Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

DAMBUDZIKO

Zvinhu Zviri Kuita Kuti Titye

Zvinhu Zviri Kuita Kuti Titye

“Mazuva ano zvinhu zviri kuwedzera kuvandudzika panyaya dzekugadzirwa kwemichina, zvesainzi uye zveupfumi. Asi kunyange zvakadaro, zvinhu zviri kuratidza kuti nyika yakananga kumawere.”​—The Global Risks Report 2018, World Economic Forum.

NEI VANHU VAKAWANDA VANE RUZIVO VACHINETSEKA NEZVERAMANGWANA? ONA MAMWE EMATAMBUDZIKO ATIINAWO.

  • MHOSVA DZINOPARWA PACHISHANDISWA INDANETI: “Kuenda paindaneti kwava kuramba kuchiwedzera kutyisa. Pakazara vanhu vanoshinha nevana, vanoshungurudza vamwe, vanonyora zvinhu zvinoita kuti vamwe vagumbuke uye vanobira vamwe,” rinodaro pepanhau rinonzi The Australian. “Rimwe dambudziko riri kuwedzera nderematsotsi ari kushandisa mazita evanhu nenhamba dzavo dzezvitupa pakupara mhosva . . . Indaneti inopa vanhu mukana wekuitira vamwe utsinye.”

  • KUSAENZANISWA KWEUPFUMI: Maererano neongororo yakaitwa nesangano rinonzi Oxfam International, panyika pane vanhu 8 vanonzi ndidzo shoroma kupfuura vamwe vese uye upfumi hwavo vari 8 hwakaenzana nehwevarombo vanosvika 3,6 bhiriyoni. Oxfam yakaenderera mberi ichiti, “Kuoma kwezvinhu panyaya dzeupfumi kunoita kuti vapfumi vawedzere kupfuma uye varombo vawedzere kuva varombo.” Vamwe vanotyira kuti izvi zvinogona kuita kuti vanhu vapedzisire vava kurwisana.

  • HONDO UYE KUTAMBUDZWA: Muna 2018, chikamu chesangano reUnited Nations chinoona nezvevapoteri chakati: “Mazuva ano, nhamba yevanhu vari kutiza vachisiya misha yavo iri kuwedzera. . . . Pamasekonzi maviri ega ega, munhu mumwe chete anosiya musha wake.” Vanopfuura 68 miriyoni vakasiya misha yavo nemhaka yehondo kana kutambudzwa.

  • ZVINHU ZVINOPARADZA NHARAUNDA: The Global Risks Report 2018, yakati: “Mamwe marudzi emhuka nemiti ari kukurumidza kuparara . . . uye kusvibiswa kuri kuitwa mhepo nemvura kuri kuwedzera kuisa upenyu hwevanhu pangozi.” Mune dzimwe nyika, zvipukanana zviri kuramba zvichiita zvishoma. Sezvo zvipukanana zvichibatsira kuti maruva abereke, nyanzvi dzesainzi dziri kuyambira vanhu kuti “nharaunda yedu inogona kuparadzwa.”

Pane zvinokwanisa kuitwa here kuti tigadzirise matambudziko aya? Vamwe vanofunga kuti tinogona kugadzirisa zvinhu kana vanhu vakadzidziswa. Asi ruzivo rwakadii runodiwa? Nyaya dzinotevera dzichapindura mibvunzo iyi.