishamiso zvinopedza mate mukanwa zvakaitwa naJesu, uye akasimbiswa nekurudziro yaJesu yomuonekedzo kuvaapostora vake. Asi akarasikirwa nezvose izvozvo.

Kushaya kwaNikodhimo kuti osarudza zvipi kwakaita kuti arasikirwe nezvakawanda. Chimwe chaizvozvo kukoka kwaJesu kwokuti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye anozvininipisa mumwoyo, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mateu 11:28-30) Nikodhimo akarasikirwa nomukana wokuva nezororo iri richinyatsobva kuna Jesu pachake!

Ko Iwe?

Kubva muna 1914, Jesu Kristu ave aripo saMambo akagadzwa naMwari muUmambo hwake hwokudenga. Achifanotaura zvaizoitika mukuvapo kwake, akati zvimwe zvezvaizoitika ndeizvi: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (Mateu 24:14) Mugumo usati wauya, basa iroro rokuparidza renyika yose rinofanira kupedzwa. Jesu Kristu anofarira kuti vanhu vasina kukwana variitewo. Iwe unogona kuriitawo.

Nikodhimo aiziva kuti Jesu akabva kuna Mwari. (Johani 3:2) Kubva mukudzidza Bhaibheri, ungava wakasvikawo pamhedziso yakadaro. Ungava wakachinja mararamiro ako kuti awirirane nezvinotaura Bhaibheri. Ungava uchitopinda kunyange misangano yeZvapupu zvaJehovha kuti uwedzere zivo yeBhaibheri. Unorumbidzwa nezvauri kuita izvozvo. Asi Nikodhimo aifanira kuita zvinopfuura kungobvuma kuti Jesu akanga atumwa naMwari. Aifanira ‘kuzviramba otora danda rake rokutambudzikira zuva nezuva oramba achitevera Jesu.’—Ruka 9:23.

Fungisisa zvatinotaurirwa nomuapostora Pauro. Akanyora kuti: “Zvatinoshanda pamwe naye, tinokutetereraiwo kuti musagamuchira mutsa usina kufanirwa waMwari mopotsa chinangwa chawo. Nokuti anoti: ‘Ndakakunzwa panguva yakanaka, uye ndakakubetsera pazuva roruponeso.’ Tarira! Ino ndiyo nguva yakanaka chaizvo. Tarira! Rino ndiro zuva roruponeso.”—2 VaKorinde 6:1, 2.

Ino ndiyo nguva yokuva nokutenda kunoita kuti uone zvokuita. Kuti udaro, fungisisa nezvezvinhu zvauri kudzidza muBhaibheri. Nyengetera kuna Jehovha, umukumbire kuti akubatsire kuratidza kutenda. Sezvaunozvionera kubatsira kwake, kumuonga nokumuda kwako zvichakuita kuti ude ‘kuzviramba wotakura danda rako rokutambudzikira zuva nezuva woramba uchitevera Jesu Kristu.’ Uchaita kudaro here iye zvino?

[Mufananidzo uri papeji 9]

Pakutanga, Nikodhimo akashinga kutsigira Jesu

[Mufananidzo uri papeji 9]

Pasinei nokupikiswa, Nikodhimo akabatsira pakugadzirira mutumbi waJesu kuvigwa

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kudzidza woga nokunyengetera zvinogona kukusimbisa kuti uite chimwe chinhu

[Mufananidzo uri papeji 10]

Uchagamuchira here ropafadzo yokushanda uchitungamirirwa naJesu Kristu?