Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mufaro Wechokwadi Unobva Parudo Rwakaita Sei?

Mufaro Wechokwadi Unobva Parudo Rwakaita Sei?

“Vanofara vanhu avo Mwari wavo ari Jehovha!”—PIS. 144:15.

NZIYO: 111, 109

1. Nei nguva yatiri kurarama yakasiyana chaizvo neimwe yese?

TIRI kurarama panguva yakasiyana chaizvo neimwe yese munhoroondo yevanhu. Sezvakagara zvataurwa neBhaibheri, Jehovha ari kuunganidza “boka guru revanhu . . . vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” Vaya vari kuunganidzwa vanoumba “rudzi rune simba” rwevanhu vanopfuura mamiriyoni 8 vanofara avo “vari [kuitira Mwari] basa dzvene masikati nousiku.” (Zvak. 7:9, 15; Isa. 60:22) Hazvisati zvamboitika kuti pave nevanhu vakawanda kudaro vanoda Mwari uyewo vamwe vanhu.

2. Vanhu vasingadi Mwari vane rudo rwakaita sei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

2 Asi Bhaibheri rakagarawo rataura kuti munguva yedu vanhu vasingadi Mwari vaizoratidza rudo rune udyire. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mumazuva okupedzisira .  . . . vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, . . , vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.” (2 Tim. 3:1-4) Rudo rwakadaro rwakasiyana chaizvo nerunoratidzwa nevaKristu. Vanhu vane zvinangwa zveudyire havawani mufaro wavanotarisira. Rudo irworwo runoita kuti nyika ive neudyire uye ive ‘yakaoma kubata nayo.’

3. Chii chatichaongorora munyaya ino, uye nei?

3 Pauro akaona kuti rudo rune udyire rwainge rwakaparira rwaigona kukanganisa vaKristu. Saka akatiyambira kuti ‘tisiyane’ nevaya vanoratidza rudo rusiri irwo. (2 Tim. 3:5) Zvisinei, hatikwanisi kudzivisa zvachose kutaura nevanhu vakadaro. Saka tingaita sei kuti tizvidzivirire pamafungiro evanhu venyika vakatipoteredza tofadza Jehovha, Mwari ane rudo? Ngationei musiyano uri pakati perudo rwatinonzi tive narwo naMwari nerudo runotaurwa pana 2 Timoti 3:2-4. Kuita izvozvo kuchatibatsira kuti tizviongorore toona kuti tingaratidza sei rudo ruchaita kuti tigutsikane uye tifare zvechokwadi.

KUDA MWARI HERE KANA KUTI KUZVIDA?

4. Nei zvisina kuipa kuti munhu azvide zvine mwero?

4 “Vanhu vachava vanozvida,” akanyora kudaro Pauro. Kuzvida kwakaipa here? Aiwa, hakuna kuipa, uye zvinotokosha kuti munhu azvide zvakakodzera. Ndiwo masikirwo atakaitwa naJehovha. Jesu akati: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mako 12:31) Hatikwanisi kuda muvakidzani wedu kana isu tisingazvidi. Tinoverengawo muMagwaro kuti: “Varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo. Anoda mudzimai wake anozvida, nokuti hapana murume akambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoitarisira.” (VaEf. 5:28, 29) Saka kuzvida zvakakodzera hakuna kuipa.

5. Ungarondedzera sei vaya vanozvida zvakanyanyisa?

5 Kuzvida kunotaurwa pana 2 Timoti 3:2 handiko kwatakasikwa tiinako. Irworwo rudo rune udyire. Vanhu vanozvida zvakanyanyisa vanozvifunga kupfuura zvavanofanira kuita. (Verenga VaRoma 12:3.) Vanonyanya kuzvikoshesa ivo pachavo. Havana hanya nevamwe. Kana zvinhu zvikaipa, vanowanzopomera vamwe pane kubvuma zvavanenge vakanganisa. Vanhu ivavo havana mufaro wechokwadi.

