Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwana Wangu Anofanira Kuenda Kuchikoro Here?

Mwana Wangu Anofanira Kuenda Kuchikoro Here?

Mwana Wangu Anofanira Kuenda Kuchikoro Here?

UNGAFUNGIDZIRA usingakwanisi kuverenga mashoko ari papeji ino here? Ngatitii wakanga usingakwanisi kutaura mutauro unonyanya kushandiswa pazvinhu zvizhinji munyika yenyu? Tomboti wakanga usingakwanisi kuratidza kumusha kwenyu pamepu yenyika? Vana vasingaverengeki vachakura vakadaro. Ko mwana wako?

Mwana wako anofanira kuenda kuchikoro here? Munyika dzakawanda, dzidzo yokupuraimari nesekondari inomanikidzirwa uye inowanzova yepachena. Dare Rekodzero Yemwana (The Convention on the Rights of the Child) rinoti dzidzo yokuchikoro ikodzero inokosha. Ndozvinoitawo Universal Declaration of Human Rights. Zvisinei, mune dzimwe nyika, dzidzo ingasava yepachena uye ingava mutoro mukuru wezvemari kuvabereki. Ngationgororei nyaya iyi tichifunga nezvevabereki vechiKristu vanoda kuti vana vavo vadzidze, kungava kudzidza kuchikoro kana kuti nedzimwe nzira.

Mienzaniso yeBhaibheri Yokudzidza

Vashumiri vaMwari vakawanda vanotaurwa muBhaibheri vaigona kuverenga nokunyora. Vaapostora vaJesu Petro naJohani vaiva vabati vehove vechiJudha asi vakanyora mabhuku eBhaibheri muchiGiriki, kwete mumutauro wokuGarireya. * Zviri pachena kuti vabereki vavo vakava nechokwadi chokuti vana vavo vamboenda kuchikoro. Vamwe vanyori veBhaibheri vakadaro vanosanganisira mufudzi Dhavhidhi, murimi Amosi, uye munun’una waJesu Judha, uyo zvimwe aiva muvezi.

Jobho aigona kuverenga nokunyora, uye bhuku reBhaibheri rine zita rake rinoratidza kuti ainzwisisa sayenzi. Angava aivawo nemano okunyora rondedzero, nokuti mashoko ake ari mubhuku raJobho akanyorwa senhetembo. Uye tinoziva kuti vaKristu vepakuvamba vaigona kuverenga nokuti zvimwe zvezvavainyora zveMagwaro zvakawanikwa pazvaenga zvehari.

Dzidzo Inokosha kuvaKristu

VaKristu vose vanofanira kufambira mberi pazivo yeBhaibheri kana vachizofadza Mwari (VaFiripi 1:9-11; 1 VaTesaronika 4:1) Kushingairira kushandisa Magwaro nezvinoyamura kudzidza Bhaibheri kungasimudzira kufambira mberi mune zvokunamata. Sezvo Mwari akagovera Shoko rake rakanyorwa, anotarisira vanamati vake kuti vakwanise kuverenga kana zvichibvira. Kuverenga Bhaibheri uchinzwisisa kunoita kuti zvive nyore kushandisa mazano aro. Chokwadi, tingaverenga zvikamu zvaro kanodarika kamwe kuti tinzwisise pfungwa dzacho ndokukwanisa kudzifungisisa.—Pisarema 119:104; 143:5; Zvirevo 4:7.

Gore roga roga, vanhu vaJehovha vanowana mazana emapeji emabhuku akanyorwa anobatsira akagadzirwa pasi penhungamiro yo“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45-47) Mabhuku akadaro anotaura nezvoupenyu hwemhuri, tsika, chitendero, sayenzi, uye dzimwe nhau dzakawanda. Zvinotokosha zvikuru, ane mazano eMagwaro panhau dzezvokunamata. Kana vana vako vasingakwanisi kuverenga, vachatadza kuwana mashoko akawanda anokosha.

