Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mumabhuku aHagai naZekariya

Pfungwa Huru Dzatinowana Mumabhuku aHagai naZekariya

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mumabhuku aHagai naZekariya

IGORE ra520 B.C.E. Makore gumi nematanhatu apfuura kubva panguva yakaiswa faundesheni yetemberi yaJehovha muJerusarema nevaJudha vakanga vadzoka kubva kuBhabhironi kwavakanga vatapwa. Asi temberi yacho haisati yapera, uye basa rokuivaka rakarambidzwa. Jehovha anosarudza muprofita Hagai uye pashure pemwedzi miviri anosarudza Zekariya kuti vaviri ava vataure shoko rake.

Hagai naZekariya vane chinangwa chimwe chete chokukurudzira vanhu kuti vatangezve basa rokuvaka temberi. Vaprofita ava vanobudirira uye pashure pemakore mashanu temberi inopera kuvakwa. Zvakaziviswa naHagai naZekariya zvakanyorwa mumabhuku eBhaibheri ane mazita avo. Bhuku raHagai rakapera kunyorwa muna 520 B.C.E. uye raZekariya muna 518 B.C.E. Isuwo takafanana nevaprofita ivavo pakuti tine basa ratakapiwa naMwari, rinofanira kupedzwa nyika ino isati yaguma. Ibasa rokuparidza Umambo nerokudzidzisa vanhu. Ngationei kuti mabhuku aHagai naZekariya anotikurudzira sei.

“MWOYO YENYU NGAIFUNGE NEZVENZIRA DZENYU”

(Hagai 1:1–2:23)

Mumazuva 112 Hagai anozivisa zvinhu zvina zvinokurudzira. Chokutanga ndechokuti: “‘Mwoyo yenyu ngaifunge nezvenzira dzenyu.’ Kwirai mugomo, muuye nematanda. Vakai imba, kuti ndiifarire uye ndikudzwe,’ Jehovha adaro.” (Hagai 1:7, 8) Vanhu vakaita zvavakataurirwa. Chechipiri Hagai anozivisa zvakavimbiswa naJehovha zvokuti: “Ndichazadza imba ino nokubwinya.”—Hagai 2:7.

Shoko rechitatu rinoratidza kuti kuregeredza kwavaita basa rokuvakazve temberi kwaita kuti ‘vanhu nebasa rose remaoko avo’ zvive zvisina kuchena pamberi paJehovha. Zvisinei, basa rokuvakazve rikangotanga, Jehovha ‘achavakomborera.’ Shoko rechina rinoti Jehovha acha“tsakatisa simba roumambo hwemarudzi” oita Gavhuna Zerubhabheri se“rin’i yokusimbisa nayo.”—Hagai 2:14, 19, 22, 23.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:6—Mashoko okuti “munonwa, asi hamudhakwi” anorevei? Mashoko aya ari kungoreva kushomeka kwewaini. Nemhaka yokusakomborerwa naJehovha, waini yaizoita shoma zvokutotadza kudhaka munhu.

2:6, 7, 21, 22—Ndiani uye chii chiri kukonzera kuzununguka, uye kunoguma nei? Jehovha ndiye ari ‘kuzunungusa marudzi ose’ kuburikidza nebasa rokuparidza shoko roUmambo. Basa rokuparidza rinoitawo kuti “zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose” zviuye kumba kwaJehovha, zvoizadza nokubwinya. Nokufamba kwenguva, “Jehovha wemauto” achazunungusa “matenga nenyika negungwa nenyika yakaoma,” achiita kuti nyika iripo iye zvino itsakatiswe.—VaHebheru 12:26, 27.

