Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichifanira Kuungana?

Nei Tichifanira Kuungana?

Nei Tichifanira Kuungana?

MURUME waChristine waakanga aroorana naye kwemakore 20, akangoerekana amutiza. Christine akasara achirera vanakomana vanomwe nomwanasikana mumwe chete. Vaiva nemakore anobvira pa7 kusvika ku18. Anoti, “Iye zvino ndakanga ndava kufanira kusarudza zvinhu zvose zvinokosha ndiri ndoga. Ndainzwa ndaodzwa mwoyo nezvandaifanira kusarudza uye ndaida chaizvo kutsigirwa uye kutungamirirwa.” Akawana kupi rubatsiro rwaaida?

Christine anoti, “Misangano yechiKristu ndiyo yakandibatsira ini nemhuri yangu. Pamisangano, taikurudzirwa neshamwari dzedu uye taiwana mirayiridzo inobva muShoko raMwari. Kupinda misangano nguva dzose kwakatibatsira muzvinhu zvose zvinokosha muupenyu hwemhuri yedu.”

‘Munguva dzino dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,’ tose tinowana miedzo yakasiyana-siyana. (2 Timoti 3:1) Kufanana naChristine, unogona kuona kuti misangano yeZvapupu zvaJehovha inokosha pakutenda kwako, chinhu chinokosha pakunamata kwaunoita Jehovha. Kazhinji misangano mishanu yeungano yakarongwa vhiki imwe neimwe inoita kuti ude Mwari, inosimbisa tariro yako yeramangwana, uye inokupa mazano anobva muBhaibheri okuti ungakurira sei miedzo.

Zvisinei, vamwe vanoona zvakaoma kupinda misangano nguva dzose. Panopera zuva vanenge vaneta, uye vanganzwa vachiomerwa nokupfeka zvakakodzera kuti vaende kumisangano. Vamwe vanoona kuti nguva dzose nguva yavanofanira kunge vari kubasa ndiyo yavanofanirawo kunge vachipinda misangano. Saka kuti vapinde misangano yose, vangafanira kutambira mari shoma kana kuti vangava pangozi yokupererwa nemabasa avo. Vamwe vangarovha misangano nokuti vanofunga kuti zvimwe zvinhu zvinonyevenutsa muviri zvinogona kuvazorodza zvikuru kupfuura kuwadzana neungano.

Saka zvikonzero zvipi zvinokosha zvinotikurudzira kupinda misangano yechiKristu? Ungaita sei kuti misangano yakadaro ikuzorodze? Kuti tikubatsire kupindura mibvunzo iyi, ngationgororei mashoko aJesu okukoka kwoushamwari ari pana Mateu 11:28-30. Akati: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.”

“Uyai Kwandiri”

Jesu akati: “Uyai kwandiri.” Imwe nzira yokubvuma kukoka kwakadaro ndeyokupinda misangano nguva dzose. Pane chikonzero chakanaka chokuvapo, nokuti pane imwe nguva Jesu akamboti: “Pane vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu, ini ndiripo pakati pavo.”—Mateu 18:20.

Muzana remakore rokutanga, Jesu akakoka vanhu vakasiyana-siyana kuti vamutevere. Saka akavapa mukana wokunyatsoshamwaridzana naye. Vamwe vakabvuma pakarepo. (Mateu 4:18-22) Vamwe vakarega zvinhu zvenyama zvichiita kuti vasabvuma kukokwa kwacho. (Mako 10:21, 22; Ruka 9:57-62) Kune vaya vakamutevera, Jesu akataura mashoko aya anokurudzira okuti: “Hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai.”—Johani 15:16.

Amutswa, Kristu akanga asisiri pamwe chete nevadzidzi vake. Asi akanga achinavo pakuti aitungamirira basa ravo uye aicherechedza kugamuchira kwavaiita zano rake. Somuenzaniso, makore 70 amutswa, Jesu akapa zano ungano nomwe dzokuAsia Minor uye akadzikurudzira. Mashoko ake akaratidza kuti ainyatsoziva unhu hwakanaka hwevanhu vomuungano idzodzo uye aizivawo zvavakanga vasiri kuita zvakanaka.—Zvakazarurwa 2:1–3:22.