Kudzidza nhau dzakaitika kare dzevanhu kunokosha nokuti kunotibatsira kunzwisisa chikonzero nei Umambo hwaMwari huchidiwa. Zivo inokosha yejogirafi inodiwawo. Bhaibheri rinotaura nezvenzvimbo dzakawanda dzakadai seIsraeri, Ijipiti, neGirisi. Mwana wako anoziva padziri pamepu yenyika here? Anoziva pane nyika yake chaiyo here? Kusakwanisa kuverenga mepu kungatoderedza mano omunhu okuita ushumiri hwake munzvimbo yakagoverwa.—2 Timoti 4:5.

Ropafadzo Muungano

Vakuru vechiKristu nevashumiri vanoshumira vane mitoro yakawanda inoda kuverenga. Somuenzaniso, pane hurukuro dzemisangano yeungano dzinoda kugadzirirwa. Vanofanira kuchengeta zvinyorwa zvemabhuku nemipiro. Kana asina kumboenda kuchikoro, munhu angaona zvakaoma zvikuru kuita mabasa aya zvakanaka.

Vashandi vakazvipira vanoshanda mumisha yeBheteri pasi pose. Kuti vataurirane zvakanaka uye kuti vaite mabasa avo, akadai sokushandura mabhuku uye kugadzirisa michina, vanofanira kukwanisa kuverenga nokunyora mumutauro unonyanya kushandiswa pazvinhu zvizhinji munyika yavanogara. Kana vana vako vachizova neropafadzo dzakaita seidzi, vanofanira kumboenda kuchikoro. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinobatsira zvokuti mwana wako aende kuchikoro?

Urombo uye Kutenda Mashura

Vanhu vanorarama muurombo vanomboita sevapererwa pane mamwe mamiriro ezvinhu. Zvisinei, mune zvimwe zvinoitika, dzidzo yakaringana ingabatsira isu nevana vedu kudzivisa kutambura kusingadiwi. Vanhu vazhinji vasina kudzidza vanoomerwa noupenyu. Vana uye kunyange vabereki dzimwe nguva vanofa nemhaka yokuti mari shomanana yavanowana haikwani kuti varapwe. Vanhu vakadzidza zvishoma kana kuti vasina kudzidza kazhinji vanoshaya zvokudya zvinovaka muviri uye vane dzimba dzisina kutsarukana. Dzidzo kana kuti kukwanisa kuverenga nokunyora zvingabatsira mune izvi.

Kudzidza kunoderedza pfungwa yokutenda mashura. Ichokwadi kuti, kutenda mashura kwakapararira pavanhu vakadzidza nevasina kudzidza. Asi vaya vasina kudzidza vanganyengedzwa zviri nyore uye vobiridzirwa kudarika vamwe, sezvo vasingakwanisi kuverenga zvinhu zvinofumura unyengeri hwakadaro. Saka, vanoita sevanonyanya kutenda mashura uye sevanodavira kuti murapi anoita zvemidzimu angaita zvishamiso pakurapa.—Dheuteronomio 18:10-12; Zvakazarurwa 21:8.

Dzidzo Haisi Yokuti Ungowana Basa

Vakawanda vanofunga kuti chinangwa chikuru chokudzidza ndechokuwana mari. Asi, vamwe vanhu vakadzidza havashandi kana kuti havatambiri mari yakakwana yokuti vawane zvinhu zvinokosha. Naizvozvo vamwe vabereki vangafunga kuti hazvibatsiri kuendesa mwana kuchikoro. Asi kudzidza hakungoiti kuti mumwe munhu azove nemari chete, kunoshongedzera vana upenyu hwenguva dzose. (Muparidzi 7:12) Kana munhu achigona kutaura, kuverenga, uye kunyora mutauro unonyanya kushandiswa pazvinhu zvizhinji munyika yaanogara, kutaura navanachiremba, zviremera zvehurumende, kana kuti vashandi vomubhengi kunova nyore, kungatojairika, pane kutyisa.

