Ezekieri 3:1-27
3 Zvino akati kwandiri: “Mwanakomana womunhu, idya chaunowana. Idya mupumburu uyu,+ uende, utaure neimba yaIsraeri.”
2 Naizvozvo ndakashama muromo wangu, iye akandidyisa mupumburu uyu zvishoma nezvishoma.+
3 Akati kwandiri: “Mwanakomana womunhu, ita kuti dumbu rako ridye, kuti uzadze ura hwako nomupumburu uyu wandiri kukupa.” Ndakatanga kuudya, ukaita souchi mukanwa mangu nokuda kwokutapira kwawo.+
4 Zvino akaramba achiti kwandiri: “Mwanakomana womunhu, enda upinde pakati peimba+ yaIsraeri, utaure mashoko angu kwavari.
5 Nokuti hausi kutumwa kuvanhu vane mutauro usinganzwisisiki+ kana kuti vane rurimi rwakaoma+—iko kuimba yaIsraeri,
6 kwete kumarudzi mazhinji ane mutauro usinganzwisisiki kana kuti ane rurimi rwakaoma, anotaura mashoko ausingagoni kunzwisisa.+ Kudai ndakutuma kwavari, vanhu vakadaro vaizokuteerera.+
7 Asi imba yaIsraeri icharamba kukuteerera, nokuti havasi kuda kunditeerera;+ nokuti vose veimba yaIsraeri vanhu vane misoro yakaoma nemwoyo yakaoma.+
8 Tarira! ndaomesa chiso chako sezvakangoita zviso zvavo+ uye ndaomesa huma yako sokuoma kwakangoita huma dzavo.+
9 Ndaomesa huma yako sedhaimani, kupfuura dombo rakaoma kwazvo.+ Usavatya,+ uye usavhundutswa nezviso zvavo,+ nokuti ivo iimba inopandukira.”+
10 Akatizve kwandiri: “Mwanakomana womunhu, isa mashoko ose andichakuudza mumwoyo mako,+ unzwe nenzeve dzako.
11 Enda upinde pakati pevanhu vakatapwa,+ pakati pevanakomana vevanhu vokwako, utaure navo, uti kwavari, ‘Izvi ndizvo zvataurwa naChangamire Ishe Jehovha,’ pasinei nokuti vanoteerera here kana kuti vanoramba.”+
12 Zvino mudzimu wakanditakura,+ ndikatanga kunzwa kutinhira kwokumhanya kukuru+ shure kwangu kuchiti: “Kubwinya kwaJehovha ngakukudzwe panzvimbo yake.”+
13 Paiva nokutinhira kwemapapiro ezvisikwa zvipenyu akanga achigunzvana,+ uye kutinhira kwemavhiri aiva pedyo nazvo,+ nokutinhira kwokumhanya kukuru.
14 Mudzimu wakanditakura,+ ukanditora, zvokuti ndakaenda ndiine shungu, ndakatsamwa, uye ruoko rwaJehovha rwaiva pamusoro pangu rwaiva nesimba.+
15 Naizvozvo ndakapinda pakati pevanhu vakatapwa kuTeri-abhibhi, vaigara+ pedyo norwizi rwaKebhari,+ ndikatanga kugara pavakanga vachigara; uye ndakaramba ndigere ipapo kwemazuva manomwe, ndakadumbirwa ndiri pakati pavo.+
16 Zvino mazuva manomwe apera, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti:
17 “Mwanakomana womunhu, ndakakugadza kuti uve murindi weimba yaIsraeri,+ unofanira kunzwa mashoko anobva mumuromo mangu uye unofanira kuvanyevera zvinobva kwandiri.+
18 Kana ini ndikati kumunhu akaipa, ‘Chokwadi uchafa,’+ asi iwe ukarega kumunyevera kana kutaura kuti unyevere munhu akaipa panzira yake yakaipa kuti umuchengetedze ari mupenyu,+ iye zvaari munhu akaipa, achafira mukukanganisa kwake,+ asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.+
19 Asi kana iwe uchinge wanyevera munhu akaipa,+ iye akasatendeuka pane zvakaipa zvake uye panzira yake yakaipa, iye achafira kukanganisa kwake;+ asi iwe uchange wanunura mweya wako.+
20 Zvino kana munhu akarurama akarega kuita zvakarurama+ oita zvisina kururama, ini ndoisa chinhu chinogumbura pamberi pake,+ iye achafa nokuti hauna kumunyevera. Iye achafira chivi chake,+ uye mabasa ake akarurama aakaita haazoyeukwi,+ asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.+
21 Asi kana iwe uchinge wanyevera munhu akarurama, kuti munhu wacho akarurama arege kutadza,+ iye akasatadza, chokwadi iye acharamba achirarama nokuti akanga anyeverwa,+ uye iwe uchange wanunura mweya wako.”+
22 Zvino ruoko rwaJehovha rwakauya pamusoro pangu ndiri ipapo, iye akati kwandiri: “Simuka uende kubani,+ uye ini ndichataura newe ikoko.”
23 Naizvozvo ndakasimuka, ndikaenda kubani, uye tarira! kubwinya kwaJehovha kwakanga kwakamira ikoko,+ kwakaita sokubwinya kwandakanga ndamboona pedyo norwizi rwaKebhari,+ ndikawira pasi nechiso changu.+
24 Mudzimu wakabva wapinda mukati mangu,+ ukaita kuti ndimire netsoka dzangu,+ iye akatanga kutaura neni, akati:
“Enda uzvivharire mumba mako.
25 Zvino iwe, haiwa mwanakomana womunhu, tarira! vachaisa tambo pauri vokusunga nadzo zvokuti haungabudi uchinopinda pakati pavo.+
26 Ndichaita kuti rurimi rwako runamatire kumusoro kwomukanwa mako,+ uchava mbeveve,+ uye hauzovi munhu anovatsiura,+ nokuti ivo iimba inopandukira.+
27 Pandinotaura newe ndichavhura muromo wako, uye iwe uti kwavari,+ ‘Izvi ndizvo zvataurwa naChangamire Ishe Jehovha.’ Munhu anonzwa ngaanzwe,+ uye anoramba ngaarambe, nokuti ivo iimba inopandukira.+

