Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kungova Munhu Akanaka Kuchaita Kuti Uve Neramangwana Rakanaka Here?

Kungova Munhu Akanaka Kuchaita Kuti Uve Neramangwana Rakanaka Here?

Kwemakore akawanda, vanhu vaifunga kuti kuva munhu ane tsika dzakanaka kwaizoita kuti vave neramangwana rakanaka. Semuenzaniso, vanhu vakawanda muAsia vaibvumirana nemashoko akataurwa nemumwe mudzidzisi akakurumbira ainzi Confucius uyo akararama kubva muna 551 B.C.E kusvika muna 479 B.C.E. Akataura kuti: “Usaitira vamwe zvausingadi kuti vakuitirewo.” *

ZVINOITWA NEVAKAWANDA

Vanhu vakawanda vachiri kufunga kuti kuva netsika dzakanaka ndiko kuchaita kuti vave neramangwana rakanaka. Vanoedza kuva vanhu vanoremekedza vamwe, vane tsika dzakanaka, vanoita zvavanotarisirwa uyewo vane hana yakanaka. Mumwe mukadzi wekuVietnam anonzi Linh, akati: “Ndaifunga kuti kana ndikava munhu akatendeseka uye anoita zvinhu nemwoyo wese, ndaizowanawo makomborero.”

Vamwewo vanoita zvakanaka nekuti ndizvo zvavanodzidziswa kuzvitendero zvavo. Mumwe murume anonzi Hsu-Yun, anogara kuTaiwan akati, “Ndakadzidziswa kuti kana munhu akafa achiita zvakanaka achava neramangwana rakanaka, asi kana achiita zvakaipa achatambura.”

ZVINOGUMA NEI?

Ichokwadi kuti patinoitira vamwe zvakanaka, zvine zvakawanda zvazvinotibatsira. Asi vakawanda vanoedza kuitira vamwe zvakanaka, vakaona kuti kazhinji kacho ivo havaitirwiwo zvakanaka. Mumwe mukadzi anonzi Shiu Ping anogara kuHong Kong akati: “Ndakazvionera ndega kuti kuitira vamwe zvakanaka, hakurevi kuti vachakuitirawo zvakanaka. Ndakaita zvese zvandaigona kuti ndishandire mhuri yangu. Asi imba yangu yakaparara, murume wangu achibva andisiya, ndikasara ndichichengeta mwana wangu mukomana ndiri ndega.”

Vakawanda vakaona kuti kana munhu achizviti anonamata hazvirevi kuti munhu akanaka. Mumwe mukadzi anogara kuJapan anonzi Etsuko akati: “Ndakatanga kupinda chimwe chitendero ndikazova mutungamiriri wevechidiki vemuchitendero ichocho. Zvakandishamisa pandakaona kuti vanhu vemuchitendero chacho vaiita unzenza, vairwira zvigaro uye vaiba mari yechechi.”

“Ndakaita zvese zvandaigona kuti ndishandire mhuri yangu. Asi imba yangu yakaparara, murume wangu achibva andisiya, ndikasara ndichichengeta mwana wangu mukomana ndiri ndega.”—SHIU PING, HONG KONG

Vamwewo vanoita zvechitendero uye vachiedza kuita zvakanaka vakaodzwa mwoyo pavakasangana nezvinhu zvinorwadza muupenyu. Ndiwo manzwiro akaita Van, mumwe mukadzi anogara kuVietnam. Akati: “Mazuva ese ndaitenga michero, maruva nezvekudya ndichinozvipira paatari dzemadzitateguru angu ndichifunga kuti zvaizoita kuti ndiwane makomborero. Pasinei nekuti ndakaita makore akawanda ndichiita zvakanaka uye ndichipira kuvadzimu vangu, murume wangu akazobatwa nechirwere chakaipisisa. Pava paya, mwanasikana wangu akafawo aine makore 20 paakanga aenda kuchikoro kune imwe nyika.”

Kana kungova munhu akanaka kusingaiti kuti uve neramangwana rakanaka, chii chimwe chinodiwa? Kuti tiwane mhinduro yacho, tine kwatinogona kuenda kune mashoko akavimbika uye echokwadi. Ndekupi ikoko?

^ ndima 2 Kuti unzwe zvimwe zvakadzidziswa naConfucius, verenga bhuku rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha rinonzi Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu, chitsauko 7 ndima 31-35.