Ezekieri 17:1-24

17  Zvino shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti:  “Mwanakomana womunhu, taura chirahwe,+ utaurire imba yaIsraeri chirevo.+  Uti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Gondo guru,+ raiva nemapapiro makuru,+ neminhenga mirefu, riine mambava mazhinji, aiva nemavara mavara, rakasvika kuRebhanoni,+ rikatora nhengenya+ yomusidhari.+  Rakatanha kamusoro kenhungirwa dzawo duku, rikaenda nako kunyika yeKenani;+ rikakaisa munyika yevatengesi.  Rakatorawo imwe mbeu yenyika yacho,+ rikaiisa mumunda waizodyarwa mbeu. Rakaidyara somushambangwena, sezvinoitwa mushambangwena uri pane mvura zhinji.+  Yakamera, ikazova muzambiringa mupfupi+ unotanda kwazvo, unoita kuti mashizha awo atarire nechomukati; uye zvishoma nezvishoma midzi yawo yakava pasi pawo. Wakazova muzambiringa, ukabudisa nhungirwa uye ukava nemapazi.+  “‘“Zvino kwaiva nerimwe gondo guru,+ raiva nemapapiro makuru, raiva neminhenga mikuru,+ uye tarira! muzambiringa uyu wakaritambanudzira midzi yawo nechido chikuru.+ Wakatambanudzira mashizha awo kwariri kuti riudiridze, uri kure nemihomba yomumunda mawakanga wakadyarwa.+  Wakanga wakatosimwa mumunda wakanaka, waiva pedyo nemvura zhinji,+ kuti ubudise matavi uye ubereke michero, kuti uve muzambiringa mukuru.”’  “Iti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Iwo uchabudirira here?+ Mumwe munhu haazodzuri midzi yawo,+ oita kuti michero yawo ive neman’aran’azha here? Nhungirwa dzawo dzichangobva kutanhwa hadzingaomi here?+ Iwo uchaoma. Hauzodzurwi nemidzi yawo noruoko rune simba kana nevanhu vazhinji. 10  Tarira! kunyange zvazvo wakasimwa, uchabudirira here? Hauzoomi zvachose here, sezvinoitika paunorohwa nemhepo yokumabvazuva?+ Uchaomera mumihomba yenhungirwa dzawo.”’”+ 11  Zvino shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti: 12  “Ndapota, iti kuimba inopandukira,+ ‘Chokwadi hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?’ Iti, ‘Tarirai! Mambo weBhabhironi akauya kuJerusarema, akatora mambo waro+ nemachinda aro, akaenda navo kuBhabhironi kwaaiva.+ 13  Akatorawo mumwe mwana woumambo,+ akaita sungano naye, akaita kuti apike;+ uye akabvisa varume vakuru vomunyika yacho,+ 14  kuti umambo huderere,+ husakwanisa kukura, kuti humire nokuchengeta sungano yake.+ 15  Asi iye akazomupandukira+ nokutuma nhume dzake kuIjipiti, kuti imupe mabhiza+ nevanhu vazhinji. Achabudirira here? Achapukunyuka here, iye ari kuita zvinhu izvi, uye iye akaputsa sungano? Chokwadi iye achapukunyuka here?’+ 16  “‘“Noupenyu hwangu,”+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, “iye achafira kunzvimbo iyoyo iri pakati peBhabhironi,+ nzvimbo yamambo akamugadza kuti ave mambo, asi iye akazvidza mhiko yake+ uye akaputsa sungano yake. 17  Farao neuto rake guru rehondo uye neungano yake yevanhu vazhinji havazoiti kuti abudirire pakurwa,+ nokugadzira rusvingo rwokukomba narwo uye nokuvaka rusvingo rwokurwisa narwo, kuti vaparadze mweya mizhinji.+ 18  Akazvidza mhiko+ nokuputsa sungano, uye tarira! akanga atambanudza ruoko rwake,+ uye akaita zvinhu zvose izvi. Haazopukunyuki.”’+ 19  “‘Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Noupenyu hwangu, mhiko yangu yaakazvidza+ nesungano yangu yaakaputsa—chokwadi ndichazviunza pamusoro wake. 20  Ndichatambanudza mambure angu pamusoro pake, uye achabatwa mumambure angu okuvhimisa;+ uye ndichaenda naye kuBhabhironi, ndomutonga ikoko nokuda kwokusatendeka kwake kwaakandiitira.+ 21  Vapoteri vake vose vari mumapoka ake vachaurayiwa nebakatwa, uye vanenge vasara vacho vachaparadzirwa kwose kwose, iko kumhepo dzose.+ Imi muchaziva kuti ini Jehovha ndazvitaura.”’+ 22  “‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ini ndichatorawo, ndosima dzimwe nhengenya dzomusidhari dziri kumusorosoro;+ ndichatanha davi nyoro+ pamusoro pematavi awo ndorisima pagomo refu rakakwirira.+ 23  Ndicharisima pagomo rakakwirira raIsraeri,+ richabudisa matavi, robereka michero,+ rova musidhari mukuru.+ Pasi pawo pachagara shiri dzose dzine mapapiro emarudzi ose; dzichagara mumumvuri wemashizha awo.+ 24  Miti yose yomusango ichaziva kuti ini Jehovha,+ ndaderedza muti mukuru,+ ndakwidziridza muti wakaderera,+ ndaomesa muti uchiri munyoro+ uye ndaita kuti muti wakaoma utumbuke. Ini Jehovha, ndazvitaura uye ndazviita.”’”+

Mashoko Emuzasi