Tsamba kuvaHebheru 3:1-19

  • Jesu mukuru kuna Mozisi (1-6)

    • Zvinhu zvese zvakavakwa naMwari (4)

  • Kuyambirwa nezvekusava nekutenda (7-19)

    • “Nhasi kana mukateerera inzwi rake” (7, 15)

3  Saka imi hama dzangu tsvene, vamwe vevakadanwa kudenga,+ fungai nezvaJesu, muapostora uye mupristi mukuru watinozivisa kuti tinotenda maari.*+ 2  Akanga akatendeka kuna uya akamugadza,+ sezvakanga zvakaitawo Mozisi muimba yese yaMwari.+ 3  Nekuti iye* anooneka kuti akakodzera kukudzwa+ kupfuura Mozisi, sezvo uya anovaka imba achikudzwa kupfuura imba yacho pachayo. 4  Ichokwadi kuti imba imwe neimwe ine munhu anoivaka, asi akavaka zvinhu zvese ndiMwari. 5  Mozisi akanga akatendeka paaishanda muimba yaMwari kuti zvive uchapupu hwezvinhu zvaizotaurwa pava paya, 6  asi Kristu akanga akatendeka semwanakomana+ pakutungamirira zvinhu muimba yaMwari. Isu tiri imba yake+ ndokunge tabatisisa rusununguko rwedu rwekutaura uye tariro yatinozvirumbidza nayo kusvikira kumagumo. 7  Saka sekutaura kunoita mweya mutsvene kuti,+ “Nhasi kana mukateerera inzwi rake, 8  musaomesa mwoyo yenyu sepaya pamakaita kuti ndishatirwe zvikuru, sepazuva remuedzo murenje,+ 9  pandakapikiswa nemadzitateguru enyu achindiedza, kunyange zvazvo akanga aona mabasa angu kwemakore 40.+ 10  Ndokusaka ndakatsamwiswa nechizvarwa ichi ndikati: ‘Vanogara vachitsauka mumwoyo yavo, uye havasati vava kuziva nzira dzangu.’ 11  Saka ndakapika ndakatsamwa ndichiti: ‘Havazopindi muzororo rangu.’”+ 12  Hama dzangu, chenjerai kuti pasava nemumwe wenyu anotanga kuva nemwoyo wakaipa usina kutenda achibva pana Mwari mupenyu;+ 13  asi rambai muchikurudzirana zuva rega rega, chero bedzi achiri “Nhasi,”+ kuti parege kuva nemumwe wenyu angaomeswa nesimba rinonyengera rechivi. 14  Nekuti tinobatana naKristu pane zvaari kuita, ndokunge chete tabatisisa kusvikira kumagumo chivimbo chataiva nacho pakutanga.+ 15  Sezvo zvichinzi, “Nhasi kana mukateerera inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sepaya pamakaita kuti ndishatirwe zvikuru.”+ 16  Nekuti ndivanaani vakanzwa asi vakaita kuti ashatirwe zvikuru? Havasi vese vaya vakabuda muIjipiti vachitungamirirwa naMozisi here?+ 17  Uyezve, ndevapi vakatsamwisa Mwari kwemakore 40?+ Havasi vaya vakatadza, vane zvitunha zvakawira murenje here?+ 18  Uye ndivanaani vaakapikira kuti havasi kuzopinda muzororo rake? Havasi vaya vakanga vasingateereri here? 19  Saka tiri kuona kuti vakatadza kupinda nekuti vaisava nekutenda.+

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “watinobvuma kuti tinomuziva.”
^ Kureva, Jesu.