Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unotya Ramangwana Here?

Unotya Ramangwana Here?

Unotya Ramangwana Here?

VANHU vanotya zvinhu zvakasiyana-siyana. Somuenzaniso, vamwe vanotya zvichange zvakaita nyika mune ramangwana. Magazini inonzi Time yomusi waApril 3, 2006 inoti: “Mamiriro okunze munyika yose achinja zvikuru, kwava kupisa zvakanyanyisa, kune madutu, mafashamo, moto, uye chando chakanyanyisa.”

Muna May 2002, Purogiramu Yezvakapoteredza yeUN [United Nations Environment Programme] yakabudisa mushumo waiti “Mushumo Wezvakatipoteredza Munyika Yose [Global Environment Outlook-3].” Vanhu vanopfuura 1 000 vakashandira pamwe kuti vabudise mushumo wacho. Maererano nezvakazotaurwa munhau, waiti: “Nyika yedu yava parumananzombe sezvo zvisungo zviri kuitwa mazuva ano zviri kuparadza masango, nyanza, nzizi, makomo, mhuka nezvimwewo zvinhu zvinotsigira upenyu zviri kutiraramisa iye zvino uye zvichararamisa zvizvarwa zvichauya.”

Zvakaita zvinhu zvakatipoteredza munyika iye zvino zvinokonzera kuti vanhu vazvidye mwoyo. Munyika yose vanhu vari kurarama vachitya kurwiswa nemagandanga. Mutevedzeri womukuru mukuru anoona nezvokushanda kwesangano repamusoro revasori muCanada akati: “Tinoshaya hope tichinetseka nezvokutyisidzira kwatisingazivi kuti kuchaitika rini uye sei.” Chokwadi, kungoona nhau dzemanheru paterevhizheni kungaita kuti munhu azvidye mwoyo!

Vanhu vakuru vakawanda vanoshanda nesimba vanotyira kuti mabasa avo angangopera. Zvigumura, kuvharwa kwemafekitari, makwikwi kumabasa, uye vashandirwi vanonyanya kuda zvakawanda zvingaita kuti kumabasa kuve nzvimbo inotyisa. Vachiri kuyaruka vanotya kuti vezera ravo havazovafariri. Vana vaduku vangatya kuti vabereki vavo havavadi chaizvoizvo. Asi zvakadini nezvakaita zvinhu munyika yavanogara? Vamwe amai vaishushikana vakati, “Vaduku vasina zvakawanda zvavanoziva dzimwe nguva vangatya zvikuru kana vasiri pamba pavo.” Uye vabereki vakawanda vanonetseka kuti kuora kwetsika dzenyika kuri kukanganisa chaizvo vaya vavanoda, kunyanya vana vavo.

Vanhu vakura vanowanzotya kudonha pamasitepisi kana kuti kurwiswa mumugwagwa. Chokwadi, ‘vava kutya zvinhu zvakakwirira, munzira mune zvinovhundutsa.’ (Muparidzi 12:5) Vanotya kurwara zvakaipisisa. Mishumo youtachiona hwedzihwa rinouraya, kenza, uye zvirwere zvinotapuriranwa ingaita kuti titye kubatwa nezvirwere zvitsva uye zvatisingazivi zvingatiremadza kana kutiuraya isu nemhuri yedu. Chokwadi, patinoona vanhu vane utano hwakanaka, vakagwinya vachirwara vova ndonda, zviri nyore kuti tifunge kuti izvozvo zvichaitikawo kwatiri kana kuti kuvanhu vatinoda. Uye zvinosuruvarisa zvikuru kutarira munhu anorwara toona kuti haana tariro zvachose!

Zvatinotya zvinhu zvakasiyana-siyana, tine chikonzero chakanaka chero chipi zvacho here chokuva netariro yeramangwana? Pane chingatibatsira here kuti tirambe tiine tariro yakajeka? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyi.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

© Jeroen Oerlemans/Panos Pictures