Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kufarira Tariro Yedu

Kufarira Tariro Yedu

Kufarira Tariro Yedu

“[Kune] tariro youpenyu husingaperi iyo Mwari, asingamborevi nhema, akapikira kare kare.”—TITO 1:2.

KUDZOKORORA

Tinoziva sei kuti kudenga kunofarwa zvikuru mumwe wevakazodzwa paanoramba akatendeka kusvikira afa?

Kuzadziswa kwetariro yemamwe makwai kwakabatana sei netariro yevakazodzwa?

Kuti tariro yedu izadziswe, ndeapi “mabasa matsvene omufambiro” uye “mabasa okuzvipira kuna Mwari” atinofanira kuratidza?

1. Tariro yatakapiwa naJehovha inogona kutibatsira sei kutsungirira?

JEHOVHA ndi“Mwari anopa tariro,” akadaro muapostora Pauro. Akawedzerawo kuti Jehovha anogona ‘kutizadza nomufaro wose norugare rwose nokuda kwokutenda kwedu, kuti tariro yedu iwedzere nesimba romudzimu mutsvene.’ (VaR. 15:13) Kana tariro yedu ikawedzera, tichakwanisa kutsungirira pose patinoomerwa nezvinhu, tiine mufaro nerugare. Kufanana nevaKristu vakazodzwa, tariro iyoyo ichavawo ‘chinhu chinotsigisa mweya, chechokwadi uye chakasimba’ kune vamwe vaKristu. (VaH. 6:18, 19) Patinosangana nematambudziko akaita semhepo ine simba, tinogona kubatirira patariro yedu, iyo inotibatsira kuti tirege kukukurwa torasikirwa nokutenda.—Verenga VaHebheru 2:1; 6:11.

2. Itariro dzipi mbiri dzine vaKristu nhasi, uye nei ‘vemamwe makwai’ vaine basa netariro yevakazodzwa?

2 VaKristu vari kurarama panguva ino yomugumo vanoisa pfungwa dzavo patariro mbiri. VaKristu vakazodzwa ve“boka duku” vachiri pasi pano vanotarisira kurarama kudenga vasingafi, vari madzimambo uye vapristi pamwe chete naKristu muUmambo hwake. (Ruka 12:32; Zvak. 5:9, 10) Ve“boka guru” kwazvo re“mamwe makwai” vane tariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso panyika vachitongwa noUmambo hwaMesiya. (Zvak. 7:9, 10; Joh. 10:16) Vemamwe makwai havafaniri kumbokanganwa kuti ruponeso rwavo runobva pakutsigira kwavanoita “hama” dzakazodzwa dzaKristu dzichiri panyika. (Mat. 25:34-40) Vakazodzwa vachawana mubayiro wavo uye vemamwe makwai vachatowanawo wavo. (Verenga VaHebheru 11:39, 40.) Ngatitangei nokuongorora tariro yevakazodzwa.

“TARIRO MHENYU” YEVAKRISTU VAKAZODZWA

3, 4. VaKristu vakazodzwa ‘vanoberekwa sei patsva kuti vave netariro mhenyu,’ uye tariro iyoyo chii?

3 Muapostora Petro akanyorera vaKristu vakazodzwa tsamba mbiri, achivadana kuti “vakasarudzwa.” (1 Pet. 1:1) Akatsanangura zvakaita tariro yakazonaka yakapiwa boka duku. Mutsamba yokutanga, Petro akanyora kuti: “Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu ngaarumbidzwe, nokuti maererano nengoni dzake huru akatibereka patsva kuti tive netariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, kuti tive nenhaka isingaori isina kusvibiswa uye isingasvavi. Makaichengeterwa kudenga, imi muri kuchengetedzwa nesimba raMwari nokutenda nokuda kworuponeso rwakagadzirira kuratidzwa munguva yokupedzisira. Muri kufara zvikuru muna izvozvi.”—1 Pet. 1:3-6.

4 VaKristu vashoma vakasarudzwa naJehovha kuti vanova pamwe naKristu muhurumende yokudenga, ‘vanoberekwa patsva’ sevanakomana vaMwari vakaberekwa nomudzimu. Vanozodzwa nomudzimu mutsvene kuti vave madzimambo uye vapristi pamwe naKristu. (Zvak. 20:6) Petro anotaura kuti ‘kuberekwa patsva’ uku kunoita kuti vave ne“tariro mhenyu,” iyo yaanodana kuti “nhaka isingaori isina kusvibiswa uye isingasvavi” yavakachengeterwa “kudenga.” Ndokusaka vakazodzwa ‘vachifarira zvikuru’ tariro yavo mhenyu! Zvisinei, kuti tariro yavo izadziswe vanofanira kuramba vakatendeka.