6. Zvii zvakanaka zvinobva pakuda Mwari?

6 Vamwe vanoongorora Bhaibheri vanoti Pauro akatanga kutaura nezvekuzvida nekuti kunoita kuti humwe unhu hwakaipa hwaanozotaura huvepo. Asi vanhu vanoda Mwari vanoratidza unhu hwakasiyana naihwohwo. Bhaibheri rinobatanidza kuda Mwari nemufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, kunaka, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora. (VaG. 5:22, 23) Munyori wemapisarema akanyora kuti: “Vanofara vanhu avo Mwari wavo ari Jehovha!” (Pis. 144:15) Jehovha ndiMwari anofara, uye vanhu vake vanofarawo. Kusiyana nevaya vanozvida uye vanongofunga kuti vangawanei, vashumiri vaJehovha vanowana mufaro kubva pakupa vamwe.—Mab. 20:35.

Tingadzivisa sei kuzvida, kuda mari, kana kuda mafaro? (Ona ndima 7)

7. Mibvunzo ipi ichatibatsira kuti tiongorore kuda kwatinoita Mwari?

7 Tingaziva sei kana kuda kwatinoita Mwari kuri kupfuurwa nekuzvida kwatinoita? Funga zano ratinowana pana VaFiripi 2:3, 4 rekuti: “[Musaita] chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvininipisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri, musingarambi muchiva nehanya nezvinhu zvamunoda imi pachenyu, asi muchiva nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.” Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoshandisa here zano iroro muupenyu hwangu? Ndiri kuedza kuita kuda kwaMwari here? Ndinobatsira vamwe here muungano uye muushumiri?’ Hazvisi nyore kuti nguva dzese tipe nguva yedu nesimba redu. Zvinoda kushanda nesimba uye kuzvipira. Asi hapana chimwe chingaita kuti tifare kupfuura kuziva kuti Changamire wezvinhu zvese anotifarira.

8. Kuda Mwari kwakaita kuti vamwe vaite sei?

8 Kuda Mwari kwakaita kuti vamwe varege kuita zvimwe zvinhu zvaigona kuvapa mari yakawanda vachiitira kuti vanyatsoshumira Jehovha. Ericka, uyo anogara kuUnited States, anoshanda sachiremba. Pane kuti afambire mberi pane zvekurapa, akava piyona wenguva dzose uye ashumira munyika dzakawanda pamwe chete nemurume wake. Anoti: “Zvakawanda zvatakasangana nazvo pakubatsira mundima yemumwe mutauro uye shamwari dzatakawana, zvavandudza upenyu hwedu. Ndichiri chiremba asi ndinonyanya kushandisa nguva nesimba rangu pakudzidzisa vanhu nezvaJehovha uye pakubatsira hama nehanzvadzi muungano uye izvozvo zvinondipa mufaro wechokwadi nekugutsikana.”

TIRI KUUNGANIDZA PFUMA KUDENGA HERE KANA KUTI PANYIKA?

9. Nei kuda mari kusingaiti kuti munhu awane mufaro?

9 Pauro akanyora kuti vanhu vaizova “vanoda mari.” Makore apfuura, mumwe piyona akaudza mumwe murume muIreland nezvaMwari. Murume wacho akatora chikwama chake, akabudisa mari yepepa, ndokutaura achidada kuti, “Uyu ndiye mwari wangu!” Kunyange zvazvo vakawanda vasingabudi pachena kudaro nezvenyaya yacho, nyika yakazara nevanhu vanoda mari nezvainotenga. Asi Bhaibheri rinoyambira kuti: “Munhu anoda sirivha haazogutswi nesirivha, uyewo munhu anoda pfuma haazogutswi nemari inowanikwa.” (Mup. 5:10) Vanhu vakadaro vachagara vachingoda mari yakawanda uye pavanoedza chaizvo kuiunganidza, vanova ‘nekurwadziwa kuzhinji.’—1 Tim. 6:9, 10

