Rwiyo rwaSoromoni 8:1-14
-
Musikana (1-4)
-
“Kudai wakanga wakaita sehanzvadzi yangu” (1)
-
-
Hanzvadzi dzemusikana (5a)
-
‘Ndiani uyo akazembera mudiwa wake?’
-
-
Musikana (5b-7)
-
“Rudo rune simba serufu” (6)
-
-
Hanzvadzi dzemusikana (8, 9)
-
‘Kana ari rusvingo, . . . asi kana ari suo, . . . ’ (9)
-
-
Musikana (10-12)
-
“Ndiri rusvingo” (10)
-
-
Mufudzi (13)
-
‘Regai ndinzwe inzwi rako’
-
-
Musikana (14)
-
‘Mhanya semhara’
-
8 “Kudai wakanga wakaita sehanzvadzi yangu,Yakayamwa mazamu aamai vangu!
Kudai ndaizokuwana panze, ndaikutsvoda,+Uye hapana aindishora.
2 Ndaikutungamirira;Ndopinda newe mumba maamai vangu,+Ivo vakandidzidzisa.
Ndokupa waini yakaiswa zvinonhuhwirira kuti unwe,Iwo muto uchangobva kusvinwa wemapomegraneti.*
3 Ruoko rwake rweruboshwe runenge ruri pasi pemusoro wangu,Uye ruoko rwake rwerudyi rwakandimbundira.+
4 Ndinoita kuti mupike, imi vanasikana veJerusarema:
Musaedza kumutsa rudo mukati mangu kusvikira rwava kuda.”+
5 “Ndiani uyo ari kubva kurenje,Akazembera mudiwa wake?”
“Ndakakumutsa pasi pemuapuro.
Amai vako vairwadziwa nekukusununguka vari ipapo.
Vaya vakakubereka vairwadziwa vachisununguka vari ipapo.
6 Ndiise pamwoyo wako sechidhindo,*Sechidhindo paruoko rwako,Nekuti rudo rune simba serufu,+Uye kuzvipira kwakazara hakudzokeri shure seGuva risingadzokeri* shure.
Marimi arwo moto unobvira, iro rimi remoto raJah.*+
7 Mvura ine masaisai haigoni kudzima rudo,+Uye nzizi hadzigoni kurukukura.+
Kana munhu akapa pfuma yake yese kuti awane rudo,Zvingatoshorwa* chaizvo.”
8 “Tine hanzvadzi diki,+Isati yava nemazamu.
Tichaitireiko hanzvadzi yeduMusi waichabvunzirwa?”
9 “Kana iri rusvingo,Tichavaka shongwe yesirivha pamusoro payo,Asi kana iri suo,Tichaivhara nepuranga remusidhari.”
10 “Ndiri rusvingo,Uye mazamu angu akaita seshongwe.
Saka ava kundionaSeuya anowana rugare.
11 Soromoni aiva nemunda wemizambiringa+ muBhaari-hamoni.
Akaisa munda wacho wemizambiringa mumaoko evachengeti.
Mumwe nemumwe aiunza masirivha chiuru ezvibereko zvawo.
12 Ndine munda wangu pachangu wemizambiringa.
Masirivha chiuru ndeako,* iwe Soromoni,Uye mazana maviri ndeevanochengeta michero yawo.”
13 “Imi munogara muminda,+Shamwari dziri kuda kunzwa inzwi renyu.
Regai ndirinzwe.”+
14 “Kurumidza, mudiwa wangu,Umhanye semhara+Kana kuti senondo dikiPamakomo ezvinonhuhwirira.”
Mashoko Emuzasi
^ Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.
^ Kana kuti “sechisimbiso.”
^ Kana kuti “seSheori isingadzokeri.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “iwo murazvo waJah.” Jah kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Angatoshorwa.”
^ ChiHeb., “Chiuru ndechako.”