Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pane Chakaipa Here Nokubvunza Mwari?

Pane Chakaipa Here Nokubvunza Mwari?

VAMWE vanoti hazvina kunaka kubvunza Mwari. Vanofunga kuti kubvunza Mwari kuti sei achiita kana kusaita zvimwe zvinhu kunoratidza kuti hausi kumuremekedza. Ndozvaunofungawo here?

Kana zvirizvo zvaunofunga, ungashamisika kuziva kuti vanhu vakawanda vaiva vakarurama vakatombobvunzawo Mwari mibvunzo. Chimboona zvimwe zvavakamubvunza:

Murume aiva akatendeka Jobho akati: “Munovanzirei chiso chenyu, mondiona somuvengi wenyu?”Jobho 13:24.

Muprofita aiva akavimbika Habhakuki akati: “Munotaririrei vanonyengera, muchiramba makanyarara munhu akaipa paanomedza munhu akarurama kupfuura iye?”Habhakuki 1:13.

Jesu Kristu akati: “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?”Mateu 27:46.

Kana ukaverenga ndima dziri pedyo nemashoko aya, uchaona kuti hapana panoratidza kuti Jehovha * Mwari akagumbuka paakabvunzwa mibvunzo iyoyo. Izvi hazvifaniri kutishamisa. Somuenzaniso, Mwari haagumbuki patinomukumbira kuti atipe zvatinoda pakurarama zvinoita kuti miviri yedu irambe iine utano hwakanaka. Anotipa zvinhu izvozvo achifara. (Mateu 6:11, 33) Uyewo anotipa mashoko anotibatsira kuti pfungwa dzedu dzigadzikane. (VaFiripi 4:6, 7) Jesu akatoudza vadzidzi vake kuti: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa.” (Mateu 7:7) Mamwe mashoko akataurwa naJesu paakataura izvi anoratidza kuti akanga asingangotauri nezvekupiwa zvinhu zvokurarama nazvo, asiwo mhinduro dzemibvunzo inokosha.

Kudai waizopiwa mukana wokubvunza Mwari, waizomubvunza mubvunzo upi pane inotevera?

  • Ndinomboraramirei?
  • Chii chichaitika kwandiri kana ndafa?
  • Nei muchindirega ndichitambura?

Sezvo “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari,” uchawana mhinduro dzinopiwa naMwari muShoko rake Bhaibheri. (2 Timoti 3:16) Ngatimboona chakaita kuti vamwe vabvunze mibvunzo iri pamusoro apa, toonawo mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo iyoyo.

^ ndima 7 Bhaibheri rinoratidza kuti zita raMwari ndiJehovha.