5, 6. Nei vaKristu vakazodzwa vachifanira kuita zvose zvavanogona kuti kudanwa kwavo kwokudenga kuve kwechokwadi?

5 Mutsamba yechipiri, muapostora Petro akakurudzira vaKristu vakazodzwa kuti ‘vaite zvose zvavanogona kuti kudanwa kwavo nokusarudzwa kwavo kuve kwechokwadi.’ (2 Pet. 1:10) Vanofanira kushanda nesimba kuti vave neunhu hwechiKristu hwakadai sokutenda, kuzvipira kuna Mwari, kudanana kwazvo sehama uye rudo. Petro akati: “Kana zvinhu izvi zviri mamuri uye zvichifashukira, zvichakudzivisai kuva vanhu vasingaiti basa kana kuti vasina zvibereko.”—Verenga 2 Petro 1:5-8.

6 Mumashoko aakataura kuvakuru vakazodzwa veungano yomuzana remakore rokutanga yeFiradhefiya, muAsia Minor, Kristu akati: “Zvawakachengeta shoko pamusoro pokutsungirira kwangu, ini ndichakuchengetawo paawa yokuedzwa, ichauya munyika yose inogarwa, kuzoedza vaya vanogara panyika. Ndiri kukurumidza kuuya. Ramba wakabatisisa zvauinazvo, kuti parege kuva neangatora korona yako.” (Zvak. 3:10, 11) Kana muKristu akazodzwa akatadza kuramba akatendeka, haazogamuchiri “korona yokubwinya isingasvavi” yakavimbiswa vakasarudzwa vanenge varamba vakatendeka kusvikira parufu.—1 Pet. 5:4; Zvak. 2:10.

KUPINDA MUUMAMBO

7. Itariro ipi yakazonaka yakataurwa naJudha mutsamba yake?

7 Munenge muna 65 C.E., Judha munun’una waJesu, akanyorera tsamba hama dzake dzakazodzwa, idzo dzaakati “vakadanwa.” (Jud. 1; enzanisa naVaHebheru 3:1.) Pakutanga aida kuvanyorera nezvetariro yakazonaka yeruponeso iyo vaKristu vakadanwa kuUmambo hwaMwari hwokudenga ‘vanayo vose.’ (Jud. 3) Kunyange zvazvo aiva nezvimwe zvinhu zvinokosha zvaaida kutaura, ava kunopedzisa tsamba yake, akanyora nezvetariro yakazonaka ine vaKristu vakazodzwa, achiti: “Zvino uya anokwanisa kukurindai pakugumburwa uye kukuisai musina gwapa pamberi pokubwinya kwake nomufaro mukuru, iye Mwari mumwe chete Muponesi wedu achishandisa Jesu Kristu Ishe wedu, ngaave nokubwinya, uchangamire, simba nechiremera mukusingagumi kwose kwakapfuura, zvino uye nokusingagumi kwose.”—Jud. 24, 25.

8. Maererano naJudha 24, chii chinoratidza kuti kudenga kunofarwa zvikuru mumwe wevakazodzwa paanoramba akatendeka kusvika pakufa?

8 Zvechokwadi, Chapupu chakazodzwa chimwe nechimwe chinofanira kudzivirirwa naMwari kuti chirege kugumburwa, choparadzwa. Tariro yevakazodzwa ndeyekuti Jesu Kristu achavamutsa kubva kuvakafa, oita kuti vave zvisikwa zvomudzimu zvakakwana pamberi paMwari vachifara kwazvo. Mumwe wevakazodzwa paanofa akatendeka, chokwadi ndechokuti ‘anomutswa aine muviri womudzimu,’ uye anomutswa “mukusaora . . . , mukubwinya.” (1 VaK. 15:42-44) Kana kuine “mufaro mukuru kudenga pamusoro pomutadzi mumwe chete anopfidza,” chimbofunga kuti kunofarwa zvakadini mumwe chete wehama dzaKristu akaberekwa nomudzimu paanopedza upenyu hwake akaperera kuna Mwari. (Ruka 15:7) Jehovha nengirozi vanofarawo munhu akazodzwa paanenge achiwana mubayiro wake “nomufaro mukuru.”—Verenga 1 Johani 3:2.

