Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VAKAKUNDA DAMBUDZIKO RACHO

Zvakaitika Kuna Ricardo naAndres

Zvakaitika Kuna Ricardo naAndres

Kudzidza Bhaibheri kune simba rekuvandudza upenyu hwevanhu. Verenga unzwe zvakaitika kuna Ricardo naAndres.

RICARDO: Pandaiva nemakore 15 ndakapinda muchikwata chevechidiki vaiva nemisikanzwa. Shamwari dzangu dzakachinja mafungiro angu. Ndakatanga kuzviti ndinoda kupika jeri kwemakore 10 nekuti kwandakakurira vanhu vainge vambopinda mujeri vaiyemurwa uye vairemekedzwa. Ndaidawo kuita saivo.

Ndakaita zvinhu zvakadai seunzenza, zvemadhiragi uye zvekurwisana. Rimwe zuva takaridzirana pfuti nechimwe chikwata. Ndaifunga kuti ndaizourayiwa asi ndakapona ndisina kumbokuvara. Ndakabva ndatanga kunyatsofunga nezveupenyu hwangu ndichibva ndafunga kuchinja mararamiro angu. Asi ndaizochinja sei? Ndekupi kwandaizowana rubatsiro?

Hama dzangu dzakawanda dzaisava nemufaro. Dzaingova nematambudziko ega ega, kunze kwemhuri yasekuru vangu, hanzvadzi yaamai. Vaiva vanhu vakanaka uye vaishandisa zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwavo. Vakambondidzidzisa kuti zita raMwari ndiJehovha. Saka pashure pemazuva mashoma taridzirana pfuti nechikwata chiya, ndakanyengetera kuna Jehovha, ndichitaura zita rake uye ndichimukumbira kuti andibatsire. Mangwana acho, ndakashamisika mumwe weZvapupu zvaJehovha paakagogodza padhoo rangu. Ndiye akabva andidzidzisa Bhaibheri.

Pasina nguva, ndakasangana nedambudziko rakakura. Shamwari dzangu dzaiwanzondifonera dzichida kuti timbofara tese. Ndairamba asi zvakanga zvisiri nyore. Ndaida kuramba ndichidzidza Bhaibheri uye ndinofara nezvandakasarudza kuita. Upenyu hwangu hwakachinja uye ndakatanga kunyatsofara.

Ndinoyeuka ndichiudza Mwari kuti ndaimboda kupika jeri kwemakore 10 kuti ndiremekedzwe nevamwe vemuchikwata changu. Saka ndakamukumbira kuti andibvumire kuita makore 10 kana kudarika ndichiita basa rekuparidza kuti ndibatsire vamwe sezvandakaitwawo. Akapindura munyengetero wangu uye ndava nemakore 17 ndichiita basa iri. Handina kumbobvira ndapinda mujeri.

Shamwari dzangu dzakawanda dziri kupika makore akawanda mujeri. Dzimwe dzakafa. Ndikafunga kwandakabva ndinotenda chaizvo hama dzangu dzaiva Zvapupu. Dzaitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri. Ndakasvika pakudziremekedza kupfuura kuremekedza kwandaiita vamwe vaiva muchikwata chandaiva. Wandinonyanya kutenda ndiMwari nekundidzidzisa kwaakaita mararamiro akanaka.

ANDRES: Ndakakurira munzvimbo yaiva yakazara neurombo, zvemadhiragi, zvekubiridzira, zvekupondana nezvechipfambi. Baba vangu vaiva chidhakwa uye vainge vakapindwa muropa necocaine. Vaigara vachingopopotedzana naamai uye vachirovana.

Ndakatanga kunwa doro uye kuita zvemadhiragi ndichiri mudiki. Nguva yangu yakawanda ndaiipedza ndiri mumigwagwa ndichiba uye ndichitengesa zvandainge ndaba. Pandakanga ndati kurei, baba vakaita senge vava kundifarira asi vaiva nezvavaida. Vakandidzidzisa kuti ndinopfuura sei pabhodha ndiine madhiragi nezvimwe zvinhu zvaisabvumirwa uye kuti ndinozozvitengesa sei. Munguva pfupi, ndainge ndava nemari yakawanda. Rimwe zuva mapurisa akasvika pamba achibva andisunga nekuti pane munhu wandakanga ndapotsa ndauraya. Ndakatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu.

Mumwe musi ari mangwanani, mujeri makapiwa chiziviso chaiti vasungwa vese vanoda vaende kunokurukura Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndakabva ndaendawo. Zvandakanzwa ikoko zvaiva nemusoro saka ndakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Zvaitaura chokwadi sezvachiri uye zvakandiratidza mararamiro anodiwa naMwari.

Zvakanga zvakandiomera kuti ndisiye mararamiro andaimboita nekuti vamwe vasungwa vakanga vasingafariri zvandakanga ndava kuita. Saka ndakanyengetera kuti ndiwane simba neuchenjeri uye Jehovha akandibatsira. Pane kubvuma kutyisidzirwa, ndakatova neushingi hwekuudza vamwe vasungwa zvandaidzidza.

Pakasvika nguva yekuti ndibudiswe mujeri, ndaitya zvekuti ndaitoona zviri nani kumboramba ndirimo. Pandainge ndava kubuda, vamwe vasungwa vakandibhabhaisa. Vamwe vakatoti, “Mufambe zvakanaka mufundisi.”

Ndinonzwa kutya pandinofungidzira kuti upenyu hwangu hungadai hwakaita sei kudai ndisina kubvuma kuti Jehovha andidzidzise. Ndinofara chaizvo kuti Mwari anondida uye haana kundiona semunhu asingabatsiriki. *

^ ndima 15 Mimwe mienzaniso inoratidza kuti Bhaibheri rine simba rekuchinja upenyu hwevanhu inowanika pajw.org. Enda pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > RUGARE UYE MUFARO.