10. Bhaibheri rinotii nezveupfumi uye urombo?

10 Mari inokosha kwatiri tese. Ine painotidzivirira. (Mup. 7:12) Asi munhu anganyatsofara here kana aine nemari inongokwana kutenga zvinhu zvinodiwa pakurarama? Hongu. (Verenga Muparidzi 5:12.) Aguri mwanakomana waJake, akanyora kuti: “Musandipa urombo kana upfumi. Regai ndidye zvokudya zvakandikwanira.” Zviri nyore kunzwisisa chikonzero chake chekusada kuva murombo zvakanyanya. Sezvaakazotaura, aisada kuva pamuedzo wekuba nekuti izvozvo zvaizoita kuti Mwari azvidzwe. Asi nei akanyengetera achikumbira kuti asava mupfumi? Akanyora kuti: “Kuti ndirege kuguta ndikazokurambai ndichiti: ‘Jehovha ndianiko?’” (Zvir. 30:8, 9) Zvimwe unogona kufunga nezvevanhu vanovimba neupfumi hwavo pane kuvimba naMwari.

11. Jesu akapa zano ripi panyaya yemari?

11 Vaya vanoda mari havagoni kufadza Mwari. Jesu akati: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe achavenga mumwe oda mumwe wacho, kana kuti achaomerera kune mumwe ozvidza mumwe wacho. Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.” Asati ataura izvozvo, akanga ati: “Regai kuzviunganidzira pfuma panyika, pane chitemamachira nengura zvinodya, uye pane mbavha dzinopaza dzoba. Asi, zviunganidzirei pfuma kudenga, kusina chitemamachira kana ngura zvinodya, uye kusina mbavha dzinopaza dzoba.”—Mat. 6:19, 20, 24.

12. Upenyu husina twakawandawanda hungabatsira sei kuti zvive nyore kushumira Mwari? Taura muenzaniso.

12 Vakawanda vakaona kuti kurarama upenyu husina twakawandawanda kunoita kuti vawedzere kufara uyewo kunovapa nguva yakawanda yekushumira Jehovha. Jack, uyo anogara kuUnited States, akatengesa imba yake yakakura uye bhizinesi rake nekuti aiziva kuti akadaro aizokwanisa kupayona nemudzimai wake. Anoti: “Zvainge zvakaoma kutengesa imba yedu yakanaka. Asi, kwemakore, ndaidzoka kumba ndisingafari nemhaka yezvainetsa kubasa. Mudzimai wangu, uyo anopayona, aigara achifara chaizvo. Aiwanzoti, ‘Ndina bhosi akanaka kupfuura vese!’ Iye zvino zvandava kupayonawo, tese tiri kushandira Munhu mumwe chete, Jehovha.”

Tingadzivisa sei kuzvida, kuda mari, kana kuda mafaro? (Ona ndima 13)

13. Tingaongorora sei maonero atinoita mari?

13 Kuti tiongorore maonero atinoita mari, tinofanira kunyatsofunga kuti tingapindura sei mibvunzo iyi: ‘Mararamiro andinoita anoratidza here kuti ndinonyatsotenda zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yemari? Kutsvaga mari ndiko kuri pekutanga here muupenyu hwangu? Ndinokoshesa pfuma kupfuura ushamwari hwangu naJehovha uye nevanhu here? Ndinonyatsovimba naJehovha here kuti achandipa zvinhu zvinokosha pakurarama?’ Tinogona kuva nechokwadi chekuti haazombofi akabatisa dombo vaya vanovimba naye.—Mat. 6:33.

KUTSVAGA JEHOVHA HERE KANA KUTI MAFARO?

14. Ndeapi maonero akanaka panyaya yemafaro?

14 Sezvakafanotaurwa, vanhu vakawanda mazuva ano “vanoda mafaro.” Sezvo pasina chakaipa pakuva pakati nepakati pamaonero atinozviita uye atinoita mari, hapana chakaipa nekuva pakati nepakati pamaonero atinoita mafaro. Jehovha haadi hake kuti tibve tarega zvachose kuzvivaraidza nezvinhu zvakanaka zvinoita kuti tifare. Bhaibheri rinokurudzira vakatendeka kuti: “Enda, udye zvokudya zvako uchifara, unwe waini yako nomwoyo unofara.”—Mup. 9:7.

