Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingaita Sei Kana Ndakundikana?

Ndingaita Sei Kana Ndakundikana?

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingaita Sei Kana Ndakundikana?

“Ndichangobva kunotora ripoti remamakisi angu, uye ndakakundikana zvidzidzo zvina zvandakambokundikana. Ndakamboedza, asi ndakangokundikana zvakare.”—Lauren, ane makore 15.

“Kukundikana kunorwadza chaizvo. Zviri nyore kutanga kufunga kuti haubatsiri.”—Jessica, ane makore 19.

KUKUNDIKANA. Ungasada kutombofunga nezveshoko iri. Asi nguva nenguva, tose tinokundikana. Kungava kukundikana bvunzo yokuchikoro, kuita kana kutaura chimwe chinhu chinonyadzisa, kugumbura mumwe munhu watinoda, kana kukanganisa tsika zvakakomba, kukundikana kunogona kuodza mwoyo.

Chokwadi, vanhu vose vanokanganisa. “Vanhu vose vakaita zvivi vakaperevedza pambiri yaMwari,” rinodaro Bhaibheri. (VaRoma 3:23) Asi vamwe vedu tinozviona zvakaoma kudzokera pataiva kana tambokundikana. Mumwe wechiduku anonzi Jason anoti: “Ini pachangu ndinozvitsoropodza zvakanyanya. Kana ndikakanganisa, vanhu vangaseka—asi kakawanda vanokanganwa nezvazvo. Ini handikanganwi, uye ndinoramba ndichifunga nezvechikanganiso changu.”

Kufunga nezvechikanganiso chako hakuna hako kuipa—kunyanya kana izvozvo zvichikubatsira kuti uite zviri nani. Zvisinei, kugara uchizvitsoropodza kunokuvadza kwenguva yakareba uye kunokutadzisa kuita zviri nani. Zvirevo 12:25 inoti: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza.”

Funga nezvomumwe murume womuBhaibheri ainzi Epafurodhito. Akatumwa kuRoma kunoshanda somubatsiri womuapostora Pauro. Zvisinei, Epafurodhito akarwara uye haana kukwanisa kuita basa racho. Kutaura zvazviri, akatozoguma ava kutarisirwa naPauro! Pauro akaronga kuendesa Epafurodhito kumba, achizivisa ungano kuti murume uyu akanga aorawo mwoyo. Zvakonzerwa nei? “Makanzwa kuti akanga arwara,” akatsanangura kudaro Pauro. (VaFiripi 2:25, 26) Epafurodhito paakaziva kuti vamwe vakanga vaziva kuti akarwara uye kuti haana kukwanisa kuita mabasa ake, angangova akanzwa somunhu akundikana. Ndokusaka akaora mwoyo!

Pane imwe nzira here yokudzivisa nayo kunzwa marwadzo okukundikana?

Ziva Zvaunogona Nezvausingagoni Kuita

Imwe nzira yokuderedza nayo mikana yokukundikana ndeyokuvavarira kuita zvinhu zvaunokwanisa uye zvine mwero. “Uchenjeri huri kuna vanozvininipisa,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 11:2; 16:18) Munhu ane mwero anoziva zvaanogona nezvaasingagoni kuita. Chokwadi, pane dzimwe nguva zvakanaka kuzviedza kuti uvandudze unyanzvi hwako nemano ako. Asi ona zvinhu sezvazviri. Ungasava uri shasha pamasvomhu kana kuti usiri nyanzvi yemitambo. Mumwe wechiduku anonzi Michael anobvuma kuti: “Ndinoziva kuti handisi shasha yemitambo. Saka ndinotamba, asi handiiti zvinhu zvandinoziva kuti handigoni.” Anotsanangura kuti: “Unofanira kuvavarira kuita zvinhu zvaunogona.”

Funga nezvemafungiro aYvonne ane makore 14, ane muzongoza wakakanganisika uye ane chirwere chepfungwa. “Handigoni kufamba kana kutamba kana kumhanya sevamwe,” anodaro Yvonne. “Zvinondinetsa kuziva kuti handigoni kuita zvinoitwa nevamwe. Vanhu vazhinji havanyatsozvinzwisisi. Asi ndinogona kukurira manzwiro iwayo.” Anokurudzirei vaya vanonetseka nokukundikana? “Usarega. Ingoramba uchiedza. Kana ukakundikana kana kuti ukaita zvisina kunaka, usakanda mapfumo pasi. Ingoramba uchiedza nepaunogona napo pose.”

