Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munyengetero—Tinofanira Kunyengetera Nezvei?

Munyengetero—Tinofanira Kunyengetera Nezvei?

PAMINYENGETERO inopiwa nevaKristu munyika dzakawanda uyu ndiwo unonzi unodzokororwa wadzokororwazve. Dzingava dziri nhema kana kuti chokwadi, munyengetero uyo Jesu akadzidzisa nezvawo unonzi Munyengetero waShe kana kuti waBaba Vedu Vari Kudenga haunzwisiswi nevanhu vakawanda. Mamiriyoni evanhu anoudzokorora nomusoro dzimwe nguva kakatowanda zuva roga roga. Asi Jesu haana kumboti munyengetero uyu waifanira kudzokororwa. Tinoziva sei?

Asati ataura munyengetero iwoyo, Jesu akati: “Paunenge uchinyengetera, usadzokorora-dzokorora zvinhu zvakafanana.” (Mateu 6:7) Saka Jesu paakataura mashoko omunyengetero uyu aireva here kuti aifanira kudzidzirwa nomusoro uye kudzokororwa? Aiwa! Asi Jesu aitidzidzisa zvatinofanira kunyengeterera uye aitiudza zvatinofanira kunyanyofunga nezvazvo patinenge tichinyengetera. Ngatimbonyatsoongororai zvaakataura. Munyengetero wacho wakanyorwa pana Mateu 6:9-13.

“Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.”

Jesu pano aiyeuchidza vateveri vake kuti minyengetero yose inofanira kuenda kuna Baba vake Jehovha. Asi unoziva here kuti sei zita raMwari richikosha uye sei richifanira kutsveneswa?

Kubva pakasikwa vanhu, zita raMwari dzvene rakasvibiswa nemanyepo. Satani, muvengi waMwari, akati Jehovha Mutongi anonyepa, anongozvifunga iye, asina kodzero yokutonga zvisikwa zvake. (Genesisi 3:1-6) Vakawanda vanototsigira Satani, vachidzidzisa kuti Mwari haana hanya, ane utsinye, haakanganwiri, uye vanotoramba zvachose kuti Iye ndiye Musiki. Vamwe havatombodi kunzwa nezvezita rake, vanobvisa zita rokuti Jehovha mushanduro dzeBhaibheri uye vanorambidza kuti rishandiswe.

Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari achagadzirisa kusaruramisira kwose uku. (Ezekieri 39:7) Paachaita izvi, achakupa zvose zvaunoda uye achagadzirisa matambudziko ako ose. Achazviita sei? Mashoko anotevera omunyengetero waJesu anopa mhinduro yacho.

“Umambo hwenyu ngahuuye.”

Mazuva ano vadzidzisi vezvitendero havatombonzwisisi nezvoUmambo hwaMwari. Asi sokuziva kwaiita vateereri vaJesu, vaprofita vaMwari vakanga vanguri vaprofita kuti Mesiya, Muponesi akasarudzwa naMwari, aizotonga Umambo hwaizochinja nyika. (Isaya 9:6, 7; Dhanieri 2:44) Huchatsvenesa zita raMwari nokufumura nhema dzaSatani uye kuparadza Satani pamwe nemabasa ake. Umambo hwaMwari huchagumisa hondo, urwere, nzara kunyange rufu chairwo. (Pisarema 46:9; 72:12-16; Isaya 25:8; 33:24) Paunonyengetera kuti Umambo hwaMwari huuye, unenge uchinyengeterera kuti zvinhu zvose zvaakapikira zviitike.

“Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.”

Mashoko aJesu anoratidza kuti kuda kwaMwari kuchatoitika panyika sezvakunoitwa kudenga, kunogara Mwari. Kuda kwaMwari kwakatoitika kudenga; ikoko Mwanakomana waMwari akarwa hondo naSatani pamwe nevatsigiri vake, akavakandira panyika. (Zvakazarurwa 12:9-12) Kungofanana nezvikumbiro zviviri zvokutanga, chikumbiro chechitatu chomumunyengetero waJesu chinotibatsira kuti tirambe tichifunga nezvezvinonyanyokosha, kuda kwaMwari kwete kuda kwedu. Kuda kwake ndiko kuchaunza zvakanakisisa zvinodiwa nezvisikwa zvose. Ndokusaka munhu akakwana chaiye Jesu akati kuna Baba vake: “Kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kwenyu.”—Ruka 22:42.

“Tipei nhasi zvokudya zvedu.”

Jesu akaratidza kuti tinogonawo kunyengeterera zvatinoda zvokurarama nazvo. Hapana chakaipa nokunyengetera kuna Mwari kuti atipe zvatinoda zuva nezuva. Kuita izvi kunototiyeuchidza kuti Jehovha ndiye “anopa vanhu vose upenyu nemhepo yokufema nezvinhu zvose.” (Mabasa 17:25) Bhaibheri rinoratidza kuti iye mubereki ane rudo anofarira kupa vana vake zvavanoda. Somubereki akanaka, haazombotipi zvinhu zvaanoziva kuti zvinotikuvadza.

“Tikanganwirei zvivi zvedu.”

Unoda kuti Mwari akukanganwire here? Vakawanda havachatombozivi kuti chivi chii uye kuti chakaipirei. Bhaibheri rinodzidzisa kuti chivi ndicho chinokonzera matambudziko ose, nokuti ndicho chakakonzera rufu kuvanhu. Pamusana pokuti takaberekwa tiine zvivi tinotadza kakawanda uye tariro yatinongova nayo yeramangwana rakanaka inobva pakukanganwirwa naMwari. (VaRoma 3:23; 5:12; 6:23) Zvinonyaradza kuziva kuti Bhaibheri rinoti: “Haiwa Jehovha, . . . imi makanaka uye makagadzirira kukanganwira.”—Pisarema 86:5.

“Tinunurei pane akaipa.”

Unonyatsoziva here kuti nei uchida kudzivirirwa naMwari nokukurumidza? Vakawanda havatombobvumi kuti “akaipa,” Satani aripo. Asi Jesu akadzidzisa kuti Satani ariko zvechokwadi uye akatomudana kuti “mutongi wenyika ino.” (Johani 12:31; 16:11) Satani ashatisa nyika ino yaanotonga uye ari kutoda kukutsausawo kuti usava noukama hwepedyo naBaba vako Jehovha. (1 Petro 5:8) Asi Jehovha ane simba nekure kupfuura Satani uye anofara kudzivirira vaya vanomuda.

Pfupiso iyi yepfungwa huru dzomumunyengetero waJesu haina kubva yataura zvose zvatinofanira kunyengeterera. Yeuka kuti 1 Johani 5:14 inoti nezvaMwari: “Zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye anotinzwa.” Saka usazvidye mwoyo nokufunga kuti matambudziko ako haaiti kuti uataure kuna Mwari.—1 Petro 5:7.

Patinonyengetera zvine basa here kuti tiripi uye nguvai?