Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Paine Mitemo Yakawanda Kudai?

Nei Paine Mitemo Yakawanda Kudai?

CHITSAUKO 22

Nei Paine Mitemo Yakawanda Kudai?

Nyora mimwe mitemo yomumhuri menyu. ․․․․․

Unofunga kuti nguva dzose mitemo yomumhuri ine musoro here? □ Hungu □ Kwete

Mutemo upi wakanyanya kukuomera kuteerera? ․․․․․

MITEMO YEPAMBA, sokudanwa kwainomboitwa, zvinhu zvaunonzi nevabereki vako uite uye usaita. Mitemo yakadaro inosanganisira kuti unofanira kuita homuweki, mabasa epamba, uye kusvika pamba nguva yakatarwa isati yadarika, uyewo kuva nemiganhu pakushandisa foni, TV nekombiyuta. Mimwe mitemo ingasanganisira zvaunoita usiri pamba penyu zvichibatanidzawo zvaunoita kuchikoro uye shamwari dzaunosarudza.

Unonzwa uchidzvinyirirwa nemitemo iyi here? Zvichida unganzwa sezvakaita vechiduku vanotevera:

“Nguva yandainzi ndisvike pamba yaindishungurudza zvikuru! Zvaindisvota vamwe pavaibvumirwa kunonoka kusvika kumba kupfuura ini.”Allen.

“Zvinondigumbura chaizvo kana ndichiongororwa kufona kwandinoita paserura yangu. Ndinonzwa kuti ndiri kubatwa somucheche!”Elizabeth.

“Ndainzwa sokuti vabereki vangu vaiedza kukanganisa kushamwaridzana kwangu nevamwe, sokunge kuti vakanga vasingadi kuti ndive neshamwari!”Nicole.

Kunyange zvazvo vechiduku vachiwanzotyora mitemo yevabereki vavo, vechiduku vakawanda vanobvuma kuti mitemo yakadaro inodiwa kuti pasava nenyonganyonga. Asi kana mitemo yepamba ichidiwa, nei mimwe yacho ichisvota zvakadaro?

“Handisisiri Mucheche Ini!”

Zvichida unosemburwa nemitemo yacho nokuti unonzwa sokuti uri kubatwa somucheche. Unoda kushevedzera kuti, “Handisisiri mucheche ini!” Chokwadi, zvichida vabereki vako vanofunga kuti mitemo yavo inokosha kana vachizokuchengetedza uye kukugadzirira kuti uzoitawo zvinofanira kuitwa nevanhu vakuru.

Zvisinei, zvingaita sokuti mitemo yepamba penyu haina “kuchinja” kuti ienderane nezera rako. Unganzwa sounodzvinyirirwa, sezvaiita mumwe musikana anonzi Brielle, uyo akati nezvevabereki vake: “Vakanganwa zvachose kuti munhu wezera rangu anonzwa sei. Havadi kuti nditaure zvandinofunga, ndisarudze, kana kuti ndive munhu mukuru.” Wechiduku anonzi Allison anonzwawo saizvozvo. Anoti, “Vabereki vangu vanoita sevasinganzwisisi kuti ndava nemakore 18 kwete 10. Vanofanira kuvimba neni zvikuru!”

Mitemo yepamba inogona kurwadza zvikuru kuiteerera kana vamwe vana vomumhuri vachiita sevasinganyanyi kuomeserwa. Somuenzaniso, achiyeuka makore ake okuyaruka, mumwe mukomana anonzi Matthew anoti nezvehanzvadzi yake diki uye vazukuru vake, “Vasikana vacho vaingoregwa zvazvo!”

Hapana Mitemo?

Zvinonzwisisika kuti ungashuva kurarama usingatongwi nevabereki vako. Asi zvingakufambira zvakanaka here pasina mitemo yavo? Zvichida unoziva vamwe vezera rako vanosvika pamba nguva yavanoda zvavo, vanopfeka chero zvavada uye vanoenda neshamwari dzavo pose pavanenge vadira uye chero kwavanoda. Zvimwe vabereki vavo vanenge vakabatikana zvakanyanya zvokuti havacherechedzi zvinenge zvichiitwa nevana vavo. Chero zvazvingava, Bhaibheri rinoratidza kuti kurera vana seizvi hakubudiriri. (Zvirevo 29:15) Kushayikwa kworudo kwaunoona munyika kunonyanya kukonzerwa nevanhu vayo vanongozvifunga, vakawanda vacho vakarerwa mumisha yakanga isina mitemo.—2 Timoti 3:1-5.

Pane kuchiva vechiduku vanobvumirwa kuita zvavanoda, edza kuona mitemo yevabereki vako souchapupu hwokuti vanokuda uye vane hanya newe. Nokuisa mitemo ine musoro, vanotevedzera Jehovha Mwari, uyo akati kuvanhu vake: “Ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo. Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.”—Pisarema 32:8.

Zvisinei, dzimwe nguva unganzwa uchiremerwa nemitemo yevabereki vako. Ungawana sei zororo?

