Rwiyo rwaSoromoni 8:1-14

  • Musikana (1-4)

    • “Kudai wakanga wakaita sehanzvadzi yangu” (1)

  • Hanzvadzi dzemusikana (5a)

    • ‘Ndiani uyo akazembera mudiwa wake?’

  • Musikana (5b-7)

    • “Rudo rune simba serufu” (6)

  • Hanzvadzi dzemusikana (8, 9)

    • ‘Kana ari rusvingo, . . . asi kana ari suo, . . . ’ (9)

  • Musikana (10-12)

    • “Ndiri rusvingo” (10)

  • Mufudzi (13)

    • ‘Regai ndinzwe inzwi rako’

  • Musikana (14)

    • ‘Mhanya semhara’

8  “Kudai wakanga wakaita sehanzvadzi yangu,Yakayamwa mazamu aamai vangu! Kudai ndaizokuwana panze, ndaikutsvoda,+Uye hapana aindishora.   Ndaikutungamirira;Ndopinda newe mumba maamai vangu,+Ivo vakandidzidzisa. Ndokupa waini yakaiswa zvinonhuhwirira kuti unwe,Iwo muto uchangobva kusvinwa wemapomegraneti.*   Ruoko rwake rweruboshwe runenge ruri pasi pemusoro wangu,Uye ruoko rwake rwerudyi rwakandimbundira.+   Ndinoita kuti mupike, imi vanasikana veJerusarema: Musaedza kumutsa rudo mukati mangu kusvikira rwava kuda.”+   “Ndiani uyo ari kubva kurenje,Akazembera mudiwa wake?” “Ndakakumutsa pasi pemuapuro. Amai vako vairwadziwa nekukusununguka vari ipapo. Vaya vakakubereka vairwadziwa vachisununguka vari ipapo.   Ndiise pamwoyo wako sechidhindo,*Sechidhindo paruoko rwako,Nekuti rudo rune simba serufu,+Uye kuzvipira kwakazara hakudzokeri shure seGuva risingadzokeri* shure. Marimi arwo moto unobvira, iro rimi remoto raJah.*+   Mvura ine masaisai haigoni kudzima rudo,+Uye nzizi hadzigoni kurukukura.+ Kana munhu akapa pfuma yake yese kuti awane rudo,Zvingatoshorwa* chaizvo.”   “Tine hanzvadzi diki,+Isati yava nemazamu. Tichaitireiko hanzvadzi yeduMusi waichabvunzirwa?”   “Kana iri rusvingo,Tichavaka shongwe yesirivha pamusoro payo,Asi kana iri suo,Tichaivhara nepuranga remusidhari.” 10  “Ndiri rusvingo,Uye mazamu angu akaita seshongwe. Saka ava kundionaSeuya anowana rugare. 11  Soromoni aiva nemunda wemizambiringa+ muBhaari-hamoni. Akaisa munda wacho wemizambiringa mumaoko evachengeti. Mumwe nemumwe aiunza masirivha chiuru ezvibereko zvawo. 12  Ndine munda wangu pachangu wemizambiringa. Masirivha chiuru ndeako,* iwe Soromoni,Uye mazana maviri ndeevanochengeta michero yawo.” 13  “Imi munogara muminda,+Shamwari dziri kuda kunzwa inzwi renyu. Regai ndirinzwe.”+ 14  “Kurumidza, mudiwa wangu,Umhanye semhara+Kana kuti senondo dikiPamakomo ezvinonhuhwirira.”

Mashoko Emuzasi

Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.
Kana kuti “sechisimbiso.”
Kana kuti “seSheori isingadzokeri.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “iwo murazvo waJah.” Jah kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
Dzimwe shanduro dzinoti, “Angatoshorwa.”
ChiHeb., “Chiuru ndechako.”