Mune dzimwe nzvimbo, vana vasina kudzidza vangachengeteswa mumwe munhu kuti vadzidzire basa rokuvaka, kubata hove, kusona, kana kuti mamwe mabasa. Kudzidzira basa chinhu chakanaka, asi kana vana ava vasina kumbopinda chikoro, zvimwe havazozivi kuverenga nokunyora zvakarurama. Hapana mubvunzo kuti vaisazobiridzirwa uye vaizova noupenyu hunogutsa zvikuru kudai vakatanga kumboenda kuchikoro ndokuzodzidzira basa.

Jesu weNazareta aiva muvezi uye zviri pachena kuti akadzidziswa kuita basa nababa vake vokurera, Josefa. (Mateu 13:55; Mako 6:3) Jesu akanga akadzidzawo, nokuti kunyange paaiva nemakore 12, aikwanisa kukurukurirana zvine musoro nevanhu vakadzidza vaiva patemberi. (Ruka 2:46, 47) Kuna Jesu, kudzidzira basa hakuna kuvhiringidza mamwe marudzi edzidzo.

Vanasikana Vanofanira Kudzidziswawo Here?

Dzimwe nguva vabereki vanoendesa vanakomana vavo kuchikoro asi kwete vanasikana. Zvichida vamwe vabereki vanofunga kuti zvinodhura zvikuru kudzidzisa vanasikana vavo uye vanofunga kuti vasikana vanogona kubatsira amai vavo nokuramba vari pamba zuva rose. Asi kusadzidza kuchaita kuti mwanasikana aomerwe. Rimwe Bhuku reUnited Nations Children’s Fund (UNICEF) rinoti: “Kuongorora kwakawanda kwakaratidza kuti kudzidzisa vasikana ndechimwe chezvirongwa zvakanakisisa zvokubvisa urombo.” (Poverty and Children: Lessons of the 90s for Least Developed Countries) Vasikana vakadzidza vanotarisana zviri nani nezvinetso zvoupenyu uye vanoita zvisarudzo zvokuchenjera, nokudaro vachibatsira vose vari mumhuri.

Kuongorora kufa kwevacheche muBenin, West Africa, kwakaratidza kuti vanaamai vasina kudzidza seboka vanofirwa nevana vari pasi pemakore mashanu pamwero we167 pavana 1 000, nepo vakadzi vane dzidzo yesekondari vanofirwa ne38. UNICEF inogumisa ichiti: “Nokudaro mwero wedzidzo ndiwo unotema mwero wokufa kwevacheche muBenin, sezvazviri pasi pose.” Saka, kudzidzisa vanasikana vako kungabatsira munzira dzakasiyana-siyana.

Makirasi Okudzidza Kuverenga Nokunyora Akakwana Here?

Zvapupu zvaJehovha zvinoita makirasi okudzidza kuverenga nokunyora enhengo dzeungano dzisingagoni kuverenga, kana achidiwa. * Urongwa hunobatsira uhwu hunoyamura vanhu kudzidza kuverenga, kazhinji mumutauro womunharaunda yavo. Izvi zvinotsiva dzidzo yokuchikoro here? Ungano inofanira kutarisirwa kudzidzisa vana vako kunyange kana zvimwe zvikoro zviripo here?

Kunyange zvazvo makirasi okudzidza kuverenga nokunyora ari urongwa hwomutsa hunoitwa neungano dzeZvapupu zvaJehovha, anoitirwa vanhu vakura vasina kumboenda kuchikoro pavaiva vana. Zvichida, vabereki vavo vakanga vasingazivi kukosha kwedzidzo, kana kuti kwakanga kusina zvikoro. Vanhu vakadaro vangabatsirwa kupinda makirasi aya anoitwa muungano. Asi iwaya haatsivi kuenda kuchikoro uye haana kurongerwa kupa dzidzo yepuraimari. Zvidzidzo zvakadai sesayenzi, masvomhu, nenhau dzakaitika kare hazvidzidziswi mumakirasi aya. Zvisinei, izvi zvingadzidzwa pane zvinodzidzwa kuchikoro chenguva dzose.