Panguva imwe chete, usazvinetsa nokuzvienzanisa nevamwe. Andrew, ane makore 15, anoti, “Ndinoedza kudzivisa kuzvienzanisa nomumwe munhu nokuti tose tine simba nemano zvakasiyana.” Zvakataurwa naAndrew kudzokororwa kwemashoko eBhaibheri ari pana VaGaratiya 6:4, okuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye ipapo achava nechisakiso chokufara zvikuru pamusoro pake oga, asingazvienzanisi nomumwe munhu.”

Vamwe Pavanotarisira Kuti Uite Zvakawanda

Zvisinei, dzimwe nguva unotarisirwa kuita zvakawanda—nevabereki, vadzidzisi, nevamwe. Asi unozoona kuti kunyange ukaedza sei, haumbogoni kuvafadza. Kuwedzera pane izvozvo, vanhu ivavo vanogona kuratidza kusafara kwavo nemashoko anokurwadza kana kuti anotokuodza mwoyo chaizvo. (Jobho 19:2) Zvichida unoziva kuti vabereki vako nevamwe havasi kuedza kukurwadzisa nemaune. Sezvakacherechedzwa naJessica, “kakawanda havatombozivi kuti vari kukurwadzisa zvakadini. Dzimwe nguva kungotadza kunzwisisana.”

Asiwo, vangadaro vachiona chimwe chinhu chausiri kuona here? Somuenzaniso, zvichida uri kurembedza maoko uye uri kuzvitarisira pasi. Pane kupira gotsi zvavari kutaura, unenge wakachenjera kana ‘ukanzwa kurayira.’ (Zvirevo 8:33) Michael anotsangura kuti: “Zvakakunakira. Vanoda kuti uite zviri nani, uvandudze. Ona izvozvo sezvinhu zvichaita kuti ushandise pfungwa.”

Zvisinei, zvakadini kana uchifunga kuti zvauri kutarisirwa kuita nevabereki uye vamwewo zvakanyanyisa—kuti zvichangokuita kuti ukundikane? Kana zvakadaro kungava kuchenjera kutaura navo—zvine ruremekedzo asi zvakajeka—uye vaudze manzwiro ako. Pamwe chete munogona kuvavarira kuita zvinhu zvinogoneka.

“Kukundikana” Mune Zvokunamata

Pakati peZvapupu zvaJehovha, vechiduku vane mutoro wakaoma wokuita mabasa avo sevashumiri vaMwari. (2 Timoti 4:5) Kana uri muKristu wechiduku, dzimwe nguva unganzwa sousingakwanisi. Zvichida unganzwa sokuti haupi mhinduro dzakanaka pamisangano. Kana kuti zvichida unonetseka kutsanangurira vamwe mashoko eBhaibheri. Somuenzaniso, Jessica akadzidza Bhaibheri nomumwe musikana achiri kuyaruka. Kwekanguva mudzidzi wake weBhaibheri akafambira mberi chaizvo. Zvisinei, musikana wacho akangoerekana ati haachadi kushumira Mwari. Jessica anoyeuka kuti, “Ndakanzwa somunhu akundikana.”

Jessica akagona kukurira manzwiro iwayo sei? Kutanga, aifanira kuziva kuti mudzidzi wake akanga aramba Mwari, kwete iye. Akabatsirwawo nokufungisisa muenzaniso womuBhaibheri waPetro, murume aitya Mwari aiva nezvakati wandei zvaaikanganisa. Jessica anotsangura kuti, “Bhaibheri rinoratidza kuti Petro akakurira zvikanganiso zvake uye akashandiswa naJehovha munzira dzakawanda kuti afambisire mberi zvinhu zvoUmambo.” (Ruka 22:31-34, 60-62) Chokwadi, kana mano ako somudzidzisi achida kuvandudzwa, wadii washanda nesimba kuti udaro? (1 Timoti 4:13) Bvuma kubatsirwa nevava noruzivo vari muungano vanogona kukudzidzisa nokukurovedza.