9. Vakazodzwa vakatendeka ‘vanozarurirwa kwazvo’ sei kuti vapinde muUmambo, uye tariro iyoyo inobatsira sei vakazodzwa vachiri panyika?

9 Petro akanyorerawo vaKristu vakazodzwa kuti kana vakaita kuti kudanwa kwavo kuve kwechokwadi nokuramba vakatendeka, “[va]chazarurirwa kwazvo saizvozvo kuti [va]pinde muumambo husingaperi hwaShe wedu uye Muponesi Jesu Kristu.” (2 Pet. 1:10, 11) ‘Vachazarurirwa kwazvo’ mukana wokuenda kunowana mubayiro wavo wokudenga, vachiratidza kubwinya. Mashoko okuti “muchazarurirwa kwazvo” anogona kupa pfungwa yemakomborero akazonaka avachapiwa pashure pokushanda nesimba munhangemutange youpenyu. Vachapembera nomufaro vachitenda kuti vakaramba vakatendeka muupenyu hwavo. Zviri pachena kuti tariro iyi ndiyo inosimbisa vaKristu vakazodzwa vachiri panyika kuti ‘vagadzirire pfungwa dzavo kuti varambe vachiita basa.’—1 Pet. 1:13.

“TARIRO” YEMAMWE MAKWAI

10, 11. (a) Mamwe makwai ane tariro yei? (b) Kuzadziswa kwetariro yepasi pano kwakabatana papi nebasa raKristu uye no“kuratidzwa kwevanakomana vaMwari”?

10 Muapostora Pauro akanyora nezvetariro yakazonaka ye“vanakomana vaMwari” vakaberekwa nomudzimu, yokuva “vagari venhaka” pamwe naKristu. Akabva ataurawo nezvetariro yakazonaka, inopiwa vemamwe makwai naJehovha achiti: “Zvisikwa [kureva vanhu] zviri kumirira nomwoyo wose zvichitarisira kuratidzwa kwevanakomana vaMwari [kureva vakazodzwa]. Nokuti zvisikwa zvakaitwa kuti zvive zvisina zvazvinobatsira, kwete nokuti ndizvo zvazvaida asi nokuna iye akaita kuti zvidaro, nokuda kwetariro yokuti zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora zvova norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”—VaR. 8:14-21.

11 Jehovha akaita kuti vanhu ‘vave netariro’ paakavimbisa kuvanunura pana Satani Dhiyabhorosi, “nyoka yepakutanga,” achishandisa “mbeu” yakapikirwa. (Zvak. 12:9; Gen. 3:15 mashoko omuzasi) Wokutanga pa“mbeu” iyoyo aiva Jesu Kristu. (VaG. 3:16) Kufa uye kumuka kwaakaita, zvakaita kuti vanhu vakwanise kuva netariro yakasimba yokusunungurwa pakuva muuranda hwechivi norufu. Kuzadziswa kwetariro iyoyo kwakabatana no“kuratidzwa kwevanakomana vaMwari.” Vamwe ‘vembeu’ yacho ndivo vakazodzwa pavanenge vava kudenga. ‘Vacharatidzwa’ pavachabatana naKristu pakuparadza nyika yakaipa yaSatani. (Zvak. 2:26, 27) Izvi zvichaita kuti mamwe makwai, vaya vanobuda mukutambudzika kukuru, vaponeswe.—Zvak. 7:9, 10, 14.

12. Kuratidzwa kwevakazodzwa kuchaunzira vanhu makomborero api akazonaka?

12 “Zvisikwa” kana kuti vanhu, vachanzwa vanyatsozorora muKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru! Panguva iyoyo, “vanakomana vaMwari” ‘vacharatidzwazve’ pavachashanda sevapristi naKristu, vachiita kuti chibayiro chorudzikinuro chaJesu chibatsire vanhu. Vanhu vacho pavanenge vava kutongwa noUmambo hwokudenga, vachatanga kusunungurwa panhamo dzinokonzerwa nechivi norufu. Zvishoma nezvishoma, vanhu vanoteerera vachasunungurwawo “muuranda hwokuora.” Kana vakaramba vakatendeka kuna Jehovha muMakore Ane Chiuru, uye mumuedzo wokupedzisira uchauya panopera makore acho, mazita avo achanyorwa zvokusazombodzimwa mu“mupumburu woupenyu.” Vachapinda mu“rusununguko runobwinya rwevana vaMwari.” (Zvak. 20:7, 8, 11, 12) Iyoyo itariro yakazonaka!