MuAfrica, makirasi okudzidza kuverenga nokunyora kazhinji anoitiswa mumitauro yeimomo kwete mumutauro unonyanya kushandiswa pazvinhu zvizhinji munyika. Kunyange zvakadaro, dzidzo yokuchikoro inowanzoitiswa mumutauro unonyanya kushandiswa pazvinhu zvizhinji. Izvi zvinowedzera kubatsira vana nokuti mabhuku akawanda uye zvimwe zvokuverenga zvakasiyana-siyana zvinowanikwa mumutauro unonyanya kushandiswa pazvinhu zvizhinji. Kunyange zvazvo makirasi eungano okudzidza kuverenga nokunyora angawedzera dzidzo yomwana yokuchikoro, haagoni kuitsiva. Saka, kana zvichiita, vana havafaniri kuendeswa kuchikoro here?

Basa Revabereki

Varume vanotungamirira kugovera zvinodiwa pakunamata muungano vanofanira kuva vaKristu vane muenzaniso wakanaka. Vanofanira kutungamirira dzimba dzavo nevana “zvakanaka kwazvo.” (1 Timoti 3:4, 12) Kutungamirira “zvakanaka kwazvo” kungasanganisira kuita zvose zvinobvira kubatsira vana vedu kuti zvisavaomera mune remangwana.

Mwari akapa vabereki vechiKristu basa guru. Vanofanira kurera vana vavo maererano neShoko rake ndokuvabatsira kuva ‘vanhu vanoda zivo.’ (Zvirevo 12:1; 22:6; VaEfeso 6:4) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvechokwadi kana munhu asingagoveri avo vari vokwake, zvikurukuru avo vari mitezo yeimba yake, aramba kutenda uye akaipa zvikuru kupfuura munhu asina kutenda.” (1 Timoti 5:8) Vana vedu vanofanirawo kupiwa dzidzo yakakodzera.

Dzimwe nguva chikoro chingasakwanisa kupa dzidzo yakatsarukana nemhaka yokuwandisa kwevana, kushaya mari, kana kuti zvichida vadzidzisi vasingafari, vanobhadharwa mari shoma. Naizvozvo, zvinokosha kuti vabereki vafarire zvikuru zviri kudzidzwa nevana vavo kuchikoro. Zvakanaka kuzivana nevadzidzisi vavo, zvikurukuru pakutanga kwetemu imwe neimwe, kunyange kukumbira mazano avo pakuti vana vangave vadzidzi vari nani sei. Naizvozvo vadzidzisi vanganzwa vakosheswa vobva vakurudzirwa kuita zvose zvavanogona kudzidzisa vana vacho.

Dzidzo ndechimwe chezvinhu zvinokosha mukukura kwomwana. “Vakachenjera vanozvichengetera zivo,” inodaro Zvirevo 10:14. Zvikurukuru izvi ndezvechokwadi nezvezivo yeBhaibheri. Vanhu vaJehovha—vose vaduku nevakuru—vanofanira kuva nezivo kana zvichibvira kuti vabatsire vamwe mune zvokunamata uye ‘kuti varatidze kuti vanotenderwa naMwari vasina chokunyara nacho, vachibata shoko rechokwadi zvakarurama.’ (2 Timoti 2:15; 1 Timoti 4:15) Saka vana vako vanofanira kuenda kuchikoro here? Hapana mubvunzo kuti uchagumisa kuti vanofanira, kunyange zvakawanda zvichabva pane zvinoshanda munyika yako. Asi vabereki vechiKristu vanofanira kupindura mubvunzo uyu unokosha zvikuru wokuti, ‘Vana vangu vanofanira kudzidza here?’ Pasinei nokuti unogara kupi, haubvumi here kuti mhinduro yacho inofanira kuva hungu akasimba?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Rurimi rwaamai vavo rungangova rwaiva rwokuGarireya rwechiAramaic kana kuti mutauro wakada kufanana nechiHebheru. Ona Vhoriyamu 1, pamapeji 144-6, eInsight on the Scriptures, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 25 Ona Mukai! yaJanuary 8, 2001, mapeji 25-27.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 12, 13]

