Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chingatibatsira Kuva Neramangwana Rakanaka?

Chii Chingatibatsira Kuva Neramangwana Rakanaka?

Munyaya dzapfuura taona kuti vanhu vanofunga kuti zvinhu zvakadai semhanza yakanaka, dzidzo, mari uyewo kuva munhu akanaka ndizvo zvichaita kuti vave neramangwana rakanaka. Kuedza kuita zvinhu izvi uchifunga kuti ndizvo zvichaita kuti uve neramangwana rakanaka zvakangofanana nekuenda kunzvimbo yausingazivi uchishandisa mepu isiri iyo. Izvi zvinoreva here kuti hapana chinhu chinogona kutibatsira kuti tive neramangwana rakanaka? Aiwa.

KWATINOWANA MAZANO ANOSHANDA

Patinoita zvisarudzo, kazhinji tinobvunza mazano kubva kune munhu akura kana kuti akachenjera kutipfuura. Saizvozvowo tinogona kuwana mazano anoshanda ekuti tingava sei neramangwana rakanaka kubva kumunhu mukuru uye akachenjera kutipfuura. Tinoverenga mazano ake muBhaibheri iro rakatanga kunyorwa makore 3 500 apfuura.

Nei tichikwanisa kuvimba neBhaibheri? Nekuti rakanyorwa nemunhu mukuru uye akachenjera kupfuura vamwe vanhu vese pasi nekudenga. Anonzi “Wemazuva Mazhinji” uye agara aripo “kubvira nariini kusvika nariini.” (Dhanieri 7:9; Pisarema 90:2) Ndiye “Musiki wedenga, Mwari wechokwadi, Muumbi wenyika.” (Isaya 45:18) Anotiudza kuti zita rake ndiJehovha.—Pisarema 83:18.

Sezvo Bhaibheri rakanyorwa neMusiki wevanhu vese, haritauri kuti rumwe rudzi ruri nani pane rumwe. Mazano aro anoshanda nguva dzese uye akabatsira vanhu vakawanda pasi rese. Rinowanika mumitauro yakawanda uye rakaparadzirwa kupfuura mamwe mabhuku ese. * Izvi zvinoreva kuti vanhu pasi rese vanogona kurinzwisisa zviri nyore uye kubatsirwa nemazano aro. Zvinhu izvi zvinotsigirwa nezvinotaurwa neBhaibheri parinoti:

“Mwari haasaruri, asi anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.”—MABASA 10:34, 35.

Sezvinongoitwa nevabereki vane rudo vanobatsira vana vavo, Jehovha Mwari ndiBaba vane rudo uye anotibatsira achishandisa Shoko rake Bhaibheri. (2 Timoti 3:16) Unogona kuvimba neShoko rake nekuti ndiye akatisika uye anonyatsoziva zvinoita kuti tive nemufaro.

Unofanira kuitei kuti uve neramangwana rakadaro? Verenga nyaya inotevera.

^ ndima 6 Kuti unzwe nezvekushandurwa uye kuparadzirwa kwakaitwa Bhaibheri, enda pawww.jw.org wobaya pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > NHOROONDO DZEKARE UYE BHAIBHERI.

^ ndima 16 Kuti uzive zvimwe verenga chitsauko 9 chebhuku rinonzi Bhaibheri iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Rinowanikawo pawww.jw.org. Enda pakanzi RAIBHURARI > MABHUKU UYE MABHUROCHA.