Jesu achiri kufarira zvikuru mudzidzi wake mumwe nomumwe. Anovimbisa kuti: “Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu.” (Mateu 28:20) Iye zvino tava kurarama munguva yomugumo, saka tinofanira kubvuma kukokwa kwatinoitwa naJesu kuti timutevere. Neimwe nzira, kuti tiite izvozvo tinofanira kupinda misangano nguva dzose. Jesu anoda kuti timuteerere uye kuti ‘tidzidziswe naye’ nokudzidza mabhuku eBhaibheri uye kuteerera hurukuro dzinogara dzichipiwa pamisangano. (VaEfeso 4:20, 21) Uri kubvuma here kukokwa naJesu paanoti: “Uyai kwandiri”?

“Imi Mose Munoshanda Zvakaoma Uye Makaremerwa”

Zvinokosha kuti tipinde misangano yechiKristu kuti tikurudzirwe. (VaHebheru 10:24, 25) Zvechokwadi vakawanda vedu ‘tinoshanda zvakaoma uye takaremerwa’ munzira dzakasiyana-siyana. Ungave wakaremerwa nezvinhu zvinokudya mwoyo, zvakadai soutano husina kunaka. Pamisangano yechiKristu, tinogona kukurudzirana. (VaRoma 1:11, 12) Somuenzaniso, uchanzwa mhinduro dzinosimbisa kutenda, uchayeuchidzwa nezvetariro yako inobva muBhaibheri, uye uchacherechedza kutenda kwevamwe vari kutsungirira miedzo. Zvose izvi zvinogona kukubatsira kutsungirira uye kuti uone matambudziko ako nenzira yakanaka.

Chimbofunga zvakataurwa nomumwe mukadzi muKristu ane chirwere chisingaperi. Anoti, “Chirwere changu chinoita kuti ndigare muchipatara kwenguva refu. Kuenda kumisangano ndabuda muchipatara kunomboti omei, asi ndinotofanira kuenda. Ushamwari norudo zvehama nehanzvadzi zvinoita kuti ndifarezve, uye kudzidzisa nokutungamirira kwaJehovha naJesu kunoita kuti upenyu hwangu huve nechinangwa.”

“Joko Rangu Nderomutsa Uye Mutoro Wangu Wakareruka”

Ona kuti mundima yatiri kuongorora, Jesu akati: ‘Dzidzai kwandiri.’ Tikadzidza pane zviri kuitwa naJesu, tinova vadzidzi vake, uye tinotakura joko rake patinozvitsaurira kuna Mwari tobhabhatidzwa. (Mateu 28:19, 20) Kugara tiinewo zvatinoita pamisangano kunokosha kana tichida kuramba tiri vadzidzi vaJesu. Nei? Nokuti pamisangano yechiKristu ndipo patinodzidziswa nezvaJesu, zvaaidzidzisa, uye madzidzisiro aaiita.

Kristu anoda kuti titakure mutoro wei? Mutoro wakafanana nowaakatakura iye—ropafadzo yokuita zvinodiwa naMwari. (Johani 4:34; 15:8) Zvinoda kushanda nesimba kuti titeerere mirayiro yaMwari, asi mutoro uyu haunyanyi kurema. Ungaita sounorema kana tikaedza kuutakura tiri toga. Zvisinei, kana tikanyengeterera mudzimu waMwari todya zvokudya zvine chokuita nokunamata zvatinowana pamisangano, Mwari achatipa “simba rinopfuura renguva dzose.” (2 VaKorinde 4:7) Tikagadzirira misangano uye tikavawo nezvatinoita pamisangano yacho, kuda kwatinoita Jehovha kunowedzera zvikuru. Kana tichikurudzirwa norudo, mirayiro yaMwari “hairemi.”—1 Johani 5:3.