Kukurukurirana Kunobatsira

Ungave uchida kuwana rusununguko rwakawanda kana kuti kuderedza kushungurudzwa kwaunoitwa nemiganhu yauri kuisirwa nevabereki vako, kukurukurirana kwakanaka ndicho chinhu chinokosha. Vamwe vangati, ‘ Ndakaedza kutaura nevabereki vangu, asi hazvisi kushanda!’ Kana ariwo manzwiro aunoita, zvibvunze kuti, ‘Ndinganatsiridza unyanzvi hwangu hwokukurukura here?’ Kukurukurirana chinhu chinokosha chinogona (1) kubatsira vamwe kukunzwisisa kana kuti (2) kukubatsira kunzwisisa kuti nei zvaunoda zviri kurambwa. Chokwadi, kana uchida kubatwa somunhu mukuru, unofanira kudzidza kukurukura nevamwe somunhu mukuru. Ungazviita sei?

Dzidza kudzora manzwiro ako. Kukurukurirana kwakanaka kunoda kuzvidzora. Bhaibheri rinoti: “Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anoramba akadzikama kusvikira pakupedzisira.” (Zvirevo 29:11) Saka dzivisa kugunun’una, kufundumwara uye kuratidza hasha somwana muduku. Chokwadi, vabereki vako pavanokurambidza chimwe chinhu, unganzwa uchida kurovera dhoo kana kuti kufamba-famba mumba uchiita mutsindo. Zvisinei, maitiro akadaro angangoita kuti upiwe mimwe mitemo, kwete rusununguko rwakawanda.

Edza kuona pfungwa yevabereki vako. Tracy, muKristu wechiduku anogara naamai chete, anoti, “Ndinozvibvunza kuti, ‘Amai vangu vari kuedza kundidzidzisei nemitemo yavo?’” Tracy anoonei? “Vari kuedza kundibatsira kuti ndive munhu kwaye.” (Zvirevo 3:1, 2) Kunzwisisa zvinotyirwa nevabereki vako zvakadaro kungakubatsira kuti ukurukure navo zvakanaka.

Somuenzaniso, ngatitii vabereki vako havadi kuti uende kumwe kuri kuendwa nevamwe. Pane kuita nharo, ungati, “Ko kana ndikaenda neimwe shamwari yakura, inovimbwa nayo?” Kunyange zvakadaro, vabereki vako vangasakubvumira. Asi kana ukanzwisisa zvavanotyira, une mukana wakanaka wokutaurawo zvimwe zvinogamuchirika.

Ita kuti vabereki vako vawedzere kuvimba newe. Ngatitii mumwe murume anotora chikwereti kubhengi. Kana achichidzorera nenguva, bhengi richamuvimba uye ringatozomupa chimwe chikwereti munguva yemberi. Ndozvazvakaitawo nokumba. Une chikwereti chokuteerera vabereki vako. Kana ukaratidza kuti wakavimbika—kunyange muzvinhu zviduku—vabereki vako vangangozokuvimba munguva yemberi. Zvechokwadi, kana ukaramba uchiodza mwoyo vabereki vako, usashamisike kana vakatanga kukuvimba zvishoma kana kuti kutorega “kukuvimba zvachose.”

Kana Mutemo Watyorwa

Pane imwe nguva ungangotyora mutemo—kutadza kuita mabasa ako epamba, kugarisa pafoni, kana kuti kutadza kusvika pamba nenguva yakatarwa. (Pisarema 130:3) Zvadaro uchafanira kuzvitsanangurira vabereki vako! Ungaita sei kuti zvinhu zvisaramba zvichiipa?

Taura chokwadi. Usareva nhema. Kana ukadaro, izvozvo zvingangoderedza kuvimbwa kwawave uchiitwa nevabereki vako. Saka iva akatendeseka uye taura zvakaitika chaizvo. (Zvirevo 28:13) Usaedza kupembedza kana kuti kurerutsa zvakaitika. Uye nguva dzose yeuka kuti “mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa.”—Zvirevo 15:1.

Kumbira Ruregerero. Zvakakodzera kuti uratidze kuzvidemba kana wakakonzera kuti vabereki vako vanetseke, vaore mwoyo, kana kuti vave nerimwe basa rokuwedzera uye zvingaderedza chirango chako. Zvisinei, unofanira kuratidza kuti une urombo zvechokwadi nezvawaita.

Gamuchira migumisiro yacho. (VaGaratiya 6:7) Chaunotanga kuita kutsutsumwa pamusoro pechirango chacho, zvikurukuru kana chichiita sechisina kukodzera. Zvisinei, kubvuma zvawakanganisa kunoratidza kukura. Chinhu chakanaka chaungaita kuedza kuita kuti vabereki vako vakuvimbe zvekare.

Nyora pano kuti ndeipi pfungwa yaunoda kunyanya kushandira panhatu dziri pamusoro apa. ․․․․․

Yeuka kuti ibasa revabereki vako kuti vadzore zvaunoita nenzira inoratidza kunzwisisa. Nokudaro, Bhaibheri rinotaura nezvo“murayiro wababa vako” uye “mutemo waamai vako.” (Zvirevo 6:20) Kunyange zvakadaro, haufaniri kufunga kuti mitemo yepamba ichakanganisa upenyu hwako. Asi kana ukazviisa pasi pevabereki vako, Jehovha anovimbisa kuti, nokufamba kwenguva, ‘zvichakufambira zvakanaka’!—VaEfeso 6:1-3.

VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, CHITSAUKO 3

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Une mubereki akapindwa muropa nezvinodhaka kana kuti nedoro here? Ona kuti zvii zvaungaita.

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

Kudza baba vako naamai vako . . . kuti zvikufambire zvakanaka.VaEfeso 6:2, 3.

ZANO

Kana uchida kuti vabereki vako vakupe rusununguko rwakawedzerwa, tanga waita kuti vazive kuti unoteerera mitemo yavo. Kana vachiziva kuti unoteerera, vangangokupa zvaunovakumbira.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Zvakatsvakurudzwa zvinoratidza kuti kazhinji vechiduku vane vabereki vanovapa mitemo norudo vanobudirira muchikoro, vanogara nevamwe zvakanaka uye vanofara.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana ndikatyora mutemo wepamba, ndichati ․․․․․

Ndinogona kuita kuti vabereki vangu vavimbe neni noku- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

Nei pane dzimwe nguva vabereki vako vachiita sevanonyanya kukudzivirira?

Nei dzimwe nguva uchigumbuka paunorambidzwa zvimwe zvinhu?

Unganatsiridza sei kukurukurirana kwaunoita nevabereki vako?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 183]

“Paunenge uchiri muduku, unofunga kuti unoziva zvose. Saka vabereki vako pavanokurambidza zvimwe zvinhu, zviri nyore kuti uvagumbukire. Asi mitemo yavo yakakunakira.’’—Megan

[Bhokisi riri papeji 186]

Kusarura Zvechokwadi Here?

Wakambozvibvunza here kuti, ‘Nei vabereki vasingabati munhu wose zvakangofanana?’ Kana zvakadaro, funga izvi: Zvingasava zvakanaka nguva dzose kuti vabereki vabate vana vavo zvakafanana. Chokwadi, mubvunzo ndewokuti, Hausi kuitirwa zvaunoda here? Somuenzaniso, paunenge uchida kuti vabereki vako vakupe mazano, vakubatsire, kana kuti vakutsigire, vanozviita here? Kana vachidaro, ungataura nomwoyo wose kuti hausi kubatwa zvakanaka here? Sezvo iwe nevamwe vana muchida zvakasiyana, hazvitomboiti kuti vabereki vako vakubatei zvakafanana mose. Izvozvo ndizvo zvakazonzwisiswa naBeth. Iye zvino ava nemakore 18, anoti: “Ini nehanzvadzi yangu takasiyana uye tinofanira kubatwa zvakasiyana. Ndichitarira shure, handimbozivi kuti nei ndakanga ndisingazvioni ndichiri muduku.”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 189]

Pepa Rokushandira

Taura Nevabereki Vako!

Zvitsauko zviviri zvapfuura zvataura zvaungaita kana vabereki vako vachikutsoropodza uye zvaungaita nemitemo yepamba. Ko kana uchinzwa sokuti vabereki vako vari kunyanya kukuomesera mune zvose zviri zviviri? Ungatanga sei kutaura navo nezvazvo?

Sarudza nguva yaunenge wakasununguka zvako uye vabereki vako vasina kunyanya kubatikana.

Taura zvinobva pamwoyo, asi usataura wakafufutirwa. Remekedza vabereki vako.

Kana uchinzwa sokuti vabereki vako vanonyanya kukutsoropodza, ungati: “Ndiri kuedza kwazvo kuti ndiite zvakanaka, asi zvinondiomera pandinonzwa sokuti ndiri kugarotsoropodzwa. Tingambotaura nezvazvo here?”

Nyora pasi apa kuti ungatanga sei kutaura nevabereki vako nezvenyaya iyi.

․․․․․

ZANO: Shandisa Chitsauko 21 kuti mutange kukurukurirana. Zvichida vabereki vako vachanzwa vachida kukurukura newe nyaya iri muchitsauko chacho.

Kana uchinzwa sokuti vabereki vako havasi kukupa rusununguko rwakakwana, ungati: “Ndinoda kuratidza kuti ndava munhu anoziva zvaanoita kuitira kuti munguva yemberi muzondipa rusununguko rwakawedzera. Munofunga ndezvipi zvandinofanira kushandira pazviri?”

Nyora pasi apa kuti ungatanga sei kutaura nevabereki vako nezvenyaya iyi.

․․․․․

ZANO: Dzokorora Chitsauko 3 chiri muBhuku 1. Zvadaro nyora mibvunzo yose yaungava nayo pane zvawaverenga.

[Mufananidzo uri papeji 184, 185]

Kuteerera mitemo yevabereki vako kwakaita sokubhadhara chikwereti kubhengi—kana wakatendeseka zvikuru, uchavimbwawo zvikuru (kana kuti uchapiwa chimwe chikwereti)