Zvisinei, zvichida basa roushumiri repamba nemba ndiro rinokuomera zvikuru. Jason anobvuma kuti, “Paimba yose yatisingagamuchirwi ndinonzwa sokuti ndakundikana zvishoma.” Anokurira sei manzwiro ake aya? “Ndinofanira kuyeuka kuti handina kunyatsokundikana.” Chokwadi, anenge abudirira kuita zvaakarayirwa naMwari kuti aite—kuparidzira! Kunyange zvazvo zvisiri nyore kana vanhu vakaramba kuteerera, havasi vanhu vose vacharamba mashoko eBhaibheri. “Kana ndikaona munhu anoteerera,” anodaro Jason, “ndinobva ndaziva kuti ndashandira zviripo.”

Zvikanganiso Zvakakomba

Zvakadini kana ukaita chikanganiso chakakomba—kana kuti kutoita chivi chakakomba? Ana, ane makore 19, akaita chikanganiso chakadaro. * Anobvuma kuti, “Ndakatadzira ungano, mhuri yangu, uye zvikurukuru Jehovha Mwari.” Kuti uite zvakanaka, unofanira kupfidza wotsvaka kubatsirwa nevarume vakuru vakakura mumudzimu vari muungano. (Jakobho 5:14-16) Ana anoyeuka mashoko anobatsira omumwe mukuru: “Akati pasinei hapo nezvivi zvakaitwa naMambo Dhavhidhi, Jehovha akanga achiri kuda kumukanganwira, uye Dhavhidhi akaita zvakanaka. Izvozvo zvakandibatsira.” (2 Samueri 12:9, 13; Pisarema 32:5) Unofanirawo kuita zvose zvaunogona kuti uzvisimbise pakunamata. “Ndakaverenga bhuku reMapisarema kakawanda,” anodaro Ana, “uye ndine bhuku randinonyora magwaro anokurudzira.” Nokufamba kwenguva, munhu anogona kuita zvakanaka kunyange aita chivi chakakomba. Zvirevo 24:16 inoti: “Nokuti munhu wakarurama ungawa kanomwe, achisimukazve.”

Kukurira Kukundikana

Chokwadi, kunyange kukundikana zvinhu zviduku kunogona kukurwadza. Chii chinogona kukubatsira kukurira? Chokutanga, nangana nezvikanganiso zvako sezvazviri. Michael anokurudzira kuti: “Pane kungozvifunga somunhu anongokundikana, ziva chawakundikana uye chakonzera kukundikana kwacho. Ukadaro unogona kuzoita zvakanaka munguva inouya.”

Uyewo, rega kunyanya kuzvikoshesa. Pane “nguva yokuseka”—uye zvingareva kuzviseka! (Muparidzi 3:4) Kana uchinzwa waora mwoyo, funga nezvechimwe chinhu chaunoita zvakanaka, chakadai somutambo kana kuti basa rokuzvifadza. Kuva ‘mupfumi pamabasa akanaka’—akadai sokuudzawo vamwezvaunotenda—kunogona kukubatsira kuti uve nechivimbo.—1 Timoti 6:18.

Pakupedzisira, yeuka kuti “Jehovha une tsitsi nenyasha . . . Haangarambi achirwa.” (Pisarema 103:8, 9) Jessica anoti, “Ndinoona kuti pandinonyanya kuswedera pedyo naJehovha Mwari, ndipo pandinonyanya kuvimba nokutsigira uye kubatsira kwake muzvinhu zvose zvandinosangana nazvo.” Chokwadi, zvinonyaradza kuziva kuti pasinei hapo nokukundikana kwaunoita, Baba vako vokudenga vanokukoshesa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 23 Zita rake rakachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 30]

Kana uchinzwa kuti zvauri kutarisirwa kuita zvakanyanyisa, edza kutaura nenzira yoruremekedzo

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kuita zvinhu zvaunogona kuita zvakanaka kunogona kukubatsira kupedza kunzwa uchikundikana