KUITA KUTI TARIRO YEDU IRAMBE YAKASIMBA

13. Tariro yedu inobva pachii, uye Kristu acharatidzwa riini?

13 Tsamba mbiri dzaPetro dzine zvakawanda zvinobatsira vakazodzwa nemamwe makwai kuti varambe vaine tariro yakasimba. Akataura kuti tariro yavo haibvi pamabasa avo, asi pamutsa waJehovha wavasina kukodzera kuwana. Akanyora kuti: “Isai tariro yenyu pamutsa usina kukodzera kuwanwa uchaunzwa kwamuri pakuratidzwa kwaJesu Kristu.” (1 Pet. 1:13) Kristu acharatidzwa paanouya kuzopa mubayiro vateveri vake vakatendeka uye kuzoparadza vakaipa.—Verenga 2 VaTesaronika 1:6-10.

14, 15. (a) Kuti tariro yedu irambe yakasimba, tinofanira kugara tichifungei? (b) Petro akapa zano ripi?

14 Kuti tariro yedu irambe yakasimba, tinofanira kurarama tichifunga kuti “zuva raJehovha” riri kuuya. Pazuva iroro ndipo pachaparadzwa “matenga” kana kuti utongi hwevanhu huripo iye zvino, uye vanhu vakaipa kana kuti “nyika,” ne“zvinhu” zvayo. Petro akanyora kuti: “Munofanira kuva vanhu vorudzii . . . , [pamunenge] muchimirira uye muchiramba muchinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha, iro naro matenga paanenge achitsva achanyungudutswa uye zvinhu pazvinenge zvichipisa kwazvo zvichanyunguduka!”—2 Pet. 3:10-12.

15 “Matenga” ne“nyika” zviriko iye zvino zvichatsiviwa ne“matenga matsva [hurumende yoUmambo hwaKristu] nenyika itsva [vanhu vachange vava kugara panyika].” (2 Pet. 3:13) Petro akabva ataura pachena zvatinofanira kuita kuti tisimbise tariro yedu ‘takamirira’ nyika itsva iyi achiti: “Nokudaro, vadiwa, zvamakamirira zvinhu izvi, itai zvose zvamunogona kuti muwanikwe naye pakupedzisira musina ruvara uye musina gwapa, muine rugare.”—2 Pet. 3:14.

KURARAMA ZVINOENDERANA NETARIRO YEDU

16, 17. (a) Ndeapi “mabasa matsvene omufambiro” uye “mabasa okuzvipira kuna Mwari” atinofanira kuratidza? (b) Tariro yedu ichazadziswa sei?

16 Tinofanira kuita kuti tariro yedu irambe yakasimba uye toraramawo maererano nayo. Tinofanira kuona kuti tiri vanhu vakaita sei pane zvokunamata. “Mabasa matsvene omufambiro” anosanganisira ‘kuramba tiine mufambiro wakanaka pakati pemamwe marudzi,’ nokuita zvakarurama. (2 Pet. 3:11; 1 Pet. 2:12) Tinofanira kuva ‘nerudo pakati pedu.’ Izvozvo zvinosanganisira kuita zvose zvatinokwanisa kuti tirambe takabatana sehama dziri munyika yose uye kunyange muungano yedu. (Joh. 13:35) “Mabasa okuzvipira kuna Mwari” ndeaya anoratidza ukama hwedu hwepedyo naJehovha. Anosanganisira minyengetero yemwoyo wose, uyewo kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kunyatsodzidza tiri toga, kunamata kwemhuri, uye kushingaira pakuparidza “mashoko akanaka oumambo.”—Mat. 24:14.

17 Mumwe nomumwe wedu anofanira kushandira kuti afarirwe naJehovha uye kuti azoponeswa mamiriro ezvinhu akaipa aripo paa“chanyungudutswa.” Tariro yedu “youpenyu husingaperi iyo Mwari, asingamborevi nhema, akapikira kare kare,” ichazadziswa panguva iyoyo.—Tito 1:2.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 22]

VaKristu vakazodzwa ‘vanoberekwa patsva kuti vave netariro mhenyu’

[Mufananidzo uri papeji 24]

Itai kuti tariro yacho irambe yakasimba mumhuri yenyu