Shona
Chii Chinonzi Zuva Rekutongwa?
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/2015328/univ/art/2015328_univ_sqr_xl.jpg

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Chii Chinonzi Zuva Rekutongwa?

Sei zuva rekutongwa richizofadza?

Panguva inotaurwa muBhaibheri, Mwari aiponesa vanhu vake vaidzvinyirirwa achishandisa vatongi. (Vatongi 2:18) Bhaibheri rinoti Zuva Rekutongwa richange richifadza nekuti Mutongi wenyika yose Jehovha, achaponesa vanhu kuti vasadzvinyirirwa.—Verenga Pisarema 96:12, 13; Isaya 26:9.

Mwari akapa Jesu basa rekuti atonge zvakanaka vapenyu nevakafa. (Mabasa 10:42; 17:31) Kune vanhu vakawanda vakafa vasingazivi Mwari. PaZuva Rekutongwa, Jesu achavamutsa kuti vapiwe mukana wekudzidza nezvaMwari wechokwadi uye wekuti varatidze kuti vanoda Mwari.—Verenga Mabasa 24:15.

Sei Zuva Rekutongwa Richizova Makore 1 000?

Vakafa vachamutswa mumakore iwayo 1 000. (Zvakazarurwa 20:4, 12) Vachawana nguva yekudzidza nezvaMwari kuti vamuteerere. Kusiyana nezvinotaurwa nevakawanda, Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vachatongwa zvichienderana nezvavachaita pashure pekunge vamutswa.—Verenga VaRoma 6:7.

Bhaibheri rinotaurawo nezvezuva rekutongwa richangoerekana rasvika, makore 1 000 asati atanga. Munyaya dziri kwekutanga mumagazini ino, zuva iroro rinonziwo mugumo. Pazuva iroro, Mwari achaparadza vanhu vose vakaipa, vasingamudi. (2 Petro 3:7) Saka zvinokosha kuti tiratidze kuti tinoda Mwari.—Verenga 2 Petro 3:9, 13.