2:9—‘Kubwinya kweimba yazvino kwaizova kukuru kupfuura kweyokutanga’ munzira dzipi? Izvi zvaizoitika munzira nhatu kana kupfuura. Yokutanga: makore aizogara temberi yacho iripo, yechipiri: munhu aizodzidzisa mairi, uye yechitatu: vanhu vaizodirana kwairi kuzonamata Jehovha. Kunyange zvazvo temberi yaSoromoni yaiva nembiri yakagara kwemakore 420, kubvira muna 1027 B.C.E. kusvikira muna 607 B.C.E, “imba yazvino” yakashandiswa kwemakore anopfuura 580, kubvira payakapera kuvakwa muna 515 B.C.E. kusvikira payakaparadzwa muna 70 C.E. Uyezve Mesiya, Jesu Kristu, akadzidzisa ari mu“imba yazvino,” uye vanhu vakawanda vakauya mairi kuzonamata Mwari kupfuura vomuimba “yokutanga.”—Mabasa 2:1-11.

Zvatinodzidza:

1:2-4. Kupikiswa kwatinoitwa tichiita basa redu rokuparidzira hakufaniri kuita kuti tichinje zvinhu zvatinokoshesa zvoku“kutsvaka umambo” totanga kutsvaka zvinhu zvatinoda.—Mateu 6:33.

1:5, 7. Zvakanaka kuti tiite kuti ‘mwoyo yedu ifunge nezvenzira dzedu’ toona kuti mararamiro edu haasi kukanganisa here ukama hwedu naMwari.

1:6, 9-11; 2:14-17. VaJudha vomunguva yaHagai vaishanda nesimba pazvinhu zvavaida asi hapana chavaiwana. Vakanga vasisina hanya netemberi, saka Mwari haana kuvakomborera. Tinofanira kuisa zvinhu zvokunamata pakutanga toita basa raMwari nomwoyo wose, tichiyeuka kuti kunyange tiine zvishoma kana zvakawanda, “chikomborero chaJehovha ndicho chinopfumisa.”—Zvirevo 10:22.

2:15, 18. Jehovha akakurudzira vaJudha kuti vaite kuti mwoyo yavo ifunge nezvebasa rokuvakazve temberi ravaizoita, kwete kuti vafunge nezvokusava nehanya nayo zvavakanga vamboita. Tinofanirawo kuedza kuisa pfungwa dzedu pane ramangwana sezvatinonamata Mwari.

‘HAZVIITWI NESIMBA, ASI NOMUDZIMU WANGU’

(Zekariya 1:1–14:21)

Zekariya anotanga basa rake rokuprofita nokuudza vaJudha kuti ‘vadzoke kuna Jehovha.’ (Zekariya 1:3) Zvinhu zvisere zvaanozoratidzwa zvinovimbisa kuti Mwari anotsigira basa rokuvakazve temberi. (Ona bhokisi rakanzi “Zvinhu Zvisere Zvakaratidzwa Zekariya.”) Basa rokuvaka richapera, kwete “nehondo, kana nesimba, asi nomudzimu,” waJehovha. (Zekariya 4:6) Murume anonzi Nhungirwa “achavaka temberi yaJehovha” uye “achava mupristi ari pachigaro chake choumambo.”—Zekariya 6:12, 13.

Bheteri inotumira nhume kuti dzinobvunza vapristi nezvokutsanya kwevanhu vachiyeuka kuparadzwa kweJerusarema. Jehovha anoudza Zekariya kuti kuchema kuri kuitwa pavari kutsanya kanosvika ka4 vachiyeuka dambudziko rakawira Jerusarema kuchachinja kuva “kupembera nomufaro uye kufara nemwaka yemitambo.” (Zekariya 7:2; 8:19) Zvirevo zviviri zvinotevera zvinosanganisira kutongwa kwemarudzi nokwevaprofita venhema, uprofita hunotaura nezvaMesiya, uye shoko rokudzorerwa kwevanhu vaMwari.—Zekariya 9:1; 12:1.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:1—Nei mumwe murume aiyera Jerusarema netambo? Zviri pachena kuti izvi zvairatidza kuvakwa kworusvingo rwokudzivirira rwaipoteredza guta racho. Ngirozi inozivisa murume wacho kuti Jerusarema richawedzera kukura uye richadzivirirwa naJehovha.—Zekariya 2:3-5.