Vanhu vakawanda vane matambudziko akadai sokuwana chouviri, zvirwere, uye kugadzirisa zvinovanetsa. Zvisinei, kuti tigadzirise matambudziko aya, hativimbi nouchenjeriwo zvahwo hwevanhu. Misangano yeungano inotibatsira kuti ‘tirege kuzvidya mwoyo,’ nokuti Jehovha anotipa zvatinoda uye anotibatsira kukurira matambudziko. (Mateu 6:25-33) Chokwadi, misangano yechiKristu inoratidza kuti Mwari anotida.

“Ndiri Munyoro Uye Ndine Mwoyo Unozvininipisa”

Shoko raMwari raikurukurwa kusinagogi, uye Jesu aiva netsika yokushanya ikoko. Pane imwe nguva kusinagogi ikoko, Jesu akatora mupumburu waIsaya ndokuverenga kuti: “Mudzimu waJehovha uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka kuvarombo, akandituma kuti ndiparidze kusunungurwa kunhapwa uye kuzoita kuti mapofu aone, kuzoita kuti vakadzvinyirirwa vaende vakasununguka, kuti ndiparidze gore rakakodzera raJehovha.” (Ruka 4:16, 18, 19) Zvaizofadza zvikuru kunzwa Jesu achishandisa mashoko iwayo paakataura kuti: “Nhasi rugwaro urwu rwamuchangobva kunzwa rwazadzika”!—Ruka 4:21.

Jesu, “mufudzi mukuru” uye munyoro, achiri kutarisira kufudzwa kwevateveri vake mune zvokunamata. (1 Petro 5:1-4) Achitungamirirwa naye, “muranda akatendeka, akangwara” akagadza varume kuti vave vafudzi muungano dzeZvapupu zvaJehovha pasi pose. (Mateu 24:45-47; Tito 1:5-9) Varume ava ‘vanofudza ungano yaMwari’ nounyoro uye vanoratidza muenzaniso wakanaka nokugara vachipinda misangano. Unogona kuratidza kuti unoonga “zvipo zviri varume” izvi nokupinda misangano. Kuvapo kwako uye kuvawo nezvaunoita pamisangano iyi kunogona kukurudzira vamwe.—Mabasa 15:30-33; 20:28; VaEfeso 4:8, 11, 12.

“Muchawana Zororo Remweya Yenyu”

Paunopinda misangano yechiKristu, ungava sei nechokwadi chokuti wanyatsozorodzwa? Imwe nzira ndeyokushandisa zano raJesu rinoti: “Chenjererai kuteerera kwamunoita.” (Ruka 8:18) Vanhu vaida kudzidza nomwoyo wose vainyatsoteerera Jesu. Vaimukumbira kuti atsanangure mifananidzo yake uye izvi zvaiita kuti vanyatsonzwisisa.—Mateu 13:10-16.

Unogona kutevedzera vanhu vakadaro vane nzara yezvokunamata nokunyatsoteerera hurukuro dzinopiwa pamisangano yedu. (Mateu 5:3, 6) Kuti pfungwa dzako dzirambe dzakamuka, edza kufambirana nezvinenge zvichitaurwa nomukurukuri. Zvibvunze mibvunzo yakadai seiyi: ‘Ndingashandisa sei mashoko aya muupenyu hwangu? Ndingaashandisa sei kubatsira vamwe? Ndingatsanangura sei pfungwa iyi?’ Uyezve, vhura magwaro anoshandiswa nomukurukuri kutsigira pfungwa huru. Kana ukanyatsochenjerera kuteerera kwaunoita, uchaona kuti misangano ichazorodza zvikuru.

Misangano yapera, kurukura pfungwa dzataurwa papurogiramu yacho nevamwe. Ramba uchifunga nezvemashoko acho uye kuti ungaashandisa sei. Kukurukura zvinokurudzira kunoita kuti misangano izorodze zvikuru.

Zvechokwadi tine zvikonzero zvakanaka zvokuungana. Pashure pokuongorora kubatsira kunoita misangano kuchangobva kukurukurwa, wadii kuzvibvunza kuti, ‘Ndiri kupindura sei kukoka kwaJesu kwokuti: “Uyai kwandiri”?’

[Mifananidzo iri papeji 11]

Mamwe mabasa anovhiringidza kupinda kwaunoita misangano here?