15. Mafaro erudzii anotaurwa pana 2 Timoti 3:4?

15 Rugwaro rwa2 Timoti 3:4 runotaura nezvevaya vanoda mafaro asi vasingadi Mwari. Ona kuti vhesi yacho haitauri kuti vanhu vaizoda mafaro kupfuura Mwari sezvinonzi vaizombomuda. Inoti ‘panzvimbo paMwari.’ Mumwe muongorori akanyora kuti: “[Vhesi] iyi hairevi kuti vanotombodawo Mwari. Inoreva kuti havatombodi Mwari.” Iyoyo iyambiro yakasimba kune vaya vanonyanya kuda mafaro. Mashoko ekuti “vanoda mafaro” anorondedzera vaya ‘vanotsauswa nemafaro eupenyu huno.’—Ruka 8:14.

16, 17. Jesu akaratidza muenzaniso upi panyaya yemafaro?

16 Jesu akatiratidza zvazvinoreva kuva nemaonero akanyatsonaka panyaya yemafaro. Akaenda ‘kumutambo wemuchato’ uye ‘kumutambo mukuru wekumugamuchira.’ (Joh. 2:1-10; Ruka 5:29) Pamuchato wacho akaita chishamiso chekuchinja mvura kuva waini, iyo yakanga yapera. Uye pane imwe nguva, akaramba maonero evaya vaizviita vakarurama avo vakamupikisa panyaya yekudya nekunwa.—Ruka 7:33-36.

17 Asi mafaro handiwo ainyanya kukosha muupenyu hwaJesu. Akaisa Jehovha pekutanga uye akashanda nesimba achiitira vamwe zvakanaka. Akatsungirira rufu runorwadza padanda rekutambudzikira kuitira kuti vakawanda vave neupenyu. Achitaura nevaya vaimutevera, Jesu akati: “Munofara imi kana vanhu vachikuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema zvinhu zvakaipa zvemarudzi ose nokuda kwangu. Farai musvetuke nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kumatenga; nokuti vakatambudza vaprofita vakakutangirai saizvozvo.”—Mat. 5:11, 12.

Tingadzivisa sei kuzvida, kuda mari, kana kuda mafaro? (Ona ndima 18)

18. Mibvunzo ipi ichatibatsira kuongorora madiro atinoita mafaro?

18 Tingaongorora sei madiro atinoita mafaro? Tingaita zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndinonyanya kukoshesa kuzvivaraidza kupfuura misangano neushumiri here? Ndakagadzirira kurega zvimwe zvinhu zvandinofarira here nekuti ndinoda kushumira Mwari? Pakutsvaga zvinhu zvinoita kuti ndifare, ndinofunga here kuti Jehovha anoona sei zvandinosarudza?’ Kana tichida Mwari zvechokwadi, tichangwarira kuti tidzivise zvinhu zvatinoziva kuti zvinomugumbura uyewo zvinhu zvatinofungidzira kuti zvingamugumbura.—Verenga Mateu 22:37, 38.

ZVATINGAITA KUTI TIFARE

19. Ndivanaani vasingafi vakawana mufaro wechokwadi?

19 Pava nemakore anenge 6 000 vanhu vachitambura, uye nyika yaSatani yava kuguma. Nyika yakazara nevanhu vanonyanya kuzvida, kuda mari uye kuda mafaro. Vanongofunga kuti vangawanei uye vanokoshesa zvido zvavo muupenyu. Vanhu vakadaro havafi vakawana mufaro wechokwadi. Panzvimbo pezvo, Bhaibheri rinoti: “Anofara munhu anobatsirwa naMwari waJakobho, anotarira kuna Jehovha Mwari wake.”—Pis. 146:5.

20. Kuda Mwari kwakakubatsira sei kuva nemufaro?

20 Vashumiri vaJehovha vanomuda chaizvo. Gore negore, vanhu vakawanda vanosvika pakumuziva uyewo pakumuda. Izvi zvinoratidza kuti Umambo hwaMwari huri kutonga uye pasina nguva huchaita kuti panyika pave nemakomborero atisingakwanisi kufungidzira. Mufaro wechokwadi unobva pakuita zvinodiwa naMwari, pakuziva kuti tiri kumufadza. Uye vaya vanoda Jehovha vachafara nekusingaperi! Munyaya inotevera tichaona humwe unhu hunokonzerwa nerudo rune udyire, toona kuti hwakasiyana sei neunhu hwevashumiri vaJehovha.