Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rucheno Runokosha Zvakadini?

Rucheno Runokosha Zvakadini?

Rucheno Runokosha Zvakadini?

RUCHENO runoreva zvakasiyana-siyana kuvanhu vakasiyana-siyana. Somuenzaniso, kakomana pakanoudzwa naamai vako kuti kageze maoko nokumeso, kangangofunga kuti kungochingidzira minwe yako papombi yemvura nokunyorovesa miromo yako zvakakwana. Asi Amai vanoziva zviri nani. Vanodzokera nako mubhavhu vokakwiza maoko nokumeso vachishandisa sipo yakawanda nemvura—kunyange kachiramba nenzwi riri pamusoro!

Ichokwadi kuti mwero worucheno hauna kufanana nyika yose, uye vanhu vanokura vachinzwisisa rucheno zvakasiyana-siyana. Munguva dzakapfuura, kugara pachikoro pakachena munyika dzakawanda kwaibatsira vana kuva netsika dzakanaka dzorucheno. Nhasi uno, dzimwe nhandare dzepazvikoro dzizere nemarara zvokuti dzinoita senzvimbo inorasirwa marara kwete nzvimbo yokutambira nokurovedza muviri. Zvakadini nedzimba dzokudzidzira? Darren, mumwe anoshanda basa rokuchenesa pachimwe chikoro chesekondari muAustralia, akati: “Iye zvino tinoona tsvina mudzimba dzokudzidzirawo.” Vamwe vana vanotora murayiridzo wokuti “Chinonge” kana kuti “Chichenese” sounoreva kuti vari kurangwa. Chinetso ndechokuti vamwe vadzidzisi vanoshandisa kuchenesa senzira yokuranga nayo.

Kune rumwe rutiviwo, vanhu vakuru havawanzova muenzaniso wakanaka worucheno, mungava muupenyu hwezuva nezuva kana kuti mune zvebhizimisi. Somuenzaniso, nzvimbo zhinji dzevoruzhinji dzinosiyiwa dziine tsvina, dzisingatarisiki. Mamwe maindasitiri anosvibisa mhoteredzo. Zvisinei, kusvibiswa kwemhoteredzo hakukonzerwi nezvinhu zvisingazivi zvakadai semaindasitiri nemabhizimisi, asi nevanhu. Nepo makaro ari iwo anonyanya kukonzera dambudziko renyika yose rokusvibiswa kwemhoteredzo nezvakunokonzera zvakashata zvose, chimwe chinokonzera dambudziko iri itsika dzisina kuchena dzomunhu mumwe nomumwe. Mumwe mukuru mukuru weCommonwealth of Australia akatsigira pfungwa iyi paakati: “Zvinetso zvose zvoutano hworuzhinji zvinobva pakusava noutsanana kwevanhu.”

Kunyange zvakadaro, vamwe vanofunga kuti rucheno nderwokuti munhu anozvionera uye kuti vamwe havafaniri kuita basa nazvo. Ndizvo here?

Rucheno runokosha zvikuru kana tava pane zvokudya zvedu—tingava tichiita zvokutenga kumusika, tichizvidyira pahotera, kana kuti tichidya kumba kweshamwari. Vanobata kana kuti vanotipakurira zvatinodya ndivo vanotarisirwa kuva norucheno. Maoko ane tsvina—avo kana kuti edu—anogona kukonzera zvirwere zvakawanda. Zvakadini nezvipatara—nzvimbo yatinotarisira kuwana rucheno kupfuura dzimwe dzose? The New England Journal of Medicine yakashuma kuti kusageza maoko kwavanachiremba nemanesi kunogona kutibatsira kuona kuti nei varwere vanogara pachipatara vachiguma vabata zvirwere zvinodya mari inosvika kumabhiriyoni gumi [$Z550 000 000 000] gore negore. Zvakarurama kuti tione kuti hapana munhu anoisa utano hwedu mungozi netsika dzake dzisina kuchena.

Inhauwo isiri yokutamba nayo kana mumwe munhu akasvibisa mvura inoshandiswa—achiziva kana kuti nokusava nehanya. Uye hazvina ngozi here kufamba usina bhutsu mujecha romumahombekombe maungaona majekiseni akashandiswa akaraswa nevanhu vanoshandisa zvinodhaka nevamwewo? Zvichida mubvunzo unotokosha zvikuru kumunhu mumwe nomumwe ndewokuti: Rucheno ruri kuitwa pamba pedu here?

Suellen Hoy, mubhuku rake rinonzi Chasing Dirt, anobvunza kuti: “Takachena sezvataiwanzova here?” Anopindura kuti: “Zvichida kwete.” Anoti kuderera kwetsika munzanga ndicho chikonzero chikuru. Sezvo nguva inopedzerwa nevanhu pamba iri kuenda ichiderera, vanobhadhara mumwe munhu mari kuti avachenesere. Mugumisiro wacho ndewokuti nyaya yokuchengeta zvinhu zvakachena haisisiri nhau inokosha kumunhu mumwe nomumwe. “Handichenesi mubhavhu—ndinozvigeza ini pachangu,” akadaro mumwe murume. “Kana mumba mangu muine tsvina, hazvina basa chero ini ndakachena.”

Zvisinei, rucheno runopfuura nokure chitarisiko chokunze. Itsika inobatanidza zvinhu zvose yokurarama kwakanaka. Rune chokuitawo nezvakaita pfungwa dzedu nomwoyo izvo zvinosanganisira tsika dzedu uye kunamata. Ngationei kuti zvakadaro sei.