Vatongi 2:1-23

  • Nyevero inobva kungirozi yaJehovha (1-5)

  • Kufa kwaJoshua (6-10)

  • VaIsraeri vanopiwa vatongi kuti vavaponese (11-23)

2  Zvino ngirozi yaJehovha+ yakabva kuGirigari+ ikaenda kuBhokimu, ikati: “Ndakakubudisai muIjipiti, ndikakupinzai munyika yandakapikira madzitateguru enyu.+ Uyezve ndakati, ‘Handizomboputsi sungano yangu nemi.+  Imiwo hamufaniri kuita sungano nevagari vemunyika ino+ uye munofanira kuputsa atari dzavo.’+ Asi hamuna kuteerera inzwi rangu.+ Makaitirei zvakadaro?  Ndokusaka ndakatiwo, ‘Handisi kuzovadzinga pamberi penyu,+ vachava musungo kwamuri+ uye vanamwari vavo vachakukwezvai vokutsausai.’”+  Ngirozi yaJehovha payakataura mashoko aya kuvaIsraeri vese, vakatanga kuchema vachiridza mhere.  Saka vakatumidza nzvimbo iyi zita rekuti Bhokimu* uye vakapa zvibayiro kuna Jehovha ipapo.  Joshua paakaita kuti vaIsraeri vaende, mumwe nemumwe wavo akaenda kunhaka yake kuti anotora nyika yacho.+  Vanhu vakaramba vachishumira Jehovha mazuva ese aJoshua nemazuva ese evakuru vakasara vachirarama Joshua afa avo vakanga vaona zvinhu zvese zvikuru zvakanga zvaitirwa vaIsraeri naJehovha.+  Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akazofa ava nemakore 110.+  Saka vakamuviga munyika yenhaka yake muTimnati-heresi+ munyika ine makomo yaEfremu, kuchamhembe kweGomo reGaashi.+ 10  Chizvarwa chese ichocho chakaiswa kwakaiswa madzitateguru acho,* uye pakabva pauya chimwe chizvarwa chakanga chisingazivi Jehovha kana zvaakanga aitira Israeri. 11  Saka vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira* vanaBhaari.+ 12  Vakasiya Jehovha Mwari wemadzibaba avo, uyo akavabudisa munyika yeIjipiti.+ Uye vakatevera vamwe vanamwari, ivo vanamwari vemarudzi aiva akavapoteredza,+ uye vakavakotamira, vakagumbura Jehovha.+ 13  Vakasiya Jehovha, vakashumira Bhaari nemifananidzo yaAshtoreti.+ 14  Jehovha akabva atsamwira vaIsraeri kwazvo, saka akavaisa mumaoko evapambi, avo vakabva vavapamba.+ Akavatengesa mumaoko evavengi vakanga vakavapoteredza,+ uye vaIsraeri vakanga vasingachakwanisi kumirisana nevavengi vavo.+ 15  Kwese kwavaienda, ruoko rwaJehovha rwaivarwisa, ruchivaunzira dambudziko,+ sezvakanga zvataurwa naJehovha uye sekupika kwakanga kwaita Jehovha kwavari,+ uye vakatambura chaizvo.+ 16  Saka Jehovha aibva avapa vatongi, avo vaivaponesa kubva mumaoko evapambi vavo.+ 17  Asi vakaramba kuteerera kunyange vatongi vacho, uye vaiita upfambi nevamwe vanamwari, vachivapfugamira. Vakakurumidza kutsauka panzira yakanga yafambwa nemadzitateguru avo, aya akanga ateerera mirayiro yaJehovha.+ Ivo vakatadza kuitawo izvozvo. 18  Pese pavaipiwa vatongi naJehovha,+ Jehovha aibva ava nemutongi wacho ovaponesa kubva mumaoko evavengi vavo mazuva ese emutongi wacho; nekuti Jehovha aivanzwira tsitsi*+ nekugomera kwavaiita kwaikonzerwa nevaya vaivadzvinyirira+ nevaya vaivaitira utsinye. 19  Asi paifa mutongi wacho, vaibva vatangazve kuita zvakashata kupfuura madzibaba avo vachitevera vamwe vanamwari vachivashumira nekuvakotamira.+ Havana kurega mabasa avo neunhu hwavo hwekuoma musoro. 20  Jehovha akazopedzisira atsamwira Israeri kwazvo,+ akati: “Nemhaka yekuti rudzi urwu rwaputsa sungano yangu+ yandakarayira madzitateguru avo, rukarega kunditeerera,+ 21  ini handichadzingiwo pamberi pavo kunyange rudzi rumwe chete zvarwo pamarudzi akasiyiwa naJoshua paakafa.+ 22  Ndichaita izvi kuti ndione kuti vaIsraeri vacharamba vari munzira yaJehovha+ here vachifamba mairi sezvakaitwa nemadzibaba avo.” 23  Saka Jehovha akasiya marudzi aya aripo. Haana kukurumidza kuadzinga, uye haana kuaisa muruoko rwaJoshua.

Mashoko Emuzasi

Kureva kuti “Vanhu Vari Kuchema.”
Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.
Kana kuti “vakanamata.”
Kana kuti “aizvidemba.”