6:11-13—Kupfekedzwa korona kwoMupristi Mukuru Joshua kwakamuita mupristi uye mambo here? Aiwa, nokuti Joshua akanga asiri weimba youshe yaDhavhidhi. Zvisinei, kupfekedzwa kwake korona kwaifananidzira Mesiya. (VaHebheru 6:20) Uprofita hune chokuita ne“Nhungirwa” hwakazadzika muna Mambo uye Mupristi wokudenga Jesu Kristu. (Jeremiya 23:5) Sezvo Joshua aiva mupristi mukuru paivakwazve temberi nevaJudha vakanga vadzoka, naizvozvowo Jesu ndiye Mupristi Mukuru wokunamata kwechokwadi patemberi yaJehovha yomudzimu.

8:1-23—Zvirevo gumi zvakaziviswa mundima idzi zvakazadzika rini? Chimwe nechimwe ivimbiso yaMwari yokuti vanhu vake vachava norugare uye chinotanga nemashoko okuti “Zvanzi naJehovha wemauto.” Zvimwe zvirevo zvacho zvakazadzika muzana remakore rechitanhatu B.C.E., asi zvose zvingave zvakazadzika kubvira muna 1919 C.E. kana kuti zviri kutozadzika iye zvino. *

8:3—Nei Jerusarema richinzi “guta rechokwadi”? Risati raparadzwa muna 607 B.C.E., Jerusarema raiva “guta rinodzvinyirira,” raiva nevaprofita nevapristi vaiva nouori uye vanhu vasina kutendeka. (Zefaniya 3:1; Jeremiya 6:13; 7:29-34) Zvisinei, temberi yavakwazve uye vanhu vazvipira kunamata Jehovha, imomo maizotaurwa chokwadi chokunamata kwakachena, uye Jerusarema raizonzi “guta rechokwadi.”

11:7-14—Kutyora kwakaita Zekariya mudonzvo wainzi “Kunaka” uye mumwe wainzi “Chisungo” kunofananidzirei? Zekariya anotaurwa somunhu akatumwa ‘kunofudza makwai aifanira kuurayiwa,’ kureva kuti vanhu vakaita semakwai vaidzvinyirirwa nevatungamiriri vavo. Somufudzi, Zekariya aifananidzira Jesu Kristu, uyo akatumwa kuvanhu vaMwari vesungano asi vakamuramba. Kutyorwa kwomudonzvo wainzi “Kunaka” kwaireva kuti Mwari aizogumisa sungano yoMutemo nevaJudha orega kuvaitira zvakanaka. Kutyorwa kwomudonzvo wainzi “Chisungo” kwaireva kuti ukama hwaiva pakati paJudha naIsraeri panyaya dzokunamata hwaizopera.

12:11—Chii chiri kurehwa nokuti “kuungudza kwokuHadhadhirimoni mubani reMegidho”? Mambo Josiya weJudha akaurayiwa muhondo naFarao Neko weIjipiti “mubani reMegidho,” uye akachemwa kwemakore pachiimbwa “nziyo dzemariro.” (2 Makoronike 35:25) Saka “kuungudza kwokuHadhadhirimoni” kungangoreva mariro aJosiya.

Zvatinodzidza:

1:2-6; 7:11-14. Jehovha anofadzwa uye anodzoka kune vaya vanopfidza uye vanobvuma kutsiurwa vodzoka kwaari vachimunamata nemweya wose. Asi haateereri panochema vaya ‘vanoramba kumuteerera, vachiramba vakasindimara, uye vanoisa zvimiti munzeve dzavo kuti varege kunzwa’ shoko rake.

4:6, 7. Hapana chipingamupinyi chakatadzisa mudzimu waJehovha kuti basa rokuvakazve temberi ripere. Chero dambudziko ripi zvaro ratingasangana naro mubasa raMwari rinogona kukurirwa nokutenda muna Jehovha.—Mateu 17:20.

4:10. Vachitarisirwa naJehovha, Zerubhabheri nevanhu vake vakapedza kuvaka temberi vachitevedzera zvainyatsodiwa naMwari. Kuita zvatinotarisirwa naJehovha hakuna kunyanyooma kunyange zvazvo tisina kukwana.

7:8-10; 8:16, 17. Kuti tifarirwe naJehovha tinofanira kururamisira, kuitirana mutsa worudo, nengoni, totaurirana chokwadi.

8:9-13. Jehovha anotikomborera kana ‘maoko edu akasimba’ pakuita basa raakatipa. Zvaanotikomborera nazvo zvinosanganisira rugare, kuchengeteka, uye kufambira mberi mune zvokunamata.

12:6. Vaya vane basa routariri pakati pevanhu vaJehovha vanofanira kuita “sezhenje romoto” pakushingaira.

13:3. Kuvimbika kwedu kuna Mwari wechokwadi nesangano rake kunofanira kupfuura kuvimbika kwedu kuna ani naani zvake kunyange angava wepedyo sei.

13:8, 9. Vanhu ivavo vakarambwa naJehovha nokuda kwokutsauka vaive vakawanda, zvikamu zviviri pazvitatu zvenyika yacho. Chikamu chechitatu chete ndicho chakanatswa sokunge kuti nomoto. Muzuva redu, chiKristudhomu, icho chine ruzhinji rwevanhu vanozviti vaKristu, chakarambwa naJehovha. Vashomanana chete, kureva vaKristu vakazodzwa, ndivo ‘vakadana zita raJehovha’ vakabvuma kunatswa. Ivo nevamwe vavo vavanonamata navo vanoratidza kuti havasi Zvapupu zvaJehovha zvezita chete.

Kukurudzirwa Kushingaira

Zvakaziviswa naHagai naZekariya zvinotibatsira sei nhasi? Patinofunga nezvokuti shoko ravo rakakurudzira vaJudha sei kuti vaite basa rokuvakazve temberi, hatinzwi tichikurudzirwa kuti tishingaire kuparidza Umambo uye kudzidzisa vanhu here?

Zekariya akafanotaura kuti Mesiya aizouya “akatasva mbongoro,” aizotengeswa ne“masirivha makumi matatu,” kuti aizorohwa ‘makwai opararira.’ (Zekariya 9:9; 11:12; 13:7) Chokwadi kufungisisa kuzadzika kwakaita uprofita hwaZekariya nezvaMesiya kunosimbisa kutenda kwedu! (Mateu 21:1-9; 26:31, 56; 27:3-10) Chivimbo chedu muShoko raJehovha nezvose zvaanotiitira kuti tipone chinosimbiswa.—VaHebheru 4:12.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Ona Nharireyomurindi yaJanuary 1, 1996, mapeji 9-22.

[Bhokisi riri papeji 11]

ZVINHU ZVISERE ZVAKARATIDZWA ZEKARIYA

1:8-17: Anovimbisa kuti temberi ichapera kuvakwa uye anoratidza kuti Jerusarema nemamwe maguta eJudha achakomborerwa.

1:18-21: Anovimbisa kuguma kwe‘nyanga ina dzakaparadzira Judha,’ kureva kuti, hurumende dzose dzaipikisa kunamatwa kwaJehovha.

2:1-13: Anoratidza kuti Jerusarema richawedzera kukura uye kuti Jehovha achava “rusvingo rwomoto kumativi ose,” kureva kuti acharidzivirira.

3:1-10: Anoratidza kuti Satani ndiye honzeri yokupikiswa kwebasa rokuvaka temberi uye kuti Mupristi Mukuru Joshua achanunurwa okanganwirwa zvaakakanganisa.

4:1-14: Anozivisa kuti zvipingamupinyi zvakaita semakomo zvichabviswa uye kuti Gavhuna Zerubhabheri achapedzisa kuvakwa kwetemberi.

5:1-4: Anotaura kuti vanoita zvakaipa vasiri kurangwa vane nhamo.

5:5-11: Anofanotaura kuguma kwouipi.

6:1-8: Anovimbisa kutsigira uye kudzivirira kwengirozi.

[Mufananidzo uri papeji 8]

Chinangwa cheshoko raHagai neraZekariya chaiva chei?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Vaya vane basa routariri vanoita “sezhenje romoto” sei?