KANA ZVISINGABVIRI KUENDA KUCHIKORO

Hazvibviri kuenda kuchikoro mune mamwe mamiriro ezvinhu. Somuenzaniso, magazini inonzi Refugees yakashuma kuti mwana mumwe pavashanu voga voga vakakodzera kuenda kuchikoro mumisasa yevapoteri ndiye anoenda. Mune zvimwe zviitiko, kuramwa basa kunoita kuti zvikoro zvomunharaunda yacho zvivharwe kwenguva yakareba. Zvikoro zvingava kure zvikuru kana kuti zvingasavako kune dzimwe nzvimbo. Kutambudzwa kwevaKristu kunogumawo nokudzingwa kwevana kuchikoro.

Ungabatsira sei vana vako mumamiriro ezvinhu akadai? Ungaitei kana uine vana vanoverengeka uye uchigara munzvimbo umo mari inoita kuti vose vasakwanisa kuenda kuchikoro? Ungakwanisa kuendesa kuchikoro mumwe kana vaviri vevana vako pasina kuvakanganisa mune zvokunamata here? Kana zvakadaro, vangakwanisa kukubatsira kudzidzisa vamwe vana vako zvavari kudzidza kuchikoro.

Dzimwe nyika dzine inonzi dzidzo inoitirwa kumba. * Muurongwa uhwu, mumwe wevabereki vacho anowanzopedza maawa mashoma achidzidzisa mwana zuva rimwe nerimwe. Munguva yemadzitateguru, vabereki vaibudirira zvikuru mukudzidzisa vana vavo. Zviri pachena kuti nemhaka yokudzidzisa vana kwakanaka kwaiitwa nevabereki, Josefa mwanakomana waJakobho akava nounyanzvi hwokutarisira achiri muduku.

Kudzidza kwakarongwa, kana kuti purogiramu yokudzidzisa, ingava yakaoma kuwana munzvimbo dzakaita somumusasa wevapoteri, asi vabereki vangakwanisa kushandisa mabhuku anobudiswa neZvapupu zvaJehovha kuwana mirayiridzo. Somuenzaniso, Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri ringabatsira kudzidzisa vana vaduku. Magazini yeMukai! ine nyaya dzezvidzidzo zvakawanda. Bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? ringashandiswa kudzidzisa zvidzidzo zvesayenzi. Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha rine mepu duku yenyika uye rinotaura nezvoupenyu uye mabasa okuparidza munyika dzakasiyana-siyana.

Pane zvakanaka zvikuru zvingaitwa kana mirayiridzo yacho ikanyatsogadzirirwa zvinoenderana nokunzwisisa kwevana vacho. Kana vakaramba vachiverenga uye vachidzidza, zvichava nyore pavanozoenda kuchikoro kana chikavapo. Ukaronga ndokuzviedza, unogona kubatsira vana vako kuva vakanyatsodzidza. Izvozvo zvingava nomubayiro mukuru!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 40 Ona nyaya inoti “Home Schooling—Is It for You?” iri muMukai! yechiRungu yaApril 8, 1993, mapeji 9-12.

[Mufananidzo]

Chii chingaitwa kana uchigara munzvimbo yokuti vana vako havakwanisi kuenda kuchikoro?