Vatongi 2:1-23
2 Zvino ngirozi yaJehovha+ yakabva kuGirigari+ ikaenda kuBhokimu, ikati: “Ndakakubudisai muIjipiti, ndikakupinzai munyika yandakapikira madzitateguru enyu.+ Uyezve ndakati, ‘Handizomboputsi sungano yangu nemi.+
2 Imiwo hamufaniri kuita sungano nevagari vemunyika ino+ uye munofanira kuputsa atari dzavo.’+ Asi hamuna kuteerera inzwi rangu.+ Makaitirei zvakadaro?
3 Ndokusaka ndakatiwo, ‘Handisi kuzovadzinga pamberi penyu,+ vachava musungo kwamuri+ uye vanamwari vavo vachakukwezvai vokutsausai.’”+
4 Ngirozi yaJehovha payakataura mashoko aya kuvaIsraeri vese, vakatanga kuchema vachiridza mhere.
5 Saka vakatumidza nzvimbo iyi zita rekuti Bhokimu* uye vakapa zvibayiro kuna Jehovha ipapo.
6 Joshua paakaita kuti vaIsraeri vaende, mumwe nemumwe wavo akaenda kunhaka yake kuti anotora nyika yacho.+
7 Vanhu vakaramba vachishumira Jehovha mazuva ese aJoshua nemazuva ese evakuru vakasara vachirarama Joshua afa avo vakanga vaona zvinhu zvese zvikuru zvakanga zvaitirwa vaIsraeri naJehovha.+
8 Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akazofa ava nemakore 110.+
9 Saka vakamuviga munyika yenhaka yake muTimnati-heresi+ munyika ine makomo yaEfremu, kuchamhembe kweGomo reGaashi.+
10 Chizvarwa chese ichocho chakaiswa kwakaiswa madzitateguru acho,* uye pakabva pauya chimwe chizvarwa chakanga chisingazivi Jehovha kana zvaakanga aitira Israeri.
11 Saka vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira* vanaBhaari.+
12 Vakasiya Jehovha Mwari wemadzibaba avo, uyo akavabudisa munyika yeIjipiti.+ Uye vakatevera vamwe vanamwari, ivo vanamwari vemarudzi aiva akavapoteredza,+ uye vakavakotamira, vakagumbura Jehovha.+
13 Vakasiya Jehovha, vakashumira Bhaari nemifananidzo yaAshtoreti.+
14 Jehovha akabva atsamwira vaIsraeri kwazvo, saka akavaisa mumaoko evapambi, avo vakabva vavapamba.+ Akavatengesa mumaoko evavengi vakanga vakavapoteredza,+ uye vaIsraeri vakanga vasingachakwanisi kumirisana nevavengi vavo.+
15 Kwese kwavaienda, ruoko rwaJehovha rwaivarwisa, ruchivaunzira dambudziko,+ sezvakanga zvataurwa naJehovha uye sekupika kwakanga kwaita Jehovha kwavari,+ uye vakatambura chaizvo.+
16 Saka Jehovha aibva avapa vatongi, avo vaivaponesa kubva mumaoko evapambi vavo.+
17 Asi vakaramba kuteerera kunyange vatongi vacho, uye vaiita upfambi nevamwe vanamwari, vachivapfugamira. Vakakurumidza kutsauka panzira yakanga yafambwa nemadzitateguru avo, aya akanga ateerera mirayiro yaJehovha.+ Ivo vakatadza kuitawo izvozvo.
18 Pese pavaipiwa vatongi naJehovha,+ Jehovha aibva ava nemutongi wacho ovaponesa kubva mumaoko evavengi vavo mazuva ese emutongi wacho; nekuti Jehovha aivanzwira tsitsi*+ nekugomera kwavaiita kwaikonzerwa nevaya vaivadzvinyirira+ nevaya vaivaitira utsinye.
19 Asi paifa mutongi wacho, vaibva vatangazve kuita zvakashata kupfuura madzibaba avo vachitevera vamwe vanamwari vachivashumira nekuvakotamira.+ Havana kurega mabasa avo neunhu hwavo hwekuoma musoro.
20 Jehovha akazopedzisira atsamwira Israeri kwazvo,+ akati: “Nemhaka yekuti rudzi urwu rwaputsa sungano yangu+ yandakarayira madzitateguru avo, rukarega kunditeerera,+
21 ini handichadzingiwo pamberi pavo kunyange rudzi rumwe chete zvarwo pamarudzi akasiyiwa naJoshua paakafa.+
22 Ndichaita izvi kuti ndione kuti vaIsraeri vacharamba vari munzira yaJehovha+ here vachifamba mairi sezvakaitwa nemadzibaba avo.”
23 Saka Jehovha akasiya marudzi aya aripo. Haana kukurumidza kuadzinga, uye haana kuaisa muruoko rwaJoshua.
Mashoko Emuzasi
^ Kureva kuti “Vanhu Vari Kuchema.”
^ Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.
^ Kana kuti “vakanamata.”
^ Kana kuti “aizvidemba.”