Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mubvunzo 2: Chii Chichaitika Kwandiri Kana Ndafa?

Mubvunzo 2: Chii Chichaitika Kwandiri Kana Ndafa?

ROMAN akanga achiri muduku shamwari yake yepamwoyo payakafa mutsaona yemotokari. “Kufa kweshamwari yangu kwakandirwadza zvisingaiti,” anodaro. “Ndakapedza makore akawanda ndichinetseka kuti chii chinoitika patinofa.”

Sei vanhu vachizobvunza mubvunzo iwoyo?

Rufu harujairiki. Pasinei nezera redu, tagara hatidi kufa. Vakawanda vanotya zvinozoitika kwavari kana vafa.

Vamwe vanopindura sei?

Vakawanda vanoti kana munhu afa, pane mweya unosara uri mupenyu. Vanofunga kuti vanhu vakanaka vachapiwa mubayiro wokuenda kudenga, vakaipa vorangirwa zvivi zvavo nokusingaperi. Vamwe vanofunga kuti kana munhu afa zvinongoperawo zvakadaro, obva akanganwika zvachose.

Mhinduro idzodzo dzinopa pfungwa dzipi?

Mhinduro yokutanga inopa pfungwa yokuti pane chinosara chichirarama kana munhu afa. Yechipiri inopa pfungwa yokuti upenyu hahuna chinangwa. Vaya vanoti upenyu hahuna chinangwa vangava nemaonero okuti chero zvazvaita, zvokuti vanoguma vava kungoti: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.”—1 VaKorinde 15:32.

Bhaibheri rinodzidzisei?

Haridzidzisi kuti kana munhu afa mweya unosara uri mupenyu. Mwari akafuridzira Mambo Soromoni kuti anyore kuti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Kana zvichinzi ‘havana chavanoziva’ zvinoreva kuti vanenge vasingachatombozivi kuti kunze kuri kuitikei. Havarwadziwi kana kufara uye havana chavanogona kuita. Saka vakafa havagoni kubatsira vapenyu kana kuti kuvakuvadza.

Kusiyana nezvinofungwa nevakawanda, kufa kwevanhu hachisi chinangwa chaMwari. Akasika munhu wokutanga Adhamu aine tarisiro yokuti achararama nokusingaperi pasi pano. Jehovha akazongotaura nezverufu paakaudza  Adhamu chirango chaaizomupa kana akasateerera. Akarambidza Adhamu kudya muchero womumwe muti achibva amuyambira kuti ‘chokwadi aizofa’ kana akaudya. (Genesisi 2:17) Kudai Adhamu naEvha nevana vavo vose vaizoramba vachiteerera Mwari, vaizorarama nokusingaperi pasi pano.

Adhamu akasarudza kusateerera yambiro yaMwari. Akaita chivi paakarega kuteerera Mwari, saka akafa. (VaRoma 6:23) Hapana chimwe chinhu chakabva maari chikasara chichirarama. Asi paakafa akabva angotsakatika. Mwari akati kuna Adhamu: “Uchadya zvokudya zveziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.” (Genesisi 3:19) Tose takabva kuna Adhamu, saka takagara nhaka chivi norufu.—VaRoma 5:12.

Pasinei nokuti Adhamu akasarudza kusateerera, Mwari achazadzisa chinangwa chake chokuti nyika izare nevana vaAdhamu. (Genesisi 1:28; Isaya 55:11) Munguva pfupi iri kuuya, Jehovha achamutsa ruzhinji rwevakafa. Muapostora Pauro akataura nezvenguva iyoyo achiti: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.”—Mabasa 24:15.

Roman ambotaurwa akadzidza Bhaibheri akaziva zvarinodzidzisa nezverufu uye nezvaJehovha Mwari. Zvaakazoziva zvakamubaya mwoyo chaizvo. Verenga nyaya youpenyu hwake iri papeji 11 yemagazini ino.panyaya yakanzi “Bhaibheri Rinochinja Upenyu”.