Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

IHURUMENDE IPI ICHAGADZIRISA DAMBUDZIKO RACHO?

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”

Sangano reUnited Nations riri kukurudzira vanhu kuti vashande pamwe chete, varemekedze kodzero dzevanhu uye vachengetedze nyika. Nei riri kudaro? Mumagazini inonzi UN Chronicle, Maher Nasser akati: ‘Pasinei nekuti vanhu vari kugara munyika ipi, vari kusangana nematambudziko akadai sekuchinja kuri kuita mamiriro ekunze, masangano anopara mhosva, kusabatwa zvakanaka kwevanhu, kumanikidzwa kuri kuitwa vanhu vakawanda kutiza misha yavo, zvirwere nezvimwewo.’

Vamwewo vakakurudzira kuti pave nehurumende imwe chete panyika. Vanhu ava vanosanganisira mumwe murume wekuItaly ainzi Dante (1265-1321), uyo aiva ari muzivi, mudetembi uye aiita zvematongerwo enyika. Mumwewo aiva Albert Einstein (1879-1955). Dante aiti nyika haikwanisi kuva nerugare kana isina kubatana panyaya dzezvematongerwo enyika. Akataura mashoko akambotaurwa naJesu ekuti “umambo hwose hwakapesana pachahwo hunoparara.”​—Ruka 11:17.

Hondo yeNyika Yechipiri payairwiwa, pakaputitswa mabhomba maviri enyukireya. Hondo iyi ichangopera, Albert Einstein akanyorera General Assembly yeUnited Nations tsamba achiti: “Sangano reUnited Nations rinofanira kukurumidza kuona zvingaitwa kuti panyika pave nehurumende imwe chete.”

Kana nyika yese ichinge yava nehurumende imwe chete, vanhu vemuhurumende yacho vanokwanisa here kunyatsoita basa ravo nemazvo, vasina uori neudzvinyiriri? Kana kuti vanozongoitawo zvakaipa zvaiitwawo nevamwe vatungamiriri. Kakawanda kacho kana munhu akava nesimba anowanzorishandisa zvisina kunaka, uye vamwe vatongi pavanowedzera kuva nesimba vanobva vatowedzerawo kudzvanyirira vamwe.

Kunze kweizvi, kuti vanhu vakwanise kuva nerugare rwechokwadi vachinzwanana, tinotofanira kubatana. Asi tingazviita sei? Zvinoita here kuti tibatane? Bhaibheri rinoti zvinoita uye zvichatoitika. Zvichaitika sei? Hazvisi kuzoitwa nehurumende dzevanhu vane uori. Ihurumende ipi ichaita izvozvo? Hurumende yaMwari ndiyo ichabatanidza vanhu. Jehovha achashandisa kodzero yake pakutonga vanhu. Bhaibheri rinoti hurumende yacho inonzi “Umambo hwaMwari.”​—Ruka 4:43.

“UMAMBO HWENYU NGAHUUYE”

Jesu Kristu aitaura nezveUmambo hwaMwari paakataura mashoko ekuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika.” (Mateu 6:9, 10) Umambo hwaMwari huchaita kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika, kwete kuda kwevanhu, avo vanoda kuva nesimba uye kuita zvakangovanakira.

Umambo hwaMwari hunonziwo “Umambo hwokumatenga.” (Mateu 5:3) Chikonzero chacho ndechekuti kunyange zvazvo umambo uhwu huchizotonga nyika, ihwo huchange huri kudenga. Chimbofunga kuti izvozvo zvinorevei. Hurumende iyi ichazvimiririra yega pasina rutsigiro rwevanhu rwunobva pamari dzemitero. Izvi zvichaita kuti vanhu varerukirwe chaizvo.

Mambo wacho ndiJesu Kristu, uyo akapiwa simba rekutonga naMwari. Richitaura nezvaJesu, Bhaibheri rinoti:

  • “Umambo huchava papfudzi rake . . . Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo.”​—Isaya 9:6, 7, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

  • “Akapiwa ushe nokukudzwa noumambo, kuti vanhu, mapoka emarudzi nemitauro vamushumire vose. Ushe hwake ushe hunogara nokusingagumi, husingazopfuuri.”​—Dhanieri 7:14.

  • “Umambo hwenyika hwava umambo hwaShe [Mwari] wedu nohwaKristu wake.”​—Zvakazarurwa 11:15.

Umambo hwaMwari huchazadzisa zvakataurwa naJesu mumunyengetero wemuenzaniso pahuchaita kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika. Vanhu vese vachatongwa neumambo uhwu vachadzidziswa kuchengeta nyika zvakanaka kuitira kuti ikwanise kugarika zvakanaka.

Umambo hwaMwari huchadzidzisa vagari vemo. Vachadzidziswa zvinhu zvakafanana. Pachange pasina mazvake mazvake kana zvemapoka-mapoka. “Hazvizombokuvadzi kana kumboparadza . . . nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha sokufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura,” inodaro Isaya 11:9.

Vanhu vachange vabatana uye vachirarama zvine rugare panyika, izvo zvatadza kuitwa neUnited Nations. “Vachafara kwazvo norugare rukuru,” inodaro Pisarema 37:11. Hapana achazombonzwa mashoko akadai sekuti “kuparwa kwemhosva,” “kusvibiswa kwenharaunda,” “urombo,” uye “hondo.” Asi zvichaitika riini zvinhu izvi? Umambo hwaMwari huchatanga kutonga nyika yese riini? Huchazviita sei? Zvii zvaungaita kuti uzovawo mumwe wevachatongwa neumambo uhwu. Verenga nyaya inotevera unzwe.