Ezekieri 15:1-8

15  Zvino shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti: 2  “Mwanakomana womunhu, ko muzambiringa,+ iro davi riri pakati pemiti yomusango, wakasiyanei nemimwe miti yose? 3  Danda rokuitisa basa ringatorwa pauri here? Kana kuti vanhu vanotora pauri hoko yokuturika chero mudziyo upi zvawo here? 4  Tarira! Iwo unofanira kuiswa mumoto kuti uve huni.+ Moto uchaparadza miromo yawo miviri, uye pakati pawo pachatsva.+ Wakakodzera basa chero ripi zvaro here? 5  Tarira! Paunenge usina chawaitwa, haushandiswi pabasa chero ripi zvaro. Zvino zvakadini nepaunenge wapiswa nomoto, watsva, ungashandiswa pabasa chero ripi zvaro here!”+ 6  “Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Kungofanana nomuzambiringa uri pakati pemiti yomusango, wandakaita kuti uve huni, ndizvo zvandakaitawo vagari vomuJerusarema.+ 7  Ndavatarira ndakatsamwa.+ Vakabuda mumoto, asi moto uchavaparadza.+ Imi muchaziva kuti ndini Jehovha, pandinovatarira ndakatsamwa.’”+ 8  “‘Ndichaita kuti nyika ive dongo,+ nokuti vakava vasina kutendeka,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.”

Mashoko Emuzasi