Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wokutevedzera​—Mushuramiti

Muenzaniso Wokutevedzera​—Mushuramiti

Muenzaniso Wokutevedzera​—Mushuramiti

Musikana Mushuramiti anoziva kuti anofanira kuramba asina kuputirwa munyaya dzorudo. Anoudza shamwari dzake kuti: “Ndinoita kuti mupike kuti musaedza kupfutidza kana kuti kumutsa rudo mukati mangu kusvikira rwava kuda.” Mushuramiti wacho anoziva kuti manzwiro anogona kukurumidza kuvhiringidza mafungiro. Somuenzaniso, anoziva kuti vamwe vangamumanikidza kuti abvume kupfimbwa nomunhu asina kumukodzera. Kunyange manzwiro ake anogona kudzikatidza maonero akanaka. Saka Mushuramiti wacho anoramba akaita so“rusvingo.”Rwiyo rwaSoromoni 8:4, 10.

Maonero aunoita rudo anoratidza kuti unoziva zvauri sezvaiita Mushuramiti here? Ungatungamirirwa nemafungiro ako kwete chete nemanzwiro ako here? (Zvirevo 2:10, 11) Dzimwe nguva vamwe vangaedza kukumanikidza kuti udanane nomumwe munhu iwe usati wagadzirira. Iwe pachako ungatozvipinza mudambudziko rakadaro. Somuenzaniso, paunoona mukomana nomusikana vachifamba vakabatana maoko, unonzwa uchidawo kuita saizvozvo here? Ungada mumwe munhu asingatendi zvaunotenda here? Musikana Mushuramiti aiziva zvaari kana toreva nezvenyaya dzorudo. Iwe